Bhaibheri mune rimwe gore
Gumiguru 8

1. Mashoko aJeremia, mŋanakomana waHirkia, waiʋa worudzi rwaʋaprista ʋaiʋa paAnatoti panyika yaBenjamini:
2. Shoko raJehova rakaʋuya kwaari pamazuʋa aJosia, mŋanakomana waAmoni, mambo waJuda, negore regumi namatatu rokuɓata kwake ʋushe.
3. Rikaʋuya ʋo pamazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakupera kwegore regumi nerimŋe raZedekia, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakutapxa kwaʋeJerusarema nomŋedzi wecishanu.
4. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti:
5. Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu.
6. Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu.
7. Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura.
8. Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire.
9. Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako.
10. Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima.
11. Ipapo shoko raJehova rakaʋuya ɀe kwandiri, riciti: Jeremia, unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona ɗaʋi romuamanda.
12. Ipapo Jehova akati kwandiri: Waʋona ɀakanaka; nokuti ndinoȿinurira shoko raŋgu, kuti ndiriite.
13. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona gate rinoʋira, muromo waro unotarira kuno‐uri kurutiʋi rwokumsoro.
14. Ipapo Jehova akati kwandiri: Kurutiʋi rwokumsoro ndiko kucaɓuɗa ɀakaipa ɀicawira ʋanhu ʋose ʋagere panyika ino.
15. Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo.
16. Ndicareʋa ɀandakaʋatoŋgera pamsoro peɀakaipa ɀaʋo ɀose, ɀaʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanamata maɓasa amaʋoko aʋo.
17. Ɀino iwe, ciɀisuŋga ciʋuno, usimuke, uʋaparidzire ɀose ɀandakakuraira; usavunduka nokuɗa kwaʋo, kuti ndirege kukuvundusa pamberi paʋo.
18. Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika.
19. Ʋacarwa newe, asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
1. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti:
2. Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa.
3. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
4. Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri:
5. Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo?
6. Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu?
7. Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza.
8. Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri.
9. Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu.
10. Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai.
11. Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri.
12. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
13. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura.
14. Israeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaɓerekerwa mumba matenzi wake here? Ko ɀino wapambga seiko?
15. Ʋana ʋeshumba ʋakamuʋombera, ʋakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna‐unogara’mo.
16. Ʋana ʋeNofi naʋeTapanesi ʋakapedza vudzi romusoro wako.
17. Ko haunakuɀitȿakira iɀoɀo, ɀawakasiya Jehova Mŋari wako paŋguʋa yaakakufambisa panzira yake here?
18. Ɀino unondotȿakei panzira inoenda Egipita, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotȿakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here?
19. Ɀakaipa ɀako ɀinokuroʋa, kudzokera kwako shure kunokutuka; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova wehondo: Ziʋa, uʋone kuti cinhu cakaipa cinoʋaʋa kuti wakasiya Jehova Mŋari wako, ʋuye kuti haundityi.
20. Nokuti yatoʋa ŋguʋa huru yawakavuna joko rako, nokuɗambura ɀisuŋgo ɀako; ukati: Handiɗi kuɓatira; nokuti wakafugama pacikomo cipi necipi cakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema ucifeʋa.
21. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaŋga ndakusima uri muzambiriŋga wakaiȿo‐naka, mbeu kwayo yaɀokwaɗi; ɀino wandishandukira sei ukaʋa mataʋi akaipa omuzambiriŋga worumŋe rudzi?
22. Nokuti kunyaŋge ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀakaipa ɀako ɀakaita segwapa pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
23. Uŋgareʋa seiko, uciti: Handina‐kuȿiɓiswa, handina‐kuteʋera ʋaBaari? Cerekedza nzira yako pamupata, uziʋe cawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo;
24. uri hadzi yembizi yakaroʋera renje, inofembedza mhepo nokushuʋa kwayo; ndiani uŋgaidzora pakuʋiŋga kwayo? Dzose, dzinoitȿaka, hadziŋganeti; pamŋedzi wayo dzinoiwana.
25. Usatendera rutsoka rwako kufamba usineshaŋgu, nehuro dzako kuʋa nenyota. Asi iwe wakati: Haɀinamaturo; kwete, nokuti ndakaɗa ʋatorwa, ndiʋo ʋandicateʋera.
26. Mbava seɀainonyadziswa kana yaʋonekwa, saiɀoɀo imba yaIsraeri yanyadziswa, iʋo, namadzimambo aʋo, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋaprofita ʋaʋo;
27. iʋo, ʋanoti kuɗanda: Uri ɓaɓa ʋaŋgu; nokubge: Ndiwe wakandiɓereka; nokuti ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; asi paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo ʋacati: Simukai, mutiponese.
28. Ɀino ʋaripiko ʋamŋari ʋenyu ʋamakaɀiitira? Ŋgaʋasimuke kana ʋacigona kukuponesai paŋguʋa yokutambudzika; nokuti kuwanda kwaʋamŋari ʋako, iwe Jakobo, kwakaenzana namaguta ako.
29. Munokakaʋara neni neiko? Imi mose makandiɗarikira — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
30. Ndakaroʋa ʋana ʋenyu pasina, haʋana‐kuterera kuraŋgwa; munondo wenyu ndiwo wakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, seshumba inoparadza.
31. Haiwa, imi rudzi rwakaɗai! ʋonai shoko raJehova. Ko ini ndakaŋga ndiri renje kunaIsraeri here? Kana nyika yerima guru here? Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoreʋereiko ʋaciti: Tinotekeshera heɗu, haticazoʋuyi ɀe kwamuri?
32. Ko mhandara iŋgakaŋganwa ɀishoŋgo ɀayo, kana mŋeŋga mukonde wake here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakandikaŋganwa mazuʋa asiŋgaʋereŋgwi.
33. Haiwa, unoziʋa ɀakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utȿake kuɗikanwa! Saka wakadzidzisa naʋakadzi ʋakaipa ʋo nzira dzako.
34. Pamipendero yeŋguʋo dzako pakawanikwa ʋo ropa raʋarombo ʋasinemhaka; handina‐kuriwana pakapaziwa imba, asi paneɀiɀi ɀose.
35. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe wakati: Handinemhaka; ɀirokwaɀo kutsamŋa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndicakutoŋga, ɀaunoti: Handina‐kutadza.
36. Unofambireiko pose‐pose, ucishandura nzira yako? Ucanyadziswa neEgipita, seɀawakanyadziswa neAsiria.
37. Naipapo ʋo ucabva wakaisa maʋoko ako pamusoro wako; nokuti Jehova wakaramba ʋaunoʋimba naʋo, newe hauŋgaɓatsirwi naʋo.
5. Jehova unenyasha, wakarurama; Ɀirokwaɀo, Mŋari weɗu unetsitsi.
6. Jehova unoceŋgeta ʋasinamano; Ndakaŋga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
7. Dzokera kuzororo rako, mŋeya waŋgu; Nokuti Jehova wakakuitira ɀakanaka.
8. Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu, Nameso aŋgu pamisodzi, Netsoka dzaŋgu pakugumburwa.
9. Ndicafamba pamberi paJehova Panyika yaʋapenyu.
10. Ndakatenda pakutaura kwaŋgu, ndiciti: Ndakamanikidzwa kwaɀo;
11. Ndakati pakuvunduka kwaŋgu: Ʋanhu ʋose ʋanoreʋa nhema.
12. Ndicaʋigireiko Jehova Pamsoro pemikomborero yake yose kwandiri?
13. Ndicasimudza mukombe wokuponeswa, Ndiciɗana zita raJehova.
14. Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu, Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose.
1. Usaɀirumbidza pamsoro pezuʋa ramaŋgwana; Nokuti hauziʋi cauŋgaʋigirwa nezuʋa rimŋe.
1. Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi.
2. Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka;
3. nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama,
4. kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini.
5. Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise;
6. pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa.
7. Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu.
8. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu;
9. ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda;
10. kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake;
11. kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa.
12. Handiti ndato ci wana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ ko, kuti ɀimŋe ndi ci ɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira.
13. Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi,
14. ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu.
15. Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo.
16. Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika.
17. Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su.
18. Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu;
19. kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika.
20. Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu;
21. uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake.
Shona Bible 1949
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018