|
|
| 1. Mashoko aJeremia, mŋanakomana waHirkia, waiʋa worudzi rwaʋaprista ʋaiʋa paAnatoti panyika yaBenjamini: |
| 2. Shoko raJehova rakaʋuya kwaari pamazuʋa aJosia, mŋanakomana waAmoni, mambo waJuda, negore regumi namatatu rokuɓata kwake ʋushe. |
| 3. Rikaʋuya ʋo pamazuʋa aJehoiakimi, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakupera kwegore regumi nerimŋe raZedekia, mŋanakomana waJosia, mambo waJuda, kuȿikira pakutapxa kwaʋeJerusarema nomŋedzi wecishanu. |
| 4. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: |
| 5. Ndakakuziʋa ndisati ndakuʋumba muɗumbu ramai, ndakakuita mutȿene usati waɓuɗa muciɀaro camai; ndakakugadza kuti uʋe muprofita wamarudzi aʋanhu. |
| 6. Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Mŋari, tarirai, handigoni kutaura, nokuti ndiri mŋanana haŋgu. |
| 7. Asi Jehova wakati kwandiri: Usati ndiri mŋanana; nokuti kunaaninani wandineŋge ndicikutuma, unofanira kuenda, necinhu cipi necipi candineŋge ndicikuraira, unofanira kucitaura. |
| 8. Usatya nokuɗa kwaʋo, nokuti ɀanzi naJehova: Ini ndinewe, kuti ndikurwire. |
| 9. Ipapo Jehova akatambanudza ruʋoko rwake, akaɓata muromo waŋgu; Jehova akati kwandiri: Tarira, ndaisa mashoko aŋgu mumuromo mako. |
| 10. Tarira, ndakugadza zuʋa ranhasi uʋe nesimba pamsoro pamarudzi noʋushe, kuti udzure nokukoromora, kuparadza nokuwisira pasi, kuʋaka nokurima. |
| 11. Ipapo shoko raJehova rakaʋuya ɀe kwandiri, riciti: Jeremia, unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona ɗaʋi romuamanda. |
| 12. Ipapo Jehova akati kwandiri: Waʋona ɀakanaka; nokuti ndinoȿinurira shoko raŋgu, kuti ndiriite. |
| 13. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri rwecipiri, riciti: Unoʋonei? Ndikati: Ndinoʋona gate rinoʋira, muromo waro unotarira kuno‐uri kurutiʋi rwokumsoro. |
| 14. Ipapo Jehova akati kwandiri: Kurutiʋi rwokumsoro ndiko kucaɓuɗa ɀakaipa ɀicawira ʋanhu ʋose ʋagere panyika ino. |
| 15. Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndinoɗana marudzi ose oʋushe ari kurutiʋi rwokumsoro; acaʋuya, rumŋe norumŋe rucaisa cigaro carwo coʋushe paʋanopinda pamasuʋo eJerusarema, napamaȿiŋgo aro kumatiʋi ose napamaguta ose aJuda, kuzorwa nawo. |
| 16. Ndicareʋa ɀandakaʋatoŋgera pamsoro peɀakaipa ɀaʋo ɀose, ɀaʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanamata maɓasa amaʋoko aʋo. |
| 17. Ɀino iwe, ciɀisuŋga ciʋuno, usimuke, uʋaparidzire ɀose ɀandakakuraira; usavunduka nokuɗa kwaʋo, kuti ndirege kukuvundusa pamberi paʋo. |
| 18. Nokuti tarira, ndakakuita zuʋa ranhasi guta rakakomberedzwa, nembiru yeɗare, namaȿiŋgo endarira, urwe nenyika yose, namadzimambo aJuda, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋanhu ʋenyika. |
| 19. Ʋacarwa newe, asi haʋaŋgakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
|
|
| 1. Ɀino shoko raJehova rakaʋuya kwandiri, riciti: |
| 2. Enda, undoɗana munzeʋe dzaʋeJerusarema, uti: Ɀanzi naJehova: Ndakaraŋgarira pamsoro pako ʋunyoro bgoʋuɗuku bgako noruɗo rweŋguʋa yokuwanikwa kwako, kuti wakanditeʋera murenje, munyika yakaŋga isina‐kudɀarwa. |
| 3. Israeri ʋakaŋga ʋari rudzi rutȿene kunaJehova, ɀiɓereko ɀitȿa ɀaakaɀiwanira; ʋose ʋanomudya ʋacaʋa nemhoȿa; ʋacawirwa neɀakaipa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
| 4. Inzwai shoko raJehova, imi imba yaJakobo, nemhuri dzose dzeimba yaIsraeri: |
| 5. Ɀanzi naJehova: Madziɓaɓa enyu akawana ɀisakarurama ɀipiko kwandiri, ɀaʋakaenda kure neni, ɀaʋakateʋera ɀisinamaturo, iʋo ʋamene ʋakaʋa ʋasinamaturo? |
| 6. Ʋuye haʋana‐kureʋa, ʋaciti: Uripiko Jehova wakatiɓuɗisa panyika yeEgipita, akatifambisa murenje, munyika inamasaŋgo namakomba, munyika yakawoma neyomumvuri worufu, munyika isiŋgafambgi nomunhu acipfuʋura’po, musiŋgagari munhu? |
| 7. Ndakakuȿitsai munyika ineminda yakaʋorera, kuti mudye ɀiɓereko ɀayo neɀakanaka ɀayo; asi makati mapinda, mukaȿiɓisa nyika yaŋgu, mukaita nhaka yaŋgu cinhu cinonyaŋgadza. |
| 8. Ʋaprista haʋana‐kuti: Jehova uripiko? Ʋaifambisa mirairo ʋakaŋga ʋasiŋgandiziʋi, ʋafudzi ʋaindiɗarikira, ʋaprofita ʋaiprofitera Baari, ʋaciteʋera ɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. |
| 9. Saka ɀanzi naJehova: Ndicaramba ndicikakaʋara nemi, ndicakakaʋara naʋana ʋaʋana ʋenyu. |
| 10. Nokuti yambukirai kuɀiwi ɀeKitimi, muʋone; tumai ʋanhu Kedari, mufuŋgisise ɀakanaka, muʋone kana kwakamboʋa’po cinhu cakaɗai. |
| 11. Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri. |
| 12. Shamiswa necinhu ici, iwe ɗeŋga rose, utye ɀikuru, uvunduswe kwaɀo — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
| 13. Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura. |
| 14. Israeri muranda here? Ko ndiye muranda wakaɓerekerwa mumba matenzi wake here? Ko ɀino wapambga seiko? |
| 15. Ʋana ʋeshumba ʋakamuʋombera, ʋakarira, nokuparadza nyika yake; maguta ake akapiswa, hakuna‐unogara’mo. |
| 16. Ʋana ʋeNofi naʋeTapanesi ʋakapedza vudzi romusoro wako. |
| 17. Ko haunakuɀitȿakira iɀoɀo, ɀawakasiya Jehova Mŋari wako paŋguʋa yaakakufambisa panzira yake here? |
| 18. Ɀino unondotȿakei panzira inoenda Egipita, kundonwa mvura yeSihori here? Unondotȿakei panzira inoenda Asiria, kundonwa mvura yoRwizi here? |
| 19. Ɀakaipa ɀako ɀinokuroʋa, kudzokera kwako shure kunokutuka; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova wehondo: Ziʋa, uʋone kuti cinhu cakaipa cinoʋaʋa kuti wakasiya Jehova Mŋari wako, ʋuye kuti haundityi. |
| 20. Nokuti yatoʋa ŋguʋa huru yawakavuna joko rako, nokuɗambura ɀisuŋgo ɀako; ukati: Handiɗi kuɓatira; nokuti wakafugama pacikomo cipi necipi cakakwirira napasi pomuti upi noupi mutema ucifeʋa. |
| 21. Kunyaŋge ɀakaɗaro ndakaŋga ndakusima uri muzambiriŋga wakaiȿo‐naka, mbeu kwayo yaɀokwaɗi; ɀino wandishandukira sei ukaʋa mataʋi akaipa omuzambiriŋga worumŋe rudzi? |
| 22. Nokuti kunyaŋge ukashamba nesoda, ukatora sipo zhinji, kunyaŋge ɀakaɗaro ɀakaipa ɀako ɀakaita segwapa pamberi paŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. |
| 23. Uŋgareʋa seiko, uciti: Handina‐kuȿiɓiswa, handina‐kuteʋera ʋaBaari? Cerekedza nzira yako pamupata, uziʋe cawakaita; uri hadzi yekamera inomhanya, inofamba nenzira dzayo; |
| 24. uri hadzi yembizi yakaroʋera renje, inofembedza mhepo nokushuʋa kwayo; ndiani uŋgaidzora pakuʋiŋga kwayo? Dzose, dzinoitȿaka, hadziŋganeti; pamŋedzi wayo dzinoiwana. |
| 25. Usatendera rutsoka rwako kufamba usineshaŋgu, nehuro dzako kuʋa nenyota. Asi iwe wakati: Haɀinamaturo; kwete, nokuti ndakaɗa ʋatorwa, ndiʋo ʋandicateʋera. |
| 26. Mbava seɀainonyadziswa kana yaʋonekwa, saiɀoɀo imba yaIsraeri yanyadziswa, iʋo, namadzimambo aʋo, namacinda aʋo, naʋaprista ʋaʋo, naʋaprofita ʋaʋo; |
| 27. iʋo, ʋanoti kuɗanda: Uri ɓaɓa ʋaŋgu; nokubge: Ndiwe wakandiɓereka; nokuti ʋakandifuratira, haʋana‐kunditarira neɀiso ɀaʋo; asi paŋguʋa yokutambudzika kwaʋo ʋacati: Simukai, mutiponese. |
| 28. Ɀino ʋaripiko ʋamŋari ʋenyu ʋamakaɀiitira? Ŋgaʋasimuke kana ʋacigona kukuponesai paŋguʋa yokutambudzika; nokuti kuwanda kwaʋamŋari ʋako, iwe Jakobo, kwakaenzana namaguta ako. |
| 29. Munokakaʋara neni neiko? Imi mose makandiɗarikira — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
| 30. Ndakaroʋa ʋana ʋenyu pasina, haʋana‐kuterera kuraŋgwa; munondo wenyu ndiwo wakaʋuraya ʋaprofita ʋenyu, seshumba inoparadza. |
| 31. Haiwa, imi rudzi rwakaɗai! ʋonai shoko raJehova. Ko ini ndakaŋga ndiri renje kunaIsraeri here? Kana nyika yerima guru here? Ʋanhu ʋaŋgu ʋanoreʋereiko ʋaciti: Tinotekeshera heɗu, haticazoʋuyi ɀe kwamuri? |
| 32. Ko mhandara iŋgakaŋganwa ɀishoŋgo ɀayo, kana mŋeŋga mukonde wake here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakandikaŋganwa mazuʋa asiŋgaʋereŋgwi. |
| 33. Haiwa, unoziʋa ɀakanaka sei kunatsa nzira yako, kuti utȿake kuɗikanwa! Saka wakadzidzisa naʋakadzi ʋakaipa ʋo nzira dzako. |
| 34. Pamipendero yeŋguʋo dzako pakawanikwa ʋo ropa raʋarombo ʋasinemhaka; handina‐kuriwana pakapaziwa imba, asi paneɀiɀi ɀose. |
| 35. Kunyaŋge ɀakaɗaro iwe wakati: Handinemhaka; ɀirokwaɀo kutsamŋa kwake kwakadzorwa kwandiri. Tarira, ndicakutoŋga, ɀaunoti: Handina‐kutadza. |
| 36. Unofambireiko pose‐pose, ucishandura nzira yako? Ucanyadziswa neEgipita, seɀawakanyadziswa neAsiria. |
| 37. Naipapo ʋo ucabva wakaisa maʋoko ako pamusoro wako; nokuti Jehova wakaramba ʋaunoʋimba naʋo, newe hauŋgaɓatsirwi naʋo. |
|
|
| 5. Jehova unenyasha, wakarurama; Ɀirokwaɀo, Mŋari weɗu unetsitsi. |
| 6. Jehova unoceŋgeta ʋasinamano; Ndakaŋga ndashaiwa simba, iye akandiponesa. |
| 7. Dzokera kuzororo rako, mŋeya waŋgu; Nokuti Jehova wakakuitira ɀakanaka. |
| 8. Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu, Nameso aŋgu pamisodzi, Netsoka dzaŋgu pakugumburwa. |
| 9. Ndicafamba pamberi paJehova Panyika yaʋapenyu. |
| 10. Ndakatenda pakutaura kwaŋgu, ndiciti: Ndakamanikidzwa kwaɀo; |
| 11. Ndakati pakuvunduka kwaŋgu: Ʋanhu ʋose ʋanoreʋa nhema. |
| 12. Ndicaʋigireiko Jehova Pamsoro pemikomborero yake yose kwandiri? |
| 13. Ndicasimudza mukombe wokuponeswa, Ndiciɗana zita raJehova. |
| 14. Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu, Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose. |
|
|
| 1. Usaɀirumbidza pamsoro pezuʋa ramaŋgwana; Nokuti hauziʋi cauŋgaʋigirwa nezuʋa rimŋe. |
|
|
| 1. Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi. |
| 2. Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka; |
| 3. nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama, |
| 4. kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini. |
| 5. Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise; |
| 6. pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa. |
| 7. Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. |
| 8. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu; |
| 9. ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda; |
| 10. kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; |
| 11. kuti ɀimŋe ndiȿike pakumuka kwaʋakafa. |
| 12. Handiti ndato ci wana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshiŋgairira’ ko, kuti ɀimŋe ndi ci ɓate, ico Kristu Jesu caakambondiɓatira. |
| 13. Hama dzaŋgu, ini handiti ndatociɓata, asi ndinoita cinhu cimŋe: ndinokaŋganwa ɀiri shure, ndicinanaʋira kuneɀiri mberi, |
| 14. ndinoshiŋgairira kunharidzano, kuti ndipiwe muɓairo wokuɗana kwaMŋari kunobva kuɗeŋga, munaKristu Jesu. |
| 15. Naiɀoɀo isu tose, takakura, ŋgatiʋe nomŋoyo wakaɗaro; kana imi munomumŋe mŋoyo, Mŋari ucakuratidzai naiɀoɀo ʋo. |
| 16. Asi, ŋgatirambe ticifamba ɓedzi nomurairo iwoyu wataȿika nawo pataȿika. |
| 17. Hama dzaŋgu, iʋai ʋateʋeri ʋaŋgu mose; natsai kutarira aʋo ʋanofamba saiɀoɀo seɀatakakutuŋgamirirai su. |
| 18. Nokuti ʋazhinji, ʋandakakuʋudzai ɀizhinji, naɀino ndinokuʋudzai ʋo nokucema, ʋanofamba ʋari ʋaʋeŋgi ʋomucinjikwa waKristu; |
| 19. kuguma kwaʋo ndiko kuparadzwa, mŋari waʋo iɗumbu raʋo, ʋanoɀirumbidza pamsoro peɀinonyadzisa ɀaʋo, ʋanofuŋga ɀenyika. |
| 20. Nokuti nyika yeɗu iri kuɗeŋga, uko kwatakatarira kuʋuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; |
| 21. uyo ucaʋandudza muʋiri wokuninipiswa kweɗu, kuti ufanane nomuʋiri wokubginya kwake, nesimba iro raanogona ʋo naro kuɀiisira ɀose pasi pake. |
|
|
| Shona Bible 1949 |
| © British and Foreign Bible Society 1949, 2018 |