Bhaibheri mune rimwe gore Kukadzi 13Ekisodho 37:1-291. Ɀino Bezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe nehafu, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu;2. akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka necomukati necokunze, akaita pamsoro payo hata yendarama yakaipotedza.3. Akaiʋumbira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaɀiisa pamakumbo ayo manna; ɀindori ɀiʋiri ɀaiʋa parutiʋi rumŋe, neɀindori ɀiʋiri panorumŋe rutiʋi ɀe.4. Akaʋeza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama,5. akapinza matanda iwayo muɀindori ɀaiʋa panhiʋi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo.6. Akaita ʋo cifunhiro cokuyananisa nendarama yakaiȿo‐naka; kureɓa kwaco kwaiʋa makubiti maʋiri nehafu, noʋupamhi bgaco kubiti rimŋe nehafu;7. akaita makerubi maʋiri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miʋiri yecifunhiro cokuyananisa,8. kerubi rimŋe pamuromo mumŋe, nerimŋe kerubi panomumŋe muromo; akaita makerubi pamiromo yaco miʋiri, ɀikaʋa cinhu cimŋe cete necifunhiro cokuyananisa.9. Makerubi akaŋga akatambanudzira mapapiro awo kumsoro, akafukidza cifunhiro cokuyananisa namapapiro awo, ɀiso ɀawo ɀakatarisana; ɀiso ɀamakerubi ɀakaŋga ɀakatarira kucifunhiro cokuyananisa.10. Akaita ʋo tafura yamatanda omuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe, nokukwirira kwayo kubiti rimŋe nehafu.11. Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga iciipotedza;12. akaiitira ʋo ʋukomba bgakaŋga ʋuciipotedza, ʋupamhi bgabgo secanza; akaiitira ʋo hata yendarama yaipotedza ʋukomba bgayo.13. Akaiitira ɀindori ɀinna ɀendarama, akaisa ɀindori pamakona manna aiʋa pamakumbo ayo manna.14. Ɀindori ɀaiʋa pedyo noʋukomba, paiʋa pokutakura tafura napo namatanda.15. Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo.16. Akaita ʋo midziyo yaigara pamsoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, neɀiroŋgo ɀayo ɀokuɗira naɀo, ɀose ɀendarama yakaiȿo‐naka.17. Akaita ʋo cigadziko cemŋenje cendarama yakaiȿo‐naka; akaita cigadziko nendarama yakapambadzirwa, cigadziko caco, nehunde yaco, notumbiya twaco, namafundo aco, namaruʋa aco; ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cete naco;18. kumatiʋi aco kukaɓuɗa mataʋi matanhatu, mataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco, namataʋi matatu ecigadziko kunorumŋe rutiʋi rwaco.19. Tumbiya tutatu twakaʋumbga samaruʋa omuamanda paɗaʋi rimŋe, nefundo neruʋa, notumbiya tutatu ɀe twakaʋumbga samaruʋa omuamanda panerimŋe ɗaʋi, nefundo neruʋa; saiɀoɀo mataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko.20. Ʋuye pacigadziko pakaŋga panotumbiya tunna twakaŋga twakaʋumbga samaruʋa omuamanda, namafundo atwo, namaruʋa atwo;21. nefundo panyasi pamataʋi maʋiri akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naco; nefundo ɀe panyasi pamataʋi maʋiri akaʋumbga pamŋe cete naco, akafanana namataʋi matanhatu akaɓuɗa pacigadziko.22. Mafundo aɀo namataʋi aɀo akaŋga akaʋumbga pamŋe cete naɀo, ɀose ɀikaʋa cinhu cimŋe cakaŋga cakaʋumbga nendarama yakaiȿo‐naka, yakapambadzirwa.23. Akaita mŋenje yaco minomŋe, nembato dzaco, nendiro dzaco, ɀose nendarama yakaiȿo‐naka.24. Akaciʋumba netarenta rendarama yakaiȿo‐naka, pamŋe cete nemidziyo yayo yose.25. Akaita ʋo artari yeɀinonhuwira nomuakasia; kureɓa kwayo kwakaŋga kuri kubiti rimŋe, noʋupamhi bgayo kubiti rimŋe ɀe; nhiʋi dzose inna dzakaŋga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiʋa makubiti maʋiri, nenyaŋga dzayo dzakaŋga dziri cinhu cimŋe cete nayo.26. Akaifukidza nendarama yakaiȿo‐naka, kumsoro kwayo, nenhiʋi dzayo dzose, nenyaŋga dzayo; akaiitira ʋo hata yendarama yakaŋga yakaipotedza.27. Akaiitira ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri, panhiʋi dzayo mbiri, pakaʋa pokuitakura napo namatanda.28. Akaita ʋo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama.29. Akaita ʋo mafuta matȿene okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀakaiȿo‐naka ɀemiti inonaka, ɀikaʋa ɀakaveŋganiswa noʋucenjeri bgomuveŋganisi weɀinonhuwira.Ekisodho 38:1-311. Akaita artari yeɀiɓayiro ɀinopiswa nomuakasia; kureɓa kwayo kwaiʋa makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; yakaŋga inenhiʋi inna dzakaŋga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiʋa makubiti matatu.2. Akaita ʋo nyaŋga dzayo pamakona ayo manna, nyaŋga dzayo dzikaʋa cinhu cimŋe cete nayo; akaifukidza nendarira.3. Akaita nhumbi dzose dzeartari, hari, nefoshoro, nemidziyo, neɀikokoʋonho ɀenyama, neɀaeŋga ɀomŋoto, nhumbi dzose akadziita nendarira.4. Akaitira ʋo artari cakarukwa cendarira, cakarukwa samambure, pasi pecitsiko cakaipotedza necenyasi, cakaȿikira pakati payo.5. Akaitira makona manna ecakarukwa cendarira ɀindori ɀinna paiʋa pokutakura napo namatanda.6. Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarira.7. Akaisa matanda mukati meɀindori ɀaiʋa panhiʋi dzeartari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuraŋga, ikasaʋa necinhu mukati.8. Akaita, ʋo mudziyo wokushambidzira wendarira, necigadziko cawo cendarira, neɀiʋoni‐ʋoni ɀaʋakadzi ʋaishandira pamukoʋa wetente rokusoŋgana.9. Akaita ʋo ruʋazhe; kurutiʋi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakaŋga kuneɀirembedzwa ɀemiceka yakaiȿo‐naka yakarukwa, makubiti anezana;10. mbiru dzayo dzakaŋga dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀaiʋa ɀesirveri.11. Kurutiʋi rwokumsoro kwaiʋa namakubiti anezana, nembiru dzayo dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀaiʋa ɀesirveri.12. Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa kwakaŋga kuneɀirembedzwa ɀemiceka ɀinamakubiti anamakumi mashanu, nembiru dzaɀo dzinegumi, neɀigadziko ɀadzo ɀinegumi; ɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀaiʋa ɀesirveri.13. Kurutiʋi rwamabvazuʋa kunotarira kumabvazuʋa kwaiʋa namakubiti makumi mashanu.14. Ɀirembedzwa ɀemiceka kurutiʋi rumŋe rwesuʋo ɀakaŋga ɀinamakubiti anegumi namashanu, nembiru dzaɀo nhatu, neɀigadziko ɀadzo ɀitatu.15. Nokunorumŋe rutiʋi ʋo; kurutiʋi rumŋe norumŋe rwesuʋo roruʋazhe kwakaŋga kuneɀirembedzwa ɀemiceka ɀinamakubiti anegumi namashanu, nembiru dzaɀo nhatu, neɀigadziko ɀadzo ɀitatu.16. Ɀirembedzwa ɀose ɀemiceka paruʋazhe ɀaipotedza nhiʋi dzose, ɀaiʋa ɀomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa.17. Neɀigadziko ɀembiru ɀaiʋa ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀaiʋa ɀesirveri; nemisoro yadzo yakaŋga yakafukidzwa nesirveri; mbiru dzose dzoruʋazhe dzakaŋga dzakaɓatanidzwa neɀindori ɀesirveri.18. Cidzitiro cesuʋo roruʋazhe cakaŋga cakaitwa nomusoni, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa; kureɓa kwaco kwaiʋa namakubiti anamakumi maʋiri, nokukwirira paʋupamhi bgaco makubiti mashanu, ɀakafanana neɀirembedzwa ɀemiceka paruʋazhe.19. Mbiru dzayo dzaiʋa inna, neɀigadziko ɀadzo ɀinna ɀendarira; ɀikorekedzo ɀadzo ɀaiʋa ɀesirveri, misoro yadzo neɀindori ɀadzo ɀakaŋga ɀakafukidzwa nesirveri.20. Mbambo dzose dzetabernakeri nedzoruʋazhe, rwakaŋga ruciipotedza kunhiʋi dzose, dzaiʋa dzendarira.21. Ndiko kuwanda kweɀinhu ɀetabernakeri, ɀetabernakeri yecipupuriro, pakuʋereŋgwa kwaɀo nokuraira kwaMosesi; ʋaRevi ʋakaite‐ɓasa iro ʋacirairwa naItamari, mŋanakomana waAroni muprista.22. Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, wakaita ɀose ɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova,23. anaOhoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani, muʋezi nomuɓati wakacenjera, nomusoni we ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nemiceka yakaiȿo‐naka.24. Ndarama yose yaʋaiɓatisa nayo maɓasa ose apaimba tȿene, iyo ndarama yeɀipo, aiʋa matarenta anamakumi maʋiri namapfumbamŋe, namashekeri anamazana manomŋe namakumi matatu, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene.25. Nesirveri yaiʋo ʋakaŋga ʋaciʋereŋgwa paʋuŋgano aiʋa matarenta anezana, namashekeri anecuru cimŋe namazana manomŋe namakumi manomŋe namashanu, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene.26. Munhu mumŋe nomumŋe wakaripa beka rimŋe, iri hafu yeshekeri rimŋe, ɀicienzaniswa neshekeri rapaimba tȿene; mumŋe nomumŋe wakaɗarika kunaʋakaʋereŋgwa, wakaŋga anamakore makumi maʋiri, kana wakapfuʋura makore iwayo, ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu.27. Namatarenta esirveri anezana aiʋa okuʋumbisa nawo ɀigadziko ɀapaimba tȿene neɀigadziko ɀecidzitiro; ɀigadziko ɀinezana ɀakaitwa namatarenta anezana, cigadziko cimŋe necimŋe netarenta rimŋe.28. Namashekeri anecuru cimŋe namazana manomŋe namakumi manomŋe namashanu wakaita ɀikorekedzo ɀembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuɀiitira ʋo ɀindori.29. Ndarira yeɀipo yakaŋga inamatarenta anamakumi manomŋe namashekeri aneɀuru ɀiʋiri namazana manna.30. Nayo wakaita ɀigadziko ɀomukoʋa wetente rokusoŋgana, neartari yendarira, necakarukwa cayo cendarira, nenhumbi dzose dzapaartari,31. neɀigadziko ɀose ɀoruʋazhe rwakaŋga rwakapotedza, neɀigadziko ɀesuʋo roruʋazhe, nembambo dzose dzetabernakeri, nembambo dzose dzoruʋazhe rwakaŋga rwakapotedza.Mapisarema 22:9-159. Asi ndimi makandiɓuɗisa paciɀaro; Makandiʋimbisa nemi ndiciri pamazamu amai ʋaŋgu.10. Ndakaiswa kwamuri kubva paciɀaro; Imi muri Mŋari waŋgu kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu.11. Regai kuʋa kure neni; nokuti njodzi iri pedyo; Nokuti hapana‐uŋgaɓatsira.12. Hando zhinji dzakandikomba; Hando dzinesimba dzaBashani dzakandipoteredza.13. Dzinondishamisira miromo yadzo, Seshumba inoparadza iciʋomba.14. Ndakaɗururwa semvura, Mafupa aŋgu ose akaȿoɗogoka; Mŋoyo waŋgu wakafanana nenamo; Wakanyauka mukati moʋura bgaŋgu.15. Simba raŋgu rakawoma secaeŋga; Rurimi rwaŋgu rwakanamatira pashaya dzaŋgu; Makandiisa paguruʋa rorufu.Zvirevo 8:12-2112. Ini ʋucenjeri ndakaita kuŋgwara imba yaŋgu, Ndinowana ziʋo namano akarurama.13. Kutya Jehova ndiko kuʋeŋga ɀakaipa; Kuɀikudza namanyawi nenzira yakaipa, Nomuromo unonyeŋgedzera, ndinoɀiʋeŋga.14. Ndinezano rakanaka nokuɓata kwakakwana; Ndini kucenjera; ndinesimba.15. Madzimambo anoɓata ʋushe neni, Ʋaɓati ʋanotoŋga ʋanhu neni.16. Madzishe anofambisa ʋushe neni, Naʋakuru, iʋo ʋatoŋgi ʋose ʋapasi.17. Ndinoɗa ʋanondiɗa; Ʋanonditȿaka nomŋoyo wose ʋacandiwana.18. Fuma nokukudzwa ɀineni, Ɀinokosha ɀakaiȿo‐naka nokururama.19. Ɀiɓereko ɀaŋgu ɀakanaka kupfuʋura ndarama, kunyaŋge ndarama yakaiȿo‐naka; Ɀandinowana ɀinopfuʋura sirveri yakasarurwa.20. Ndinofamba nenzira yokururama, Mukati mamakwara okururamisa;21. Kuti ndigarise nhaka ʋanondiɗa, Ndizadze ɀiʋigiro ɀefuma yaʋo.Mateu 26:51-7551. Ɀino tarira, mumŋe waʋaiʋa naJesu, akatambanudza ruʋoko rwake, akavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake.52. Ɀino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti ʋose ʋanoɓata munondo, ʋacafa nomunondo.53. Unofuŋga here kuti handigoni kukumbira kunaƂaɓa ʋaŋgu, ʋakandipa ikoɀino ʋatumŋa ʋanopfuʋura mapoka makuru‐kuru anegumi namaʋiri?54. Magwaro aŋgagoitika seiko, anoti ɀinofanira kuitwa kuɗaro?55. Neŋguʋa iyo Jesu akati kuʋanhu ʋazhinji: Maɓuɗa neminondo netȿimbo kuzondiɓata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuʋa ose, ndicidzidzisa, mukasandiɓata.56. Asi iɀi ɀose ɀaitwa kuti magwaro aʋaprofita aitike. Ɀino ʋadzidzi ʋose ʋakamusiya, ʋakatiza.57. Aʋo, ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuisa kunaKayafasi, muprista mukuru, apo pakaŋga paʋuŋgana ʋanyori naʋakuru.58. Asi Petro wakamuteʋera ari kure, kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru, akapinda mukati, akagara naʋatariri kuzoʋona kupera kwaɀo.59. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka ʋucapupu bgenhema kuti ʋapomere Jesu, ʋamuʋuraye;60. asi haʋana‐kuwana, kunyaŋge ɀapupu ɀizhinji ɀenhema ɀakaʋuya. Pashure ɀiʋiri ɀakaȿika, ɀikati:61. Munhu uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMŋari, ndikaiʋaka ɀe namazuʋa matatu.62. Ɀino muprista mukuru akasimuka, akati kwaari: Haupinduri cinhu here? Cinyiko ici caʋanokupomedzera?63. Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari: Ndinokupikisa naMŋari mupenyu, kuti utiʋudze kana uri Kristu, Mŋanakomana waMŋari.64. Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura; asi ndinoti kwamuri: Kubva ɀino mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga.65. Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Wamhura Mŋari! Ticatȿakireiko ɀapupu? Tarirai, manzwa ɀino kumhura kwake.66. Munoti kuɗiniko? Ʋakapindura, ʋakati: Unofanira kufa.67. Ɀino ʋakamupfira mate paciso, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋamŋe noruʋoko,68. ʋaciti: Profita, iwe Kristu, kuti ndiani wakuroʋa.69. Petro wakaŋga agere panze paruʋazhe. Ɀino mushandiri akaʋuya kwaari, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weGarirea.70. Asi iye wakaramba pamberi paʋose, aciti: Handiziʋi ɀaunoreʋa.71. Ɀino wakati aɓuɗa pasuʋo, mumŋe mushandiri akamuʋona, akati kunaʋaiʋa’po: Uyu munhu wakaŋga anaJesu weNazareta.72. Akaramba ɀe nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu.73. Caʋa ciŋguʋa ʋakaŋga ʋamire’po ʋakaʋuya, ʋaciti kunaPetro: Ɀirokwaɀo, newe ʋo uri mumŋe waʋo, nokuti kutaura kwako kunokuziʋisa.74. Ɀino wakataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. Pakarepo joŋgwe rikarira.75. Ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga naJesu, rokuti: Joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Ipapo akaɓuɗa panze, akandocema ɀikuru. Shona Bible 1949 © British and Foreign Bible Society 1949, 2018