Bhaibheri mune rimwe gore
Kurume 15

1. Ɀino ʋanasikana ʋaZerofehadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋakasweɗera kunaMosesi; ndiwo mazita aʋanasikana ʋake: Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza;
2. ʋakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari muprista, napamberi pamacinda neʋuŋgano yose, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakati:
3. Ƃaɓa ʋeɗu ʋakafira murenje, asi ʋakaŋga ʋasi pakati peɓoka raʋaya ʋakaʋuŋgana kuzorwa naJehova, ʋeɓoka raKora; ʋakafira haʋo muɀiʋi ɀaʋo, ʋasinaʋanakomana.
4. Ɀino zita raɓaɓa ʋeɗu ricabvisirweiko pakati pemhuri yaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasinaʋanakomana? Tipei ʋo nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋeɗu.
5. Mosesi akaisa shoko raʋo pamberi paJehova.
6. Jehova akataura naMosesi, akati:
7. Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋanotaura kwaɀo; ɀirokwaɀo, unofanira kuʋapa nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋaʋo; unofanira kuʋagarisa nhaka yaɓaɓa ʋaʋo.
8. Ɀino unofanira kutaura naʋana ʋaIsraeri, uciti: Kana munhu akafa asinomŋanakomana, munofanira kugarisa mŋanasikana wake nhaka yake.
9. Kana asinomŋanasikana, munofanira kupa ʋakuru ʋake naʋanuŋuna ʋake nhaka yake.
10. Kana asinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa ʋakuru kana ʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋake nhaka yake.
11. Kana ɓaɓa ʋake ʋasinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, iʋe yake. Unofanira kuʋa mutemo wokutoŋga nawo pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
12. Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Kwira pagomo iri reAbarimi, uʋone nyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri.
13. Ipapo kana waiʋona, newe ʋo ucasoŋganiswa naʋanhu ʋako, seɀakasoŋganiswa mukuru wako Aroni;
14. nokuti makaramba shoko raŋgu murenje reZini, paŋguʋa yokurwa kweʋuŋgano, mukarega kunditsaura pamberi paʋo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeriba paKadeshi, murenje reZini.)
15. Ɀino Mosesi akataura naJehova, akati:
16. Jehova, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ŋgaagadze murume paʋuŋgano iyi,
17. ucaɓuɗa pamberi paʋo, nokupinda pamberi paʋo, uŋgaʋaɓuɗisa nokuʋapinza; kuti ʋuŋgano yaJehova irege kuʋa samakwai asinomufudzi.
18. Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora Joshua, mŋanakomana waNuni, murume unomŋeya mukati make, uise ruʋoko rwako pamsoro pake.
19. Umuise pamberi paEreazari muprista, napamberi peʋuŋgano yose, ugomurairira pamberi paʋo.
20. Uise pamsoro pake ɀoʋukuru bgako, kuti ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri imuterere.
21. Iye unofanira kumira pamberi pomuprista Ereazari, iye amuvunzire pamberi paJehova nokutoŋga kweUrimi; nokuraira kwake, ʋanofanira kuɓuɗa, nokuraira kwake, ʋanofanira kupinda, iye pamŋe cete naʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋuŋgano yose.
22. Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; akatora Joshua, akamuisa pamberi pomuprista Ereazari, napamberi peʋuŋgano yose;
23. akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akamurairira, seɀakataura Jehova nomuromo waMosesi.
1. Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati:
2. Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Munofanira kuraŋgarira kundipa neŋguʋa yaɀo yakafanira ɀipo ɀaŋgu, iɀo ɀokudya ɀaŋgu ɀeɀipiriso ɀaŋgu ɀinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kwandiri.
3. Unofanira kuti kwaʋari: Ndico cipiriso cinopiswa camunofanira kupa Jehova: Makwaiana amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara, maʋiri zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose.
4. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maŋgwanani, rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana;
5. necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿiniwa.
6. Ndico cipiriso cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose, cakarairwa pagomo reSinai, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cipiriso cinopisirwa Jehova.
7. Necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cecinna cehini cegwaiana rimŋe nerimŋe; unofanira kuɗururira Jehova cipiriso ceɀinoɓata.
8. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; unofanira kuʋuya naro pamŋe cete necipiriso coʋupfu, necipiriso cinoɗururwa, ɀakafanana neɀamaŋgwanani, ciʋe cipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
9. Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa.
10. Ndico cipiriso cinopiswa cesaɓata rimŋe nerimŋe, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
11. Pakuʋamba kwemŋedzi yenyu munofanira kuʋuya necipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku negondobge rimŋe, namakwaiana manomŋe amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara;
12. neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, panzombe imŋe neimŋe; neɀegumi ɀiʋiri ɀoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, pagondobge rimŋe nerimŋe;
13. necegumi cimŋe coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu pagwaiana rimŋe nerimŋe; ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka cinopisirwa Jehova.
14. Ɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀinofanira kuʋa ɀehafu yehini yewaini panzombe imŋe, necetatu cehini pagondobge rimŋe, nececinna cehini pagwaiana rimŋe; ndico cipiriso cinopiswa cinofanira kuitwa mŋedzi mumŋe nomumŋe wemŋedzi yegore rose.
15. Ʋuye nhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
16. Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, munofanira kuraŋgarira paseka yaJehova.
17. Mutambo unofanira kuitwa nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyo; ciŋgwa cisina — kuʋiriswa cinofanira kudyiwa mazuʋa manomŋe.
18. Pazuʋa rokutaŋga kunofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda pazuʋa iro;
19. asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe, ɀiʋe ɀisina‐kuremara kwamuri;
20. necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; munofanira kuʋuya neɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe.
21. Unofanira kuʋuya necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe pamakwaiana manomŋe;
22. nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, cokuyananisira naco.
23. Munofanira kuʋuya naiɀoɀo kunze kwecipiriso cinopiswa camaŋgwanani, cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose.
24. Saiɀoɀo munofanira kuʋuya neɀokudya ɀecipiriso cinopiswa zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa manomŋe, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose necipiriso caco cinoɗururwa.
25. Pazuʋa recinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda naro.
26. Ʋuye pazuʋa reɀitȿa, kana muciʋuya necipiriso citȿa coʋupfu kunaJehova pamutambo wenyu wamaviki, munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda.
27. Asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge egore rimŋe;
28. necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe,
29. necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe;
30. nenhoŋgo imŋe yembudzi, ɀokuyananisira naɀo.
31. Munofanira kuʋuya naɀo (ɀiʋe kwamuri ɀisina‐kuremara) neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu.
8. Raʋirai henyu, muʋone kuti Jehova wakanaka; Wakakomborerwa munhu unoʋimba naye.
9. Ityai Jehova, imi ʋatȿene ʋake; Nokuti ʋanomutya haʋana‐caʋanoshaiwa.
10. Ʋana ʋeshumba ʋanoshaiwa, ʋanofa nenzara; Asi ʋanotȿaka Jehova haʋanecinhu cakanaka caʋaŋgashaiwa.
11. Ʋuyai imi ʋana, munditerere; Ndicakudzidzisai kutya Jehova.
12. Ndoupi munhu unoɗa ʋupenyu, Unoɗa mazuʋa mazhinji, kuti aʋone ɀakanaka?
13. Dzora rurimi rwako pakutaura ɀakaipa, Nemiromo yako, urege kutaura ɀinonyeŋgera.
14. Ibva paneɀakaipa, uite ɀakanaka; Tȿaka rugare, uruteʋere.
29. Unotambudza imba yake, ucagara nhaka yemhepo; Ƃenzi ricaʋa muranda wounomŋoyo wakacenjera.
1. Ɀino mazuʋa maʋiri akaŋga asara pakuȿika kwepaseka nomutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaŋga ʋacitȿaka mutoʋo waʋaŋgamuɓata nawo namano, kuti ʋamuʋuraye.
2. Nokuti ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu.
3. Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake.
4. Asi ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakatsamŋa pamŋoyo yaʋo, ʋakati: Kuparadza ikoko kwecizoro kwakaitirweiko?
5. Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa namadenari anopfuʋura mazana matatu, akapiwa ʋarombo. Ʋakatsamŋira mukadzi.
6. Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira ɓasa rakanaka.
7. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, ŋguʋa ipi neipi yamunoɗa, muŋgaʋaitira ɀakanaka; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose.
8. Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muʋiri waŋgu kuʋigwa.
9. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri panyika dzose, ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo.
10. Judasi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, kuti amuise kwaʋari.
11. Iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafara, ʋakamupikira kuti ʋacamupa mari. Ipapo akatȿaka mutoʋo waaŋgamuisa kwaʋari nawo paŋguʋa yakafanira
12. Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka?
13. Akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai muguta, ipapo mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye.
14. Paaneŋge acipinda, muti kumŋene weimba: Ɀanzi nomudzidzisi: Imba yaŋgu yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu?
15. Ipapo iye amene ucakutaridzai imba huru yokumsoro, yakaroŋgedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirire’po.
16. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakaȿika muguta, ʋakandowana seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naye; ʋakagadzira paseka.
17. Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri.
18. Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni.
19. Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here?
20. Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro.
21. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa.
22. Ɀino ʋakati ʋacidya, Jesu akatora ciŋgwa, aka ci ropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa, aciti: Torai, ici ndiwo muʋiri waŋgu.
23. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, ʋakanwa ʋose pauri.
24. Akati kwaʋari: Ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rinoɗururirwa ʋazhinji.
25. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handicazonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaMŋari.
26. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa, ʋakaenda kugomo reMiorivi.
Shona Bible 1949
British and Foreign Bible Society 1949, 2018