Bhaibheri mune rimwe gore Nyamavhuvhu 10Jobho 11:1-201. Ipapo Zofari muNaamati wakapindura, akati:2. Ko mashoko mazhinji akaɗai haaŋgapindurwi here? Munhu unoshoshoma uŋgaruramisirwa here?3. Manyawi ako aŋgafanira kunyaradza ʋanhu here? Kana uciɗaɗira, hakuna‐uŋgakunyadza here?4. Nokuti iwe unoti: Ɀandinoparidza ndeɀaɀokwaɗi, Ndakacena pamberi penyu.5. Asi, haiwa! Ƌai Mŋari hake acitaura, Ashamise miromo yake pamsoro pako;6. Akuratidze ɀakaʋanzwa ɀokuŋgwara, Kuti kunamatiʋi mazhinji. Uziʋe naiɀoɀo kuti Mŋari unokaŋganwira ɀimŋe ɀakaipa ɀako.7. Uŋganzwisisa ɀakadzika ɀaMŋari here? Uŋgakwanisa kunzwisisa iye Wamasimba ose here?8. Ɀakakwirira sokuɗeŋga; iwe uŋgaiteiko? Ɀakadzika kupfuʋura bgiro; iwe uŋgaziʋeiko?9. Kureɓa kwaɀo kunopfuʋura nyika, Ʋuye ʋupamhi bgaɀo ʋunopfuʋura guŋgwa.10. Kana iye akapfuʋura, akapfigira mutoroŋgo, Akakokera ʋanhu kukutoŋgwa, ndiani uŋgamudziʋisa?11. Nokuti iye unoziʋa ʋanhu ʋenhema; Unoʋona ʋo ɀakaipa, kunyaŋge asiŋgaɀifuŋgi.12. Asi munhu usakacenjera unoshaiwa kunzwisisa, Ɀirokwaɀo, munhu unoɀarwa se mhuru yembizi.13. Kana iwe ukaruramisa mŋoyo wako, Ukatambanudzira maʋoko ako kwaari;14. Kana ɀakaipa ɀiri muruʋoko rwako, uɀiise kure, Kusarurama ŋgakurege kugara mumatente ako;15. Ɀirokwaɀo ipapo uŋgasimudza ciso cako, usinegwapa, Ɀirokwaɀo, ucasimba, usiŋgatyi cinhu.16. Nokuti ucakaŋganwa njodzi yako, Ucairaŋgarira semvura yapfuʋura;17. Ʋupenyu bgako bgucaʋara kupfuʋura masikati makuru; Kunyaŋge kunerima, kucaʋa samaŋgwanani.18. Iwe ucasimba pamŋoyo, nokuti tariro icaʋa’po; Ɀirokwaɀo, ucariŋgariŋga ndokuzorora hako wakaceŋgetwa.19. Ucaʋata hako pasi, hakuna‐uŋgakutyisa; Ɀirokwaɀo, ʋazhinji ʋacatȿaka kukufadza.20. Asi meso aʋakaipa acapera nokutarira, Ʋacashaiwa pokutizira’po, Tariro yaʋo icaʋa yokufa.Jobho 12:1-251. Ipapo Jobo wakapindura, akati:2. Ɀirokwaɀo, imi muri ʋanhu ʋakaŋgwara, Kuŋgwara kucafa pamŋe cete nemi.3. Asi ini ndinenjere ʋo semi; Handizi muɗuku kwamuri; Ɀirokwaɀo, ndianiko usiŋgaziʋi ɀinhu ɀakaɗai?4. Ndakafanana nomunhu unosekwa nowaanogara naye, Munhu wakaɗana kunaMŋari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, wakakwana, ndiye wosekwa.5. Munhu unogara akafara hake unoshoʋora pamifuŋgo yake munhu uri panjodzi. Kushoʋorwa kunogarira ʋanhu ʋanotedzemuka norutsoka rwaʋo.6. Matente amakororo anofara hawo, Aʋo ʋanotsamŋisa Mŋari ʋanogara haʋo ɀakanaka; Iʋo ʋanozadzirwa ruʋoko rwaʋo naMŋari.7. Asi bvunzai henyu ɀino mhuka, dzicakudzidzisai; Neshiri dzokuɗeŋga, dzicakuʋudzai;8. Kana taurai henyu nenyika, icakudzidzisai; Nehoʋe dzeguŋgwa dzicakuparidzirai.9. Ndianiko usiŋgaziʋi paɀinhu iɀi ɀose, Kuti ndirwo ruʋoko rwaJehova rwakaita iɀi ɀose?10. Mŋeya weɀipenyu ɀose uri muruʋoko rwake, Nokufema kwaʋanhu ʋose.11. Ko nzeʋe haiidzi mashoko, Somukanwa unoraʋira ɀokudya here?12. Ʋatana ndiʋo ʋakaŋgwara, Ʋanamazuʋa mazhinji ndiʋo ʋanonzwisisa.13. Iye ndiye unokuŋgwara nesimba, Ndiye unamano nokunzwisisa.14. Tarirai, iye unokoromora, haɀiŋgaʋakwi ɀe; Iye unopfigira munhu, haaŋgazozarurirwi.15. Tarirai, iye unodziʋisa mvura, ndokupxa kwayo; Ʋuye unoituma ɀe, ndokushandura kwayo nyika.16. Iye unesimba nokuŋgwara kukuru; Wakanyeŋgerwa nounonyeŋgera ndaʋake ʋose.17. Unokaŋganisa mano amaneʋanje, Ʋatoŋgi unoʋaita mapenzi.18. Unosunuŋgura simba ramadzimambo, Ndokusuŋga ɀiʋuno ɀaʋo negwaraɗa.19. Unotorera ʋaprista ʋukuru bgaʋo, Nokukunda ʋanesimba.20. Unotorera ʋakatenda mashoko aʋo, Nokubvisira ʋakuru kunzwisisa kwaʋo.21. Unoɗurura kushoʋora kwake pamsoro pamacinda, Nokusunuŋgura banhire raʋanesimba.22. Unofukura ɀinhu ɀakadzika parima, Unoɓuɗisira kuciedza mumvuri worufu.23. Unowanza ndudzi, ndokudziparadza, Unoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.24. Unobvisa kunzwisisa kwaʋakuru ʋaʋanhu ʋenyika, Unoʋadzuŋgairisa murenje musinenzira.25. Ʋanotȿaŋgadzira murima ʋasineciedza, Unoʋadzeŋgedzekesa somunhu wakaɓatwa.Mapisarema 94:1-111. Jehova, imi Mŋari mutsiʋi, Imi Mŋari mutsiʋi, penyai.2. Ɀisimudzei, imi Mutoŋgi wenyika; Ipai ʋanoɀikudza seɀaʋakafanira.3. Jehova, ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira riniko, Ʋakaipa ʋacafara kwaɀo kuȿikira rini?4. Ʋanoŋgotaura haʋo, ʋanotaura ʋaciɀikudza, Ʋaiti ʋose ʋeɀakaipa ʋanoita manyawi.5. Ʋanopxanya ʋanhu ʋenyu, Jehova, Ʋacitambudza nhaka yenyu.6. Ʋanoʋuraya cirikadzi nomŋeni, Nenherera ʋanodziʋuraya.7. Ʋaciti: Jehova haaɀiʋoni, Mŋari waJakobo haaɀiraŋgariri.8. Raŋgarirai imi ʋasinenjere pakati paʋanhu; Nemi mapenzi, mucaʋa ʋakacenjera riniko?9. Iye, wakasima nzeʋe, haaŋganzwi here? Iye, wakaʋumba ziso, haaŋgaʋoni here?10. Iye, unoraŋga ʋahedeni, haaŋgarairi here, Iye, unodzidzisa ʋanhu ziʋo?11. Jehova unoziʋa kufuŋga kwaʋanhu, Kuti haɀinamaturo.Zvirevo 22:24-2524. Usashamŋaridzana nomumhu unotsamŋa; Usafambidzana nomunhu unehasha;25. Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mŋeya wako musuŋgo.VaRoma 10:1-211. Hama dzaŋgu, kuɗa kwomŋoyo waŋgu nokukumbira kwaŋgu kunaMŋari pamsoro paʋo ndiko, kuti ʋaponeswe.2. Nokuti ndinoʋapupurira kuti ʋanoshiŋgairira Mŋari, asi haʋaiti nokuziʋa.3. Nokuti, ɀaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi kururama kwaMŋari, ʋakatȿaka kumisa kururama kwaʋo ʋamene, ʋakasaɀiisa pasi pokururama kwaMŋari.4. Nokuti Kristu ndimugumo womurairo, kuti mumŋe nomumŋe unotenda aruramiswe.5. Nokuti Mosesi unonyora, aciti, munhu, unoita kururama, kunorebga nomurairo, ucararama naɀo.6. Asi kururama kunobva pakutenda, kunoreʋa kuɗai: Usati mumŋoyo mako: Ndianiko ucakwira kuɗeŋga? (ndiko kuɓurusa Kristu;)7. kana, ndianiko ucaɓurukira kwakadzika‐dzika? (ndiko kuɓuɗisa Kristu kuʋakafa.)8. Asi kunoreʋeiko? Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako, nomumŋoyo mako; ndiro shoko rokutenda ratinoparidza;9. kuti, kana ucipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe, nokutenda mumŋoyo mako, kuti Mŋari wakamumutsa kuʋakafa, ucaponeswa;10. nokuti munhu unotenda nomŋoyo, ndokururamiswa; unopupura nomuromo, ndokuponeswa.11. Nokuti Rugwaro runoti: Aninani unotenda kwaari, haaŋganyadziswi.12. Nokuti muJuda nomuGiriki haʋasiyani; nokuti mumŋe ndiye Ishe waʋose, wakafuma kunaʋose ʋanoɗana kwaari;13. nokuti aninani unoɗana kuzita raShe, ucaponeswa.14. Ɀino ʋacagoɗana seiko kunaiye, waʋasina‐kutenda kwaari? Ʋacatenda seiko kunaiye, waʋasina‐kunzwa? Ʋacanzwa seiko kana kusinomuparidzi?15. Ʋacaparidza seiko, kana ʋasiŋgatumŋi? Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Dzakanaka sei tsoka dzaʋanoʋuya namashoko omufaro eɀinhu ɀakanaka?16. Asi ʋose haʋana‐kuterera mashoko omufaro. Nokuti Isaya unoti: Ishe, ndianiko wakatenda ɀatakaparidza?17. Naiɀoɀo kutenda kunoʋuya nokunzwa, nokunzwa kunoʋuya neshoko raKristu.18. Asi ndinoti: Haʋanakunzwa here? Hoŋo, ɀirokwaɀo, Inzwi raʋo rakaɓuɗa kunyika yose, Namashoko aʋo kumigumo yenyika.19. Asi ndinoti: ƲaIsraeri haʋana‐kuziʋa here? Pakutaŋga Mosesi unoti: Ndicamutsa goɗo renyu no rudzi rusati ruri rudzi, Ndicamutsa kutsamŋa kwenyu norudzi rusiŋganzwisisi.20. NaIsaya, asiŋgatyi, unoti: Ndakawanikwa naʋasina‐kunditȿaka, Ndakaʋonekwa naʋasina‐kundibvunza.21. Asi kuʋaIsraeri unoti: Ndakatambanudzira maʋoko aŋgu zuʋa rose kuʋanhu ʋasiŋgatereri, naʋanokakaʋara. Shona Bible 1949 © British and Foreign Bible Society 1949, 2018