Bhaibheri mune rimwe gore Nyamavhuvhu 9Jobho 9:1-351. Ipapo Jobo wakapindura, akati:2. Ɀirokwaɀo ndinoziʋa kuti ndiɀo: Nokuti munhu uŋgaʋa wakarurama pamberi paMŋari seiko?3. Kana iye akaɗa kuita nharo naye, Haaŋgagoni kumupindura shoko rimŋe pamashoko aneɀuru.4. Iye unomŋoyo wakaŋgwara, unesimba guru; Ndianiko wakamuwomesera mŋoyo wake, akazofara?5. Iye unobvisa makomo, iwo asiŋgaɀiziʋi, Kana aciashandura pakutsamŋa kwake.6. Iye unozunuŋgusa nyika ikabva panɀimbo yayo, Mbiru dzayo dzinoɗeŋgenyeka.7. Iye unoraira zuʋa, rikarega kuɓuɗa; Iye unodzitira nyeredzi.8. Iye oga unotatamura ɗeŋga, Unotsika pamsoro pamafuŋgu eguŋgwa.9. Iye unoita nyeredzi dzeArkturo, nedzeOrioni, nedzeCimutanhatu, Namakamuri enyasi.10. Iye unoita ɀinhu ɀikuru ɀisiŋganɀerwi, Iɀo ɀinhu ɀinoshamisa, ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa.11. Tarira, unopfuʋura pedyo neni, ndisiŋgamuʋoni; Unopfuʋura ʋo hake, asi handimuʋoni.12. Tarira, unotora hake, ndiani uŋgamudziʋisa? Ndiani uŋgati kwaari: Unoiteiko?13. Mŋari haaŋgadzori kutsamŋa kwake; Ʋaɓatsiri ʋaRahabi ʋakakotamira pasi pake.14. Ko ɀino ini ndicamupindura seiko, Nditsaure mashoko aŋgu ndiite nharo naye?15. Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutoŋgi waŋgu.16. Kana ndiciŋge ndaɗana, akandipindura, Kunyaŋge ɀakaɗaro handizaitenda kuti wakanzwa inzwi raŋgu.17. Nokuti unondiputsa neɗutu remhepo, Unowanza maʋaŋga aŋgu ndisinemhoȿa haŋgu.18. Haanditenderi kufema mŋeya waŋgu, Asi unondizadza neɀinoʋaʋa.19. Kana riri simba guru, tarira, iye unaro! Kana iri mhoȿa inotoŋgwa, ndiani ucanditarira ŋguʋa?20. Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama haŋgu, muromo waŋgu umene ucandipa mhaka; Kunyaŋge ndaiʋa wakakwana, iye waiti handina‐kururama.21. Ndakakwana haŋgu, handiɀiraŋgariri; Ndinoɀidza ʋupenyu bgaŋgu.22. Ɀose ɀakafanana haɀo; saka ndinoti: Iye unoparadza ʋakarurama naʋakaipa ʋose.23. Kana nyatwa iciŋge yaʋuraya nokukurumidza, Iye ucaseka njodzi yaʋasinemhoȿa.24. Nyika yakaiswa mumaʋoko aʋakaipa; Iye unofukidza meso aʋatoŋgi ʋayo; Kana asiri iye, ɀino ndianiko?25. Ɀino mazuʋa aŋgu anokurumidza kupfuʋura mumhanyi; Anotiza asina‐kuʋona ɀakanaka.26. Apfuʋura seɀikepe ɀinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira ciʋurawa.27. Kana ndikati: Ndicakaŋganwa kunyunyuta kwaŋgu, Ndicarega ciso caŋgu cinopunyaira, ndifare haŋgu;28. Ndinotya njodzi dzaŋgu dzose, Ndinoziʋa kuti hamuŋgati handinemhoȿa.29. Ndicapiwa mhoȿa; Ɀino ndinotamburireiko ɀisinamaturo?30. Kana ndikaŋgura nemvura yecando, Ndikacenesa maʋoko aŋgu kwaɀo;31. Kunyaŋge ɀakaɗaro imi muŋgandinyudza mumatope, Neŋguʋo dzaŋgu dzicandisema.32. Nokuti iye haazi munhu wakafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutoŋga.33. Hakunamununuri pakati peɗu, Uŋgatiɓata tose noruʋoko rwake.34. Ŋgaabvise shamhu yake kwandiri, Hasha dzake dzirege kundityisa;35. Ipapo ndaitaura, ndisiŋgamutyi; Nokuti handizakaɗaro haŋgu.Jobho 10:1-221. Mŋoyo waŋgu waneta noʋupenyu bgaŋgu; Handiŋgaɀidzori pakunyunyuta kwaŋgu; Ndicataura neshuŋgu dzomŋoyo waŋgu.2. Ndicati kunaMŋari: Musandipa mhoȿa; Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?3. Ɀinokufadzai here kumanikidza, Nokuɀidza ɓasa ramaʋoko enyu, Mucivenekera kuraŋgana kwaʋakaipa here?4. Munameso enyama here, Kana munoʋona somunhu here?5. Mazuʋa enyu akafanana namazuʋa omunhu here, Kana makore enyu namakore omunhu here?6. Ɀamunobvunza ɀakaipa ɀaŋgu, Nokunɀera ɀiʋi ɀaŋgu,7. Kunyaŋge muciziʋa kuti handizi wakaipa; Ʋuye kuti hakuna‐unogona kurwira paruʋoko rwenyu here?8. Maʋoko enyu akandiita nokundiʋumba, Nhiʋi dzaŋgu dzose; kunyaŋge ɀakaɗaro moɗa kundiparadza.9. Raŋgarirai, ndiɀo ɀandinokumbira, kuti makandiʋumba sevu; Ɀino mucandidzosera kuguruʋa here?10. Hamuna‐kundiɗurura somukaka here, Nokundikodza somukaka wakafa?11. Makandifukidza neganda nenyama, Mukandisuŋganidza namafupa namarunda.12. Makandipa ʋupenyu netsitsi, Hanya dzenyu dzakaceŋgeta mŋeya waŋgu.13. Asi makaʋanza ɀinhu iɀi mumŋoyo menyu; Ndinoziʋa kuti cinhu ici caiʋa nemi kare.14. Kana ndikatadza munondicerekedza, Hamuɗi kundikaŋganwira kuɗarika kwaŋgu.15. Kana ndiri wakaipa, ndinenhamo; Kana ndiri wakarurama, kunyaŋge ɀakaɗaro handiŋgasimudzi musoro waŋgu; Ɀandizere nokunyadzwa Ndiciŋgotarira kutambudzika kwaŋgu.16. Kana ndikaɀikudza, munondironda seshumba; Munopamha ɀe kundishamisa nesimba renyu.17. Munowedzera ɀapupu ɀenyu kuzorwa neni, Nokuwanza kutsamŋa kwenyu pamsoro paŋgu; Kushanduka nehondo ɀineni.18. Makandiɓuɗisireiko paciɀaro camai? Ndiŋgaɗai ndaifira haŋgu’mo, ndisanhi ndaʋonekwa neziso romunhu.19. Ndaiita haŋgu sendisina‐kuʋa’po; Ndaitakurirwa kubgiro ndicibva paciɀaro camai.20. Ko mazuʋa aŋgu haazi mashoma here? Ɀino gumai, Ndiregei henyu, kuti ndizorore ɀishoma,21. Ndisanhi ndaenda kwandisiŋgazodzoki, Kunyika yerima nomumvuri worufu;22. Iyo nyika yerima guru, rima cairo; Nyika yomumvuri worufu, panokukaŋganiswa, Ipapo ciedza cakafanana nerima.Mapisarema 93:1-51. Jehova unoɓata ʋushe; wakafuka ʋumambo; Jehova wakafuka simba, wakaɀisuŋga ciʋuno naro; Nyika ʋo yakateyiwa, haiŋgazunuŋguswi.2. Cigaro cenyu coʋushe cakasimbiswa kubva kare; Imi muri’po kubva pakusiŋgaperi.3. Jehova, nzizi dzakanzwisa, Nzizi dzakanzwisa manzwi adzo; Nzizi dzinonzwisa kutinhira kwadzo.4. Jehova unokunda manzwi emvura zhinji, Namafuŋgu anesimba eguŋgwa, Jehova, uri kumsoro, ndiye unesimba.5. Ɀipupuriro ɀenyu ndeɀamaɀokwaɗi kwaɀo; Ʋutȿene ʋunofanira imba yenyu, Jehova, nokusiŋgaperi.Zvirevo 22:22-2322. Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza unotambudzika pasuʋo;23. Nokuti Jehova ucaʋarwira pamhaka dzaʋo, Nokutadzira ʋupenyu bgaʋanoʋatadzira.VaRoma 9:16-3316. Naiɀoɀo haɀi bʋi kunounoɗa, kana kunounomhanya, asi kunaMŋari, munzwiri weŋgoni.17. Nokuti Rugwaro runoti kunaFarao: Ndiɀo ɀandakakumutsira, kuti ndiratidze simba raŋgu kwauri, ʋuye kuti zita raŋgu riparidzwe panyika yose.18. Naiɀoɀo unonzwira ŋgoni waanoɗa; ʋuye unowomesera mŋoyo waanoɗa.19. Ɀino iwe uŋgati kwandiri: Iye ucapireiko mhoȿa? Nokuti ndianiko unoramba kuɗa kwake?20. Ko ɀino iwe munhu, ndiwe aniko, unopindura Mŋari? Ko cakaʋumbga ciŋgati kunowakaciʋumba: Wandiitireiko kuɗai?21. Ko muʋumbi wehari haanesimba pamsoro pevu here, kuti neɓundu rimŋe aite mudziyo mumŋe wakakudzwa, nomumŋe usina‐kukudzwa?22. Ɀino ticatiyiko kana Mŋari, kana akaŋga aciɗa kuratidza kutsamŋa kwake, nokuziʋisa simba rake, akaita nomŋoyo murefu ɀikuru pamsoro pemidziyo yokutsamŋirwa, yakagadzirirwa kuparadzwa,23. kuti aziʋise kufuma kwokubginya kwake pamsoro pemidziyo yeŋgoni, yaakaŋga agadzirira kubginya,24. iyesu ʋakaɗanwa ʋo naye, tisiŋgabvi kuʋaJuda ɓedzi, asi kuʋahedeni ʋo?25. Seɀaanoreʋa ʋo pabuku yaHosea, aciti: Aʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu, ndicaʋaidza ʋanhu ʋaŋgu; Naiye wakaŋga asi muɗikanwa, ndicamuidza muɗikanwa.26. Ɀicaitika kuti paya pakaŋga parebga kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, Ipapo ʋacaidzwa ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu.27. NaIsaya unoɗana pamsoro paʋaIsraeri, aciti: Kana kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kwakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ndiʋo ʋacaponeswa;28. nokuti Ishe ucaita panyika shoko rake, nokuripedzisa nokukurumidza.29. Seɀaakamboreʋa Isaya ʋo, aciti: Ƌai Ishe wehondo asina‐kutisiyira rudzi, Tiŋgaɗai takaʋa seSodoma, takaitwa seGomora.30. Ɀino ticatiyiko? Ticati, ʋahedeni ʋasina‐kutȿaka kururama, ndiʋo ʋakawana kururama, iko kururama kwokutenda;31. asi ʋaIsraeri ʋakati ʋacitȿaka murairo wokururama, haʋanakuȿika pamurairo iwoyo.32. Neiko? Nokuti haʋana‐kuutȿaka nokutenda, asi ɀineŋge namaɓasa aʋo. Ʋakagumburwa nebge rinogumbusa.33. Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Tarira, ndinoisa paZioni ibge rokugumbusa, neɗombo rokupiŋganidza; Unotenda kwaari, haaŋganyadziswi. Shona Bible 1949 © British and Foreign Bible Society 1949, 2018