Bhaibheri mune rimwe gore Gunyana 9Isaya 9:1-211. Asi iye, waiʋa pakumanikidzwa, haaŋgazoʋi nerima. Paŋguʋa yokutaŋga wakaninipisa nyika yeZeburuni nenyika yeNaftari, asi paŋguʋa yaɀino wakaikudza, kurutiʋi rweguŋgwa, mhiri kwaJoridani, Garirea raʋahedeni.2. Ʋanhu ʋaifamba murima ʋakaʋona ciedza cikuru; ʋaigara munyika yomumvuri worufu, ʋakapenyerwa ciedza.3. Makawanza rudzi, makawedzera mufaro waʋo; ʋanofara pamberi penyu, sokufara kwaʋanhu paŋguʋa yokuceka, sokufara kwaʋanhu kana ʋacigoʋerana ɀakapambga.4. Nokuti makavuna joko raiʋaremedza, netȿimbo yairoʋa mafudzi aʋo, neshamhu yaʋaiʋamanikidza, sapamazuʋa aʋaMidiani.5. Nokuti shaŋgu imŋe neimŋe yomurwi, yakatsika nokutinhira, neŋguʋo yakanyikwa muropa, ɀicapiswa, ɀicaʋa sehuni dzomŋoto.6. Nokuti takaɀarirwa Mŋana, takapiwa Mŋanakomana; ʋumambo ʋucaʋa pafudzi rake; zita rake ricanzi: Unoshamisa, Gota, Mŋari unesimba, Ƃaɓa ʋokusiŋgaperi, Mucinda worugare.7. Kukura kwoʋumambo bgake nokworugare haɀinamugumo, agare pacigaro coʋushe caDavidi napaʋushe bgake, aʋusimbise aʋutsigire nokururamisira nokururama kubva ɀino kuȿikira paŋguʋa isiŋgaperi. Kushiŋgaira kwaJehova wehondo kucaɀiita.8. Jehova wakatuma shoko kunaJakobo, rakaɓurukira pamsoro paʋaIsraeri.9. Ʋanhu ʋose ʋacaziʋa, iʋo ʋaEfraimi naʋagere Samaria, iʋo ʋanoti namanyawi aʋo nokuɀikudza kwemŋoyo yaʋo:10. Ɀitina ɀawa, asi ticaʋaka namabge akaʋezwa; miʋonde yatemŋa, asi ticaisa misidari panɀimbo yayo.11. Naiɀoɀo Jehova ucaʋamutsira ʋadziʋisi ʋaRezini, ucasaŋganisa ʋaʋeŋgi ʋake;12. ʋaSiria pamberi, naʋaFiristia mushure, ʋacapedza Israeri nomuromo wakashama. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.13. Asi ʋanhu haʋana‐kutendeʋukira kunaiye wakaʋaroʋa, haʋana‐kutȿaka Jehova wehondo.14. Saka Jehova ucagura ʋaIsraeri musoro nomuswe, ɗaʋi romucindwe nenhokwe, nomusi mumŋe.15. Mukuru nounokudzwa ndiwo musoro; muprofita, unodzidzisa nhema, ndiwo muswe.16. Nokuti ʋatuŋgamiriri ʋaʋanhu aʋa ʋanoʋatsaukisa; ʋanotuŋgamirirwa naʋo ʋanoparadzwa.17. Naiɀoɀo Ishe haaŋgafariri majaya aʋo, haaŋgaʋi netsitsi nenherera necirikadzi dzaʋo; nokuti mumŋe nomumŋe waʋo mumhuri waMŋari nomuiti weɀakaipa, muromo mumŋe nomumŋe unotaura ɀoʋupenzi. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.18. Nokuti ɀakaipa ɀinopfuta somŋoto; unopedza rukato neminzwa; ɀirokwaɀo unopisa matenhere eɗondo, ɀicikwira kuɗeŋga iri shoŋgwe yoʋutsi.19. Nyika inotȿa nokuɗa kwokutsamŋa kwaJehova wehondo; ʋanhu ʋakaita sehuni dzinoʋeswa; hakunomunhu unenyasha nehama yake.20. Mumŋe ucabvuta kurudyi, asi ucaʋa nenzara; ucadya kuruɓoshwe, asi haʋaŋgaguti; mumŋe nomumŋe ucadya nyama yoruʋoko rwake.21. ƲaManase ʋacadya ʋaEfraimi, naʋaEfraimi ʋaManase; iʋo pamŋe cete ʋacamukira ʋaJuda. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.Isaya 10:1-341. Ʋanenhamo ʋanotema mitemo isino‐kururama, naʋanyori ʋanonyora ɀisakarurama;2. kuti ʋadziʋise ʋarombo pakururamisirwa, nokutorera ʋarombo ʋaʋanhu ʋaŋgu ɀaʋanofanira kuʋa naɀo, kuti ʋapambe cirikadzi, ʋatorere nherera ɀinhu ɀaʋo.3. Asi mucaiteiko pazuʋa rokutoŋgwa, nerokuparadzwa kucabva kure? Mucatizira kunani kundoɓatsirwa? Fuma yenyu mucaiʋigepiko?4. Ʋacaŋgokotama haʋo pakati paʋasuŋgwa, ʋacawira pasi pakati paʋakaʋurawa. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.5. Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamŋa kwaŋgu, wakaɓata muruʋoko rwake tȿimbo yeshuŋgu dzaŋgu!6. Ndicamutuma kundorwa norudzi runomhura Mŋari, ndicamuraira kundorwa naʋanhu ʋandinotsamŋira, kuti andotora ɀakapambga, andotora ɀakatapxa, aɀitsikire pasi seɗope riri munzira dzomumusha.7. Asi iye haafuŋgi kuita iɀoɀo, nomŋoyo wake hauraŋgariri ɀakaɗaro; asi iye unoraŋgarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji.8. Nokuti iye unoti: Ko macinda aŋgu ose haazi madzimambo here?9. Ko Karno harinakuitirwa ɀakaitirwa Karkemishi here? NeHamati seArpadi here? NeSamaria seDamasko here?10. Ruʋoko rwaŋgu seɀarwakaȿikira ʋushe bgeɀifananidzo, kunyaŋge ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋezwa ɀakaŋga ɀicipfuʋura ɀapaJerusarema neSamaria,11. handiŋgaitiri Jerusarema neɀifananidzo ɀaro seɀandakaitira Samaria neɀifananidzo ɀaro here?12. Saka ɀino kana Ishe apedza ɓasa rake rose pagomo reZioni napaJerusarema, ndicaroʋa ɀiɓereko ɀomŋoyo unoɀikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuɀikudza kwake.13. Nokuti wakati: Ndakaɀiita nesimba roruʋoko rwaŋgu, ʋuye noʋucenjeri bgaŋgu, nokuti ndinenjere; ndakabvisa miganho yaʋanhu, ndakapamba fuma yaʋo; semhare ndakawisira pasi ʋaigara paɀigaro ɀoʋushe;14. ruʋoko rwaŋgu rwakawana fuma yamarudzi aʋanhu seɗendere; ndakaʋuŋganidza nyika yose, somunhu unoʋuŋganidza mazai akasiyiwa; hapana‐wakapfakanyisa ɓapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.15. Ko sanhu riŋgaɀirumbidza pamsoro pounotema naro here? Kana jeko riŋgaɀikudza pamsoro pounoɓata naro here? Ɀaifanana netȿimbo inozunuŋgusa ʋanoroʋa nayo, kana muɗonɀo unosimudza cinhu cisati ciri huni.16. Naiɀoɀo Ishe, Ishe wehondo, ucatuma kuwonda pakati paʋakakora ʋake; pasi pokubginya kwake pacaɓatidzwa cinopisa cakafanana nokupisa kwomŋoto.17. Ciedza caʋaIsraeri cicaʋa mŋoto, noMutȿene wake muraɀo womŋoto; ucapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuʋa rimŋe.18. Ucapedza kubginya kweɗondo rake, nokwomunda wake wakaʋorera, mŋeya nomuʋiri kamŋe, ɀifanane nendonda inoŋgoramba icipera simba.19. Miti yakasara yeɗondo rake icaʋa mishoma, iŋganyorwa nomŋana.20. Ɀino nezuʋa iro ʋakasara ʋaIsraeri, naʋaneŋge ʋapukunyuka paimba yaJakobo, haʋaŋgazosendamiri kunowakaʋaroʋa, asi ʋacasendamira kunaJehova, Mutȿene waIsraeri, neɀokwaɗi.21. Ʋakasara ʋacadzoka, iʋo ʋakasara ʋaJakobo, kunaMŋari unesimba.22. Nokuti kunyaŋge ʋanhu ʋenyu, imi Israeri, ʋakaita sejeca reguŋgwa, ʋakasara ʋaʋo ʋoga ʋacadzoka; nokuti ʋakatemerwa kuparadzwa kuzere nokururama.23. Nokuti Ishe, Jehova wehondo, ucapedzisa kuparadza, kwakagara kwatemŋa, panyika yose.24. Saka ɀanzi naShe, Jehova wehondo: Imi ʋanhu ʋaŋgu ʋagere Zioni, musatya muAsiria, kunyaŋge akakuroʋai neshamhu nokukusimudzirai tȿimbo yake, seɀaakaitira Egipita.25. Nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, kutsamŋa kwaŋgu kucapera, hasha dzaŋgu dzicaʋaparadza.26. Jehova wehondo ucamusimudzira tyaʋa, sapakurobga kwaʋaMidiani paɗombo reOrebi; shamhu yake icaʋa pamsoro peguŋgwa, ucaisimudza seɀaakaitira Egipita.27. Ɀino nezuʋa iro mutoro wake ucabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko ricaparadzwa nokuɗa kwamafuta.28. Waȿika paAiati, wapfuʋura napaMigroni, waceŋgeta nhumbi dzake paMikmashi;29. ʋakwira napamupata, ʋakaʋata paGeba ʋusiku; Rama rinoɗeɗera, Gibea raSauro ratiza.30. Ƌanidzira nenzwi rako, iwe mukunda weGarimi! Terera, iwe Raisha! Iwe Anatoti woʋurombo!31. Madmena wotiza, ʋagere Gebimi ʋoroŋgedza kutiza.32. Zuʋa ranhasi ucazorora paNobi; unozunuŋgusira gomo romukunda weZioni, ico cikomo ceJerusarema, ruʋoko rwake.33. Tarirai, Ishe, Jehova wehondo, ucatema mashizha nokutyisa; akareɓa acatemŋa, naakakwirira acawiswa pasi.34. Ucatema neɗare matenhere eɗondo, Rebanoni ricawiswa nounesimba.Mapisarema 106:1-51. Hareruya. Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.2. Ndianiko uŋgareʋa ɀinhu ɀinesimba ɀakaitwa naJehova, Kana kuɗudzira kurumbidza kwake kwose?3. Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta kururama, Naiye unoita ɀakarurama ŋguʋa dzose.4. Ndiraŋgarirei Jehova, noʋunyoro bgamunabgo kuʋanhu ʋenyu; Ndishanyirei noruponeso rwenyu.5. Kuti ndiʋone kukomborerwa kwaʋasanaŋgurwa ʋenyu, Kuti ndifare kwaɀo nomufaro waʋanhu ʋenyu, Kuti ndirumbidze pamŋe cete nenhaka yenyu.Zvirevo 25:1-21. Iɀi ʋo ndiɀo ɀireʋo ɀaSoromoni, ɀakanyorwa naʋanhu ʋaHezekia mambo waʋaJuda:2. Ndiko kukudzwa kwaMŋari kuti aʋanze cinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti ʋanɀere mhaka.2 VaKorinte 1:1-241. Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuɗa kwaMŋari, naTimotio, hama yeɗu kukereke yaMŋari iri paKorinte, pamŋe cete naʋatȿene ʋose ʋari paAkaya yose:2. Nyasha ŋgadziʋe nemi, norugare runobva kunaMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, naShe Jesu Kristu.3. Mŋari ŋgaaʋoŋgwe, iʋo Ƃaɓa ʋaShe weɗu Jesu Kristu, Ƃaɓa ʋeŋgoni, Mŋari wokunyaradza kwose;4. iye unotinyaradza pakutambudzika kweɗu kwose, kuti isu tiʋe nesimba rokunyaradza ʋari mukutambudzika kupi nokupi, nokunyaradzwa kwatinonyaradzwa nako naMŋari.5. Nokuti maɗambudziko aKristu seɀaakaʋa mazhinji kwatiri, saiɀoɀo ʋo kunyaradzwa kweɗu kwakaʋa kuzhinji naKristu.6. Ɀino kana ticitambudzika heɗu isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa nokuponeswa kwenyu; kana ticinyaradzwa isu, ɀinoitwa nokuɗa kwokunyaradzwa kwenyu, kunokusimbisai kutsuŋgirira pamaɗambudziko iwayo atinotambudzika ʋo nawo.7. Tariro yeɗu pamsoro penyu yakasimba, nokuti tinoziʋa kuti seɀamunosoŋgana nesu pamaɗambudziko, saiɀoɀo ʋo pakunyaradzwa.8. Nokuti hatiɗi, hama dzaŋgu, kuti murege kuziʋa kutambudzika kwakatiwira paAsia, kuti takaremerwa kwaɀo‐kwaɀo kukunda simba reɗu, nokuɗaro takarasha mŋoyo ticiti hatiŋgararami;9. asi pamŋoyo peɗu isu takaŋga tatoɀitoŋgera rufu, kuti tirege kuʋimba nesimba reɗu, asi naMŋari unomutaa ʋakafa;10. iye wakatisunuŋgura parufu rukuru rwakaɗai, ʋuye ucatisunuŋgura ɀe; iye watinotenda kuti ucaramba acitisunuŋgura;11. nemi ʋo muciɓatsirana pakutikumbirira kwenyu, kuti ʋanhu ʋazhinji ʋaʋoŋge pamsoro peɗu nokuɗa kwecipo ceɗu cenyasha catakapiwa nokunyeŋgetera kwaʋazhinji.12. Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari.13. Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma;14. seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu.15. Ndiciziʋa iɀoɀi, ndakaŋga ndiciɗa kutaŋga kuʋuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwecipiri;16. ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea.17. Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete?18. NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete.19. Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari.20. Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu.21. Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari;22. uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu.23. Asi ndinoɗana Mŋari, aʋe capupu pamŋoyo waŋgu, kuti handina‐kuzoʋuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi.24. Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokuɓatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda. Shona Bible 1949 © British and Foreign Bible Society 1949, 2018