Ezekieri 15:1-8 1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2. “Mwanakomana womunhu, muti womuzambiringa uri nani kupfuura davi romuti zvawo musango neiko? 3. Ko, pane danda rakambotorwa pauri here kuti rigadziriswe chimwe chinhu chine basa? Ko, vanhu vangaita hoko nawo kuti vanhu vaturike zvinhupo here? 4. Uye shure kwokunge wakandwa mumoto sehuni uye moto ndokuupisa mativi ose ari maviri uye ndokusviba pakati, zvino uchabatsira chinhu here? 5. Kana wanga usingabatsiri chinhu uchiri wakakwana, uchagobatsireiko kana moto waupisa uye wasviba? 6. “Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Sezvo ndakaisa miti yemizambiringa pakati pemiti yesango sehuni dzomoto, ndizvo zvandichaita kuvanhu vagere muJerusarema. 7. Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha. 8. Ndichaparadza nyika nokuti vakanga vasina kutendeka, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Ezekieri 16:1-63 1. Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2. “Mwanakomana womunhu, tsiura Jerusarema pamwe chete nezvinyangadzo zvaro 3. uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha kuJerusarema: Madzitateguru ako nokwaakaberekerwa ndiko kunyika yeKenani; baba vako vakanga vari muAmori uye mai vako vakanga vari muHiti. 4. Pazuva rawakaberekwa rukuvhute rwako haruna kugurwa, uye hauna kushambidzwa nemvura kuti uchene, uye hauna kutongokwizwa nomunyu kana kuputirwa mumucheka. 5. Hakuna munhu akakunzwira tsitsi kana kuva nengoni newe kuti akuitire chinhu chimwe chezvinhu izvi. Asi, wakarasirwa kusango, nokuti musi wawakaberekwa iwe wakashorwa. 6. “ ‘Ipapo ndakapfuura napo ndikakuona uchipfakanyika uri muropa rako, uye pawakanga uvete ipapo uri muropa rako, ndakati kwauri, “Rarama!” 7. Ndakakuita kuti ukure somuti wesango. Wakakura ukanyatsoumbika ukava ukomba hwakaisvonaka. Mazamu ako akakura nebvudzi rako rikakura, iyewe wakanga wakashama usina chinhu. 8. “ ‘Shure kwaizvozvo, ndakapfuura nepauri, uye pandakatarira pauri ndakaona kuti wakanga wakura pane zvorudo, ndikawarira rutivi rwenguwo yangu pamusoro pako ndokukufukidza pakushama kwako. Ndakakupikira ndikaita sungano newe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, iwe ukava wangu. 9. “ ‘Ndakakushambidza nemvura uye ndikakugeza kubvisa ropa rako, ndokukuzodza mafuta. 10. Ndakakufukidza nezvakarukwa zvakanaka ndikakupfekedza shangu dzamatehwe. 11. Ndakakufukidza nomucheka wakaisvonaka ndikakufukidza mucheka uno murango unokosha. Ndakakushongedza noukomba: ndikaisa zvishongo zvomumaoko nouketani pamutsipa wako, 12. uye ndakaisa mhete pamhuno yako, nemhete panzeve dzako uye nekorona yakanaka pamusoro wako. 13. Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi. 14. Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 15. “ ‘Asi iwe wakavimba norunako rwako ukashandisa mbiri yako kuti uve chifeve. Wakazadza munhu wose akapfuura napauri noufeve uye nokuda kworunako rwako ukava wake. 16. Wakatora dzimwe nhumbi dzako ukashongedza nzvimbo dzakakwirira, kwawakaramba uchiitira ufeve hwako. Zvinhu zvakadaro hazvifaniri kuitika uye hazvifaniri kutomboitwa. 17. Wakatorazve ukomba hwezvishongo zvakaisvonaka zvandakakupa, ukomba hwakaitwa negoridhe nesirivha, uye ukazviitira zvifananidzo zvechirume ndokuita ufeve nazvo. 18. Uye wakatora nguo dzako dzakarukwa kuti ufukidze zvifananidzo, uye ukapira mafuta angu ezvinonhuwira pamberi pazvo. 19. Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. 20. “ ‘Uye wakatora vanakomana navanasikana vawakaberekera ini ukavabayira sezvokudya kuzvifananidzo. Ko, ufeve hwako hwakanga husina kuringana here? 21. Wakauraya vana vangu ukavabayira kuzvifananidzo. 22. Mumabasa ako ose anonyangadza hauna kurangarira mazuva ouduku hwako, pawakanga usina kupfeka usina chinhu, uchikava-kava uri muropa rako. 23. “ ‘Nhamo! Une nhamo iwe, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Pamusoro pokumwe kuipa kwako kwose, 24. wakazvivakira nzvimbo yakakwirira ukazviitira shongwe refu pazvivara zvose zvomusha. 25. Wakavaka shongwe dzako refu panotangira nzira dzose dzomumusha ndokuderedza runako rwako, uchipira muviri wako nokuwanza kupata kwako kunaani zvake aipfuura napauri. 26. Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako. 27. Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako. 28. Wakaitazve ufeve navaAsiria, nokuti wakanga usingagoni kuguta; kunyange shure kwaizvozvo hauna kumbogutsikana nazvo. 29. Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana. 30. “ ‘Unoshayiwa simba sei, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha paunoita zvinhu izvi zvose, zvinoitwa nechifeve chisinganyari. 31. Pawakavaka nzvimbo dzakakwirira pamavambo enzira dzose dzomumusha ndokuzviitira shongwe refu pazvivara zvose, wakanga usingaiti sechifeve, nokuti wakashora muripo. 32. “ ‘Iwe chifeve chomukadzi! Unoshuva vatorwa kupinda murume wako! 33. Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu. 34. Saka iwe wakasiyana navamwe pakufeva kwako; hakuna anokumhanyira nokuda kwokupata kwako. Iwe wakasiyana chose, nokuti ndiwe unopa muripo uye iwe hauna chaunopiwa. 35. “ ‘Naizvozvo, iwe chifeve, chinzwa shoko raJehovha! 36. Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako, 37. Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose. 38. Ndichakutonga nomutongo wavakadzi vanoita ufeve navanoteura ropa; ndichauyisa pamusoro pako ropa rokutsiva kwehasha dzangu negodo rokutsamwa kwangu. 39. Ipapo ndichakuisa mumaoko avadiwa vako, uye vachakoromora nzvimbo dzako dzakakwirira vagoparadza shongwe dzako refu. Vachakubvisa nguo dzako vagotora ukomba hwako hwakanaka nokukusiya usina kupfeka wakashama. 40. Vachauya nemhomho yavanhu kuti izokurwisa, vachakutema namabwe nokukubvamburanya neminondo yavo. 41. Vachapisa dzimba dzako nokukuranga pamberi pavakadzi vazhinji. Ndichagumisa ufeve hwako, uye hauchazoripirizve vadiwa vako. 42. Ipapo hasha dzangu pamusoro pako dzichaserera uye godo rokutsamwa kwangu richabva kwauri; ndichadzikama uye handingatsamwizve. 43. “ ‘Nokuti hauna kurangarira mazuva ouduku hwako asi wakanditsamwisa nezvinhu zvose izvi, zvirokwazvo ndichauyisa pamusoro pako zvawakaita, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Ko, hauna kuwedzera unzenza pane mamwe mabasa ako ose anonyangadza here? 44. “ ‘Munhu wose achataura tsumo achareva tsumo iyi pamusoro pako: “Sezvakaita mai ndizvo zvakaita mwanasikana.” 45. Iwe uri mwanasikana chaiye wamai vako, akashora murume wake navana vake; uye uri munun'una chaiye wavakoma vako, akashora varume vavo navana vavo. Mai vako vakanga vari muHiti uye baba vako vari muAmori. 46. Mukoma wako akanga ari Samaria, akanga achigara kumusoro kwako navanasikana vake; uye munun'una wako, akanga achigara kurutivi rwezasi kwako navanasikana vake, akanga ari Sodhomu. 47. Hauna kungofamba nenzira dzavo chete nokutevedzera zvinonyangadza zvavo, asi iwe munzira dzako dzose wakakurumidza kuva wakashata chose kupfuura ivo. 48. Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, munun'una wako Sodhomu navanasikana vake havana kumboita zvawakaita iwe nezvakaitwa navanasikana vako. 49. “ ‘Zvino ichi ndicho chaiva chivi chomunun'una wako Sodhomu: Iye navanasikana vake, vaizvikudza vaidyisa uye vaiva vasina hanya; havana kubatsira varombo navanoshayiwa. 50. Vakanga vana manyawi uye vaiita zvinhu zvinonyangadza pamberi pangu. Naizvozvo ndakavarasa sezvamunoona. 51. Samaria harina kuita hafu yezvivi zvawakaita iwe. Iwe wakaita zvinhu zvinonyangadza kupfuura zvavakaita ivo, uye wakaita kuti vanun'una vako vange vakarurama nokuda kwezvinhu izvi zvawakaita iwe. 52. Takura kunyadziswa kwako iwe, nokuti wakavigira munun'una wako kururamisirwa. Nokuti zvivi zvako zvakanga zvichinyadzisa chose kupinda zvavo, ivo vanoratidzika kunge vakarurama kupfuura iwe. Saka zvino, chinyara uye zvitakurire nyadzi dzako, nokuti wakaita kuti munun'una wako ave akarurama. 53. “ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndichadzosazve pfuma yeSodhomu navanasikana varo neyeSamaria navanasikana varo, uye pfuma yako pamwe chete navo, 54. kuitira kuti ugotakura nyadzi dzako ugonyara pane zvose zvawakaita uchivanyaradza. 55. Uye vanun'una vako, ivo Sodhomu navanasikana vake neSamaria navanasikana varo, vachadzokera pane zvavaiva kare. 56. Haungazomborevi nezvomunun'una wako Sodhomu pazuva rokuzvikudza kwako, 57. kuipa kwako kusati kwafukurwa. Kunyange zvino, uri kusekwa izvozvi navanasikana veEdhomu navavakidzani varo vose, uye vanasikana veFiristia, navose vakakupoteredza vanokushora. 58. Uchazvitakurira zvibereko zvounzenza hwako namabasa ako anonyangadza, ndizvo zvinotaura Jehovha. 59. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichakuitira zvakakufanira, nokuti wakazvidza mhiko dzangu nokuputsa sungano yangu. 60. Asi hazvo ndicharangarira sungano yandakaita newe pamazuva ouduku hwako, ndigosimbisa sungano isingaperi newe. 61. Ipapo ucharangarira nzira dzako ugonyora paunogamuchira vanun'una vako, vose vakuru kwauri uye navaduku kwauriwo. Ndichavapa kwauri savanasikana, asi kwete nokuda kwesungano yangu newe. 62. Saka ndichasimbisa sungano yangu newe, uye uchaziva kuti ndini Jehovha. 63. Ipapo, kana ndayanana newe pane zvose zvawakaita, ucharangarira ugonyara uye ukasazoshamisa muromo wako nokuda kwokuninipiswa kwako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Mapisarema 123:1-4 1. Rwiyo rworwendo. [1] Ndinosimudzira meso angu kwamuri, kunemi mune chigaro choushe kudenga. 2. Sokutarira kunoita meso enhapwa kuna vatenzi vadzo, sezvinoita meso omurandakadzi achitarira ruoko rwatenzikadzi wake, saizvozvo meso edu anotarira kuna Jehovha Mwari wedu, kusvikira atinzwira ngoni. 3. Tinzwirei ngoni, imi Jehovha, tinzwirei ngoni, nokuti takatsunga pakuzvidzwa kwakawanda. 4. Takatsunga zvikuru pakumhurwa kunobva kuna vanozvikudza, nokuzvidzwa kuzhinji kunobva kuna vanozvikudza.
Zvirevo 28:20-20 20. Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru, asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.
VaHebheru 8:1-13 1. Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, 2. uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. 3. Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. 4. Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro. 5. Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.” 6. Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani. 7. Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano. 8. Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha, 9. Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe. 10. Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu. 11. Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo. 12. Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.” 13. Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichashayikwa nokukurumidza.
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica