Bhaibheri mune rimwe gore Kukadzi 13Ekisodho 37:1-291. Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia, yakareba makubhiti maviri nehafua, kubhiti rimwe nehafub paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.2. Akaifukidza negoridhe rakaisvonaka, zvose mukati nokunze, uye akaita hata yegoridhe yakaipoteredza.3. Akaiumbira mhete dzegoridhe ina akadziisa pamakumbo ayo mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye dzimwe mbiri kuno rumwezve rutivi.4. Ipapo akaita mapango omuti womuakasia uye akaafukidza negoridhe.5. Uye akapinza mapango mukati memhete parutivi rweareka okuitakura nawo.6. Akagadzira chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafuc pakureba uye kubhiti rimwe chete nehafud paupamhi.7. Ipapo akaita makerubhi maviri negoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro.8. Akaita kerubhi rimwe chete kurutivi rumwe chete rwokumucheto uye kerubhi rechipiri kuno rumwezve rutivi, mativi okumucheto ari maviri akaaita chinhu chimwe chete nechifunhiro.9. Mapapiro amakerubhi akanga akabatanidzirwa kumusoro, achifukidza chifunhiro nomumvuri wawo. Makerubhi akanga akatarisana, akatarisa kuchifunhiro.10. Vakagadzira tafura namatanda omuakasia, yakareba makubhiti mavirie, uye kubhiti rimwe chetef paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafug pakukwirira.11. Ipapo vakaifukidza negoridhe rakaisvonaka uye vakagadzira hata yegoridhe yakaipoteredza.12. Vakaiitirawo mukombero wakaipoteredza une upamhi hwakaita sechanza choruokoh ndokuisa hata yegoridhe pamukombero.13. Vakaumba mhete ina dzegoridhe dzetafura uye vakadzisungirira pamakona mana, paya pakanga pana makumbo.14. Mhete dzakaiswa pedyo nomukombero kuti dzibate mapango aishandiswa pakutakura tafura.15. Mapango okutakura tafura akagadzirwa namatanda omuakasia uye akanga akafukidzwa negoridhe.16. Uye vakaita nhumbi dzetafura negoridhe rakaisvonaka, ndiro dzayo, madhishi nemikombe uye nezvirongo zvayo zvokudururira zvipiriso zvinonwiwa.17. Vakagadzira chigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka uye vakaipambadzira, chigadziko nehunde; mikombe inenge maruva, mabukira namaruva zvaiva chinhu chimwe chete nacho.18. Mapazi matanhatu akaiswa kubva kumativi echigadziko chomwenje, matatu kurutivi rumwe chete uye mamwe matatu kuno rumwe rutivi.19. Mikombe mitatu yakanga yakaumbwa seruva remuarimondi namabukira namaruva makuru zvakange zviri pane rimwe davi, matatu padavi raitevera uye zvaita saizvozvo pamatavi ose ari matanhatu aibva pachigadziko chomwenje.20. Uye pamusoro pechigadziko chomwenje paiva nemikombe mina yakaumbwa seruva romuarimondi namabukira uye namaruva makuru.21. Bukira rimwe chete rakanga riri pasi pamatavi maviri okutanga aibva pachigadziko chomwenje, bukira rechipiri rakanga riri pasi pamatavi maviri aitevera, uye bukira rechitatu rakanga riri pasi pamatavi mamwezve maviri, ose ari matanhatu pamwe chete.22. Mabukira namatavi zvaiva chinhu chimwe chete nechigadziko chomwenje, chegoridhe rakaisvonaka rakapambadzirwa.23. Vakaita mwenje yacho minomwe, pamwe chete nembato dzacho uye nendiro dzacho, dzegoridhe rakaisvonaka.24. Vakaita chigadziko chomwenje nenhumbi dzacho dzose kubva patarenda rimwe chetei regoridhe rakaisvonaka.25. Vakaita aritari yezvinonhuwira namatanda omuakasia. Yakanga yakaenzana mativi ose ari mana, yakareba kubhiti rimwe chetej uye kubhiti rimwe chete paupamhi, uye makubhiti mavirik pakukwirira kwayo, nyanga dzayo dziri chinhu chimwe chete nayo.26. Vakafukidza pamusoro payo nokumativi ose uye nenyanga, negoridhe rakaisvonaka, uye vakagadzira hata yakaipoteredza.27. Vakaita mhete dzegoridhe mbiri pasi pehata, mbiri kuno rumwe rutivi, kuti dzibate mapango aishandiswa pakuitakura.28. Vakagadzira mapango omuti womuakasia uye vakafukidza negoridhe.29. Vakagadzirawo mafuta matsvene okuzodza uye nezvinonhuwira kwazvo zvakaisvonaka, basa romuvhenganisi wezvinonhuwira.Ekisodho 38:1-311. Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuakasia, yakakwirira makubhiti matatua; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanub pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.2. Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira.3. Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.4. Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.5. Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.6. Vakaita mapango omuti womuakasia vakaafukidza nendarira.7. Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaita namapuranga, isina chinhu mukati.8. Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.9. Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zanac uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakaisvonaka uye wakarukwa,10. namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda.11. Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.12. Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanud paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.13. Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.14. Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanue zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,15. uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.16. Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa wakaisvonaka.17. Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.18. Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi mavirif, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanug kukwirira kwacho,19. namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha.20. Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira.21. Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista.22. Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha;23. aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka.24. Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatuh, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.25. Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekerii, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene,26. bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekerij, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu.27. Matarenda zanak esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe.28. Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanul kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo.29. Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana manam.30. Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose,31. nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.Mapisarema 22:9-159. Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.10. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.11. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.12. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.13. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.14. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.15. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.Zvirevo 8:12-2112. “Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera; ndine ruzivo nenjere.13. Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; ndinovenga kuzvikudza namanyawi, maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.14. Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu; ndine kunzwisisa nesimba.15. Madzimambo anobata ushe neni uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;16. machinda anofambisa ushe neni, navakuru vose vanotonga panyika.17. Ndinoda avo vanondida, uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.18. Pfuma nokukudzwa zvineni, upfumi hunogara nokururama.19. Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka; zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.20. Ndinofamba munzira dzokururama, pamakwara okururamisira,21. ndichipa upfumi kuna avo vanondida, uye ndichiita kuti matura avo azare.Mateu 26:51-7551. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru.52. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo.53. Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makumi gumi namaviri?54. Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?”55. Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga.56. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza.57. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru.58. Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo.59. Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye.60. Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya61. vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ”62. Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?”63. Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ”64. Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.”65. Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake.66. Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!”67. Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama68. uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?”69. Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.”70. Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.”71. Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Munhu uyu akanga ana Jesu weNazareta.”72. Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!”73. Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.”74. Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira.75. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru. Shona Bible (BDSC) 2005 Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.®