Bhaibheri mune rimwe gore Nyamavhuvhu 8Jobho 7:1-211. “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here?2. Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake,3. saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri.4. Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza.5. Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye nemhezi, ganda rangu rakatsemuka uye raora.6. “Mazuva angu ari kukurumidza kufamba kukunda chokurukisa chomuruki, uye anosvika kumagumo asina tariro.7. Rangarirai henyu, imi Mwari kuti upenyu hwangu hunongova mweya zvawo; meso angu haachazoonizve mufaro.8. Ziso rinondiona zvino harichazondionizve; muchanditsvaka, asi handichazovapozve.9. Sokunyangarika kunoita gore ndokuenda, saizvozvo uyo anoburikira kubwiro haadzokizve.10. Haachazouyi kumba kwakezve; nzvimbo yake haichazomuzivizve.11. “Naizvozvo handinganyarari; ndichataura pakurwadza kwomweya wangu, ndichanyunyuta mushungu dzomwoyo wangu,12. Ko, ndiri gungwa kanhi, kana chikara chokwakadzika, zvamunondiisa pasi pomurindi?13. Pandinofunga, mubhedha wangu unondivaraidza, uye mubhedha wangu uchadzikamisa kunyunyuta kwangu,14. kunyange zvino imi muchindityisidzira nezviroto nokundivhundutsa nezviratidzo,15. zvokuti ndinosarudza kuti ndidzipwe ndife hangu, pachinzvimbo chomuviri wangu uno.16. Ndinozvidza upenyu hwangu, handidi kurarama nokusingaperi. Ndiregei nokuti mazuva angu haana zvaanoreva.17. “Munhu chiiko zvamunomukudza kudai, zvamunomurangarira zvakadai,18. zvamunomunzvera mangwanani ose nokumuedza nguva dzose?19. Hamusi kuzombotarirawo kudivi here, kana kumbondisiyawo ndakadaro kwechinguva?20. Kana ndakatadza, ndakaiteiko kwamuri, imi mutariri wavanhu? Makaitireiko kuti ini ndive munhu wamunovavarira? Ko, ini ndava mutoro kwamuri here?21. Nemhaka yeiko musingandikanganwiri mhaka dzangu nokundiregerera zvivi zvangu? Nokuti ndichavata muguruva nokukurumidza. Muchanditsvaka, asi handichazovipozve.”Jobho 8:1-221. Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:2. “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta.3. Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here?4. Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo.5. Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose,6. kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo yako chaiyo.7. Kunyange mavambo ako akanga ari maduku, magumo ako achava makuru.8. “Bvunza marudzi akare ugocherechedza zvakadzidzwa namadzibaba avo,9. nokuti isu takaberekwa zuro uye hatina chatinoziva, uye mazuva edu panyika akangoita somumvuri.10. Ko, havangakudzidzisi nokukuudza here? Ko, havangakuvigiri mashoko anobva pakunzwisisa kwavo here?11. Ko, nhokwe dzingamera pasina nhope here? Ko, tsanga dzingararama pasina mvura here?12. Dzichiri kumera uye dzisati dzatemwa, dzinokurumidza kuoma kupinda uswa.13. Ndizvo zvakaita magumo avose vanokanganwa Mwari; saizvozvo tariro yavasina Mwari inoparara.14. Zvaanovimba nazvo hazvina simba, zvaanovimba nazvo mambure edandemutande.15. Anosendamira padandemutande rake, asi rinobvaruka; anobatirira pariri, asi harimiri.16. Akafanana nomuti wakanyatsodiridzwa pamushana, unotandavadza mabukira awo pamusoro pebindu;17. unomonera midzi yawo pamurwi wamatombo, uye unotsvaka nzvimbo pakati pamatombo.18. Asi kana ukatsemuka ukabva panzvimbo yawo, nzvimbo iyo ichauramba igoti, ‘Handina kumbokuona.’19. Zvirokwazvo upenyu hwawo, hunooma, uye mimwe miti inomera ichibuda muvhu.20. “Zvirokwazvo Mwari haarambi munhu asina mhaka kana kusimbisa maoko avaiti vezvakaipa.21. Iye achazadza muromo wako nokuseka uye miromo yako nokupururudza.22. Vavengi vako vachashongedzwa nenyadzi, uye matende avakaipa haachazovapozve.”Mapisarema 92:8-158. Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.9. Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha, zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa; vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.10. Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati; mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.11. Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu; nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.12. Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe, vachakura somusidhari weRebhanoni;13. wakadyarwa muimba yaJehovha, vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.14. Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo, vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.15. Vachiparidza kuti, “Jehovha akarurama; ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”Zvirevo 22:17-2117. Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,18. nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.19. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.20. Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,21. kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?VaRoma 9:1-151. Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene2. ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu.3. Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,4. ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo.5. Madzibaba ndaavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni.6. Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havazi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri.7. Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”8. Namamwe mashoko, havazi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama.9. Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”10. Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka.11. Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe,12. kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.”13. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”14. Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku!15. Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.” Shona Bible (BDSC) 2005 Copyright © 2003, 2006, 2017 by Biblica, Inc.®