Genesisi 43:1-34 1. Nzara yakaruma zvakanyanya panyika. 2. Kuzoti zvokudya zvavakanga vabva nazvo kuIjipiti zvapera, baba vavo vakati kwavari, “Endaizve mundotitengera twokudya.” 3. Asi Judha akavati, “Murume wacho akatikohomedza kuti, ‘Handidi kana kumbokuonai pano pandiri kana musina munun'una wenyu.’ 4. Kana mukatibvumira kuenda nomunun'una wedu tichandokutengerai zvokudya. 5. Asi mukaramba naye, isu hatingaende nokuti murume iyeyo akati, ‘Hamuzotenderwi kundiona kana musina munun'una wenyu.’ ” 6. Iye Isiraeri ndokuti, “Makaitireiko zvakaipa zvikadai? Makanga muchamuudzireiko kuti mune munun'una?” 7. Ivo vakati, “Murume iyeyo akatibvunzisisa kwazvo nezvedu nezvehama dzedu achiti, ‘Baba venyu vapenyu here? Mune mumwe munun'una here? Isu taingopindura zvatainge tabvunzwa chete. Ko taigoziva seiko kuti achazotiti uyai nomunun'una wenyu.’ ” 8. Judha akati kuna baba vake Isiraeri, “Dai mukandipa zvenyu mwana uyu tipinde munzira tiende kuti tose imi nesu navana vedu tipone tirege kufa. 9. Ini pachangu ndichamuchengeta. Chinenge chamuwana chawana ini. Kana ndikasadzoka naye ndichikupai ari mupenyu, mhosva ichava yangu upenyu hwangu hwose. 10. “Dai tisina kunonoka, pari zvino tingadai takatodzokerako ruviri rwese.” 11. Baba wavo Isiraeri vakavati, “Kana zvakadaro chidai izvi, mochitorawoka zvinhu zvakanaka zvatinazvo kuno motakura mutsapo dzenyu, moenda nazvo kundopa changamire iyeyo. Motakurawo twokuzora tunonhuhwira notuuchi namasiriridzi nemura neshomwe dzokudya namaarimondi. 12. Takurai mari yakapetwa kaviri kuwanda. Dzokeraiko nemari yamakadzorerwa iya yakaiswa pamuromo wetsapo dzenyu, zvimwe vangadaro vakakanganisa, 13. mutorewo munun'una wenyu musimuke muende, mudzokere zvenyu kumurume iyeyo zvakare. 14. Iye Aripagomo ngaakubatsirei, murume wacho agokuitirai tsiye nyoro abvume kuti Simeoni naBhenjamini vadzoke pamwechete nemi. Kana ndarasikirwa navana vangu ndarasikirwawo.” 15. Varume ava vakatora chipo ichi nemari yakapetwa kaviri kuwanda, pamwe chete naBhenjamini, vakasimuka vakaenda kuIjipiti kwavakasvika vakaonana naJosefi. 16. Kuzoti Josefi aona vaina Bhenjamini, akaudza mutariri wezvemba yake achiti, “Enda navarume ava kumba kwangu undobaya chipfuwo ugadzire zvokudya. Varume ava vachadya neni masikati ano.” 17. Mutariri uyu akaita zvaakaudzwa naJosefi, ndokuenda navo kumba kwaJosefi. 18. Varume ivavo vakatya pavakaunzwa kumba kwaJosefi. Vakati, “Taunzwa kuno nokuda kwemari iya yakadzoserwa mutsapo dzedu parwendo rwokutanga. Atiunza muno achida kuwana manzvengeredzero okutipomera mhosva achibva atisunga otiita varanda vake achibva atitorera madhongi edu.” 19. Nokudaro vakaenda kumutariri wezvemba yaJosefi vakataura naye vari pamusuo wemba. 20. Vakati, “Tapota changamire, takambouya kuno kuzotenga zvokudya 21. asi takati tichisvika patakavata usiku, takasunungura tsapo dzedu, wanei mari iya yakanga yabviswa nomumwe nomumwe wedu iri pamuromo wetsapo yake yakangodaro nomwero wayo chaiwo. Zvino heinoi mari yacho tadzoka nayo. Asi hatizivi akaisa mari yacho mutsapo dzedu. 22. Izvozvi totouya neimwe mari mumaoko kuzotenga zvokudya. Asi iya iya hatimboziva akaiisa mutsapo dzedu.” 23. Mutariri uyu ndokuti, “Regai zvenyu kutambudzika. Musatye zvenyu. Mwari wenyu, iye Mwari wababa wenyu, ndiye chete akakuisirai mari mutsapo dzenyu. Mari yenyu ndini ndakanga ndaigamuchira.” Ipapo akabva avaunzira Simeoni. 24. Mutariri uyu akapinda navo mumba maJosefi. Akavapa mvura, vakashamba tsoka dzavo. Akapawo madhongi avo zvokudya. 25. Varume ivavo vakafanogadzirira zvipo zvavo vachimirira Josefi akanga anzi achauya masikati kuzodya navo. 26. Josefi akazosvika mumba umu, varume ava vakandomugwadamira vachimupa zvipo zvavo. 27. Josefi akavabvunza zvokumusha kwavo achiti, “Ko baba venyu vaya vamakati vakwegura vakadii zvavo? Vachiri vapenyu here?” 28. Ivo vakati, “Muranda wenyu ivo baba vedu varipo zvavo, vapenyu vaya.” Vakagwadamira Josefi vachimuremekedza. 29. Josefi akatarisa ndokuona Bhenjamini munun'una wake, buda ndibudewo naye akati, “Saka uyu ndiye munun'una wenyu wokupedzesera wamakandiudza nhai? Mwari ngaakunzwire nyasha mwanangu!” 30. Pakarepo Josefi akanzwa mwoyo wake kurwadza pamusoro pomunun'una wake, akabva akurumidza kupinda mumba yomukati kundosvimha misodziari imomo. 31. Akashamba kumeso kwake akabudamo. Akazvisimbisa ndokuti, “Pakurai zvokudya.” 32. Vakapira Josefi zvokudya pake oga. Hama dzake dzakadyirawo padzo dzoga. VaIjipiti vaivamo vakadyirawo pavo voga, nokuti vaIjipiti pachavo vaiti kudya nevaHebheru, chinhu chakashoreka. 33. Vakagara pakatarisana naJosefi vakanyatsorongwa namazero avo kubvira kudangwe kusvikira kugotwe zvokuti vakatotarisana vachishamiswa nazvo. 34. Zvokudya zvaipakurwa zvichibva patafura yaJosefi. Asi Bhenjamini akapakurirwa zvokudya zvaidarika zvavamwe kakapetwa kashanu. Vakadya vakanwa vakafara pamwechete naye.
Genesisi 44:1-34 1. Josefi akaraira mutariri wezvemba yake achiti, “Zadza tsapo dzavarume ava nezvokudya zvavanokwanisa kutakura, uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wetsapo yake, 2. uisewo kapu yangu iya yesirivha mumuromo wetsapo yegotwe racho pamwechete nemari nembesanwa dzake.” Mutariri akaita zvaakaudzwa naJosefi. 3. Fume mangwana varume ava vakanzi vachienda zvavo namadhongi avo. 4. Vachangobuda muguta vasati vaenda kure, Josefi akataurira mutariri wezvemba yake akati, “Tevera varume vaya, kana wavabata uti, ‘Seiko mandidzorera nechakaipa pane zvandakuitirai zvakanaka? Ko mazobireiko kapu yesirivha yatenzi wangu? 5. Hamuzivi here kuti ndoinonwira tenzi wangu uye anoishandisawo pakuona zvichazoitika? Matopara mhosva huru kwazvo!’ ” 6. Mutariri paakavabata akavaudza mashoko iwaya. 7. Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro. 8. Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu? 9. Ani naani wedu isu varanda venyu, anenge awanikwa anayo, ngaafe. Isu vamwe tichava varanda vatenzi wenyu.” 10. Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.” 11. Ipapo mumwe nomumwe akaburutsa tsapo yake, akaisunungura. 12. Mutariri akatanga kutsvaka mutsapo yomukuru akazogumisira neyorugotwe. Kapu yakazowanikwa mutsapo yaBhenjamini. 13. Izvozvi zvakaita kuti vabvarure hanzu dzavo. Mumwe nomumwe akatakudza dhongi rake vakabva vadzokera kuguta kuya. 14. Judha navamwe vake vakasvikowana Josefi achiri mumba make, vakamugwadamira vachimuremekedza. 15. Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.” 16. Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.” 17. Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.” 18. Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo. 19. Changamire, ndimi makatibvunza muchiti, ‘Muna baba here? Muno munun'una here?’ 20. Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’ 21. Imi makatiudza isu varanda venyu kuti, ‘Uyai naye kwandiri ndinoda kumuona.’ 22. Isu tikakupindurai changamire tichiti, ‘Mukomana iyeyo haangasiyane nababa vake nokuti kana akasiyana navo vangafe.’ 23. Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’ 24. “Kuzoti tasvika kuna baba vedu, muranda wenyu, takavaudza zvamakanga mareva. 25. Baba vedu pavakazoti, ‘Endaizve munotitengera twokudya,’ 26. isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’ 27. Baba vedu, muranda wenyu, vakatiti, ‘Munoziva kuti mudzimai wangu Rakeri akandiberekera vana vaviri, 28. mumwe akandisiya, ndikati akaparadzwa nezvikara chete kubvira ipapo handina kuzombomuonazve. 29. Zvino kana mukanditorera zvakare Bhenjamini, kana akawana chinomuwana munenge maita kuti ini ndachena musoro ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.’ 30. “Naizvozvo kana ndikadzokera kune muranda wenyu, ivo baba vangu, ndisina mukomana iyeyu wepamwoyo pavo wavanodisa zvikuru, 31. pavanongoona kuti isu tinenge tisina mukomana iyeyu vanofa. Ivo varanda venyu tinobva takonzera kuti baba wedu, ivo muranda wenyu, vachena musoro vasvike pakufa vaine shungu mumwoyo. 32. Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’ 33. Saka ndinokumbira kuti ini muranda wenyu nditore nzvimbo yomwana uyu ndisare somuranda wenyu tenzi wangu, asi murege mukomana uyu aende zvake navakoma vake. 34. Ko ndingaende seiko kuna baba vangu ndisina mukoma iyeyu? Handidi zvangu kuona kutambudzika kuchaita baba wangu.”
Mapisarema 11:1-7 1. Chivimbo chavari pachokwadi Ndinopotera kuna Mwari ko ungagoti kwandiri sei “Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri 2. nokuti tarisai muone kuti vakaipa vatotatamura uta hwavo; vatoisa museve wavo patambo kuti vapfure vakarurama murima. 3. Kana ugaro hwaparadzwa wakarurama angaitei?” 4. TENZI ari muTemberi yake inoera chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga maziso ake anoona, meso ake anoongorora vanhu. 5. TENZI anoedza vakarurama navakaipa asi anovenga wakaipa anoda utsinye. 6. Anonaisa pamusoro pavakaipa mazimbe omoto nesarufa, mhepo inopisa ndiyo ichava mugove womukombe wavanopiwa 7. nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake.
Zvirevo 4:10-13 10. Teerera mwanangu, utambire zvandinokutaurira kuti makore oupenyu hwako awande. 11. Ndakakudzidzisa nzira dzoungwaru ndikakutungamirira mumakwara ukava pachokwadi. 12. Kana wofamba, nhanho dzako hadzizovhiringidzwi, kana womhanya haugumburwi. 13. Batisisa zvaunodzidziswa, usazvikande pasi, ramba wakazvichengeta nokuti ndihwo upenyu hwako.
Mateu 14:22-36 22. Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. 23. Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. 24. Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. 25. Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. 26. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. 27. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.” 28. Ipapo Pita akati, “Tenzi kana murimi, itii ndiuye kwamuri ndichifambawo pamusoro pemvura.” 29. Iye akati, “Uya.” Pita akabuda mugwa akafamba napamusoro pemvura achienda kuna Jesu. 30. Pita paakaona mhepo, akatya. Akatangisa kunyura ndokudaidzira achiti, “Tenzi ndiponesei.” 31. Pakarepo Jesu akabva atambanudza ruoko rwake akamubata achiti kwaari, “Inga une chitendero chiduku. Wakahadzikireiko.” 32. Pavakakwira mugwa, mhepo yakabva yanyarara. 33. Vaya vaiva mugwa vakamugwadamira vachiti, “Zvechokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.” 34. Zvino kuzoti vayambuka mhiri, vakasvika kuGenezareti. 35. Varume voko pavakamuziva, vakatuma nhume kunharaunda iyoyo yose vakaunza kwaari vose vairwara. 36. Vakamukumbirisa kuti vangobatawo mupendero wehanzu yake. Vose vakaibata vakaporeswa.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008