Bhaibheri mune rimwe gore
Gumiguru 5

1. Mweya waTenzi Mwari uri pandiri nokuti Tenzi akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuzonyaradza vakasuruvara mwoyo, nokuparidzira vari muutapwa rusununguko, nokusunungurwa kwavari muusungwa
2. uye kuparidza kuvanhu gore raTenzi retsiye nyoro nezuva raMwari wedu rokutsiva nokunyaradza vose vanochema
3. kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa.
4. Vachavakazve pamatongo akare vachamutsurudza zvinhu zviya zvakanga zvati pasi mbombombo. Vachagadziridzazve maguta akanga aparadzwa akanga aita matongo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
5. Vauyi zvavo ndovachava vokukufudzira zvipfuwo, vatorwa ndovachava vokukurimirai minda nevokukuchengetedzerai minda yamagirepisi.
6. Asi imimi muchanzi vapristi vaTenzi, vanhu vachakutii vashandiri vaMwari wedu. Muchatodya upfumi hwevechirudzi muchiwana zvenyu mukurumbira noupfumi hwavo.
7. Panze pokuti munyare muchatopiwa mugove wakapetwa, kaviri. Panze pokunyadziswa muchafara nomugove wenyu. Naizvozvo munyika menyu imomo mugove wakapetwa kaviri uchange uri wenyu chenyu imi chichava rufaro rwokugara nokugara.
8. “Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndinoda ruenzaniso, zvokupamba vanhu ndinozvivenga, ndinovengawo zvokuita zvakaipa. Ndichavapa mubayiro wavo chaivo, ndichaita chitenderano navo chokugara nokugara.
9. Zvizukuru zvavo zvichanyatsozivikanwa mukati memarudzi evanhu, navana vavo mukati mavanhu vose. Vose vachavaona vachabvuma kuti vanhu vakakomborerwa naTenzi.”
10. “Ini ndinokurumbidzai Tenzi nomwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopemberera Mwari wangu nokuti akandipfekedza hanzu dzoruponeso, akandifukidza nehanzu dzokururama sokuzvipfekedza kunoita murume anenge achichata uye sokuzvishongedza nezvishongo kunoita musikana ari kuchata.
11. Sezvinongoita nyika inomeresa mabukira, uye sezvinongoitawo bindu kumeresa zvinenge zvadyarwamo ndizvozvowo zvinoita Tenzi Mwari, anoita kuti ururami nomukurumbira zvitungire, marudzi ese zvawo evanhu achiona.”
1. Pamusana peZioni, handimbonyarara kutaura. Pamusana peguta reJerusaremu handimbozorora kusvikira kupembedzwa kwaro kwajeka sechiedza, ruponeso rwaro rwanyatsovhenekera semwenje.
2. Marudzi avanhu achaona kupembedzwa kwako, madzimambo ose achaonawo mbiri yako. Iwe uchadaidzwa nezita idzva rauchatumidzwa naTenzi nomuromo wake.
3. Uchave ndaza yakanakisisa muruoko rwaTenzi, nenyembe youmambo chaiyo muruoko rwaMwari wako.
4. Iwe hauchazonzi, “Murambwi,” nyika yako haichazonzi, “Dongo.” Asi uchatonzi, “Wangu wapamwoyo,” nyika yako ichinzi, “Muroora,” nokuti Tenzi anofadzwa newe, nyika yenyu icharoorwa
5. sezvinongoita mukomana anoroora mhandara, iye akakuvaka wacho achakuroora uye sokufarira kunoita mukomana mukadzi waaroora ndokukufarirai kuchaita Mwari wenyu.
6. Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore,
7. musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano.
8. Tenzi apika norudyi rwake apika nesimba roruoko rwake kuti, “Handichambofa ndakapazve mbesanwa dzenyu kuti dzive chokudya chavavengi venyu uye vatorwa havasi kuzombonwazve waini yenyu yamakadikitira kushanda.
9. Asi kutoti vanenge vaisa mbesanwa mumatura ndivo vachadzidya vachirumbidza Tenzi, vanenge vatanha magirepisi ndivo vachanwa waini yacho vari munhandare dzeNzvimbo yangu Inoera.”
10. Pindai pindai nomumisuo mikuru gadzirirai vanhu mugwagwa, gadzirai gadzirai mugwagwa mukuru mubvisei mabwe musimudze mureza pamusoro pendudzi dzavanhu.
11. Teererai munzwe, Tenzi ari kuzivisa vanhu kusvikira kwakaperera nyika. Itii kuguta reZioni, “Tarisai muone, ruponeso rwenyu rwava kusvika. Tarisai muone, mubayiro wake anawo, muripo wake ndiwo waanotungamidza.”
12. Vachanzi vanhu, “Vanoera vaNyakununurwa vaTenzi” iwe uchinzi, “Wapamwoyo pavanhu guta risina kutizwa.”
9. Asi vaIsiraeri vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
10. Imba yokwaAroni inovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
11. Vanotya TENZI vanovimba naTENZI; ndiye mubatsiri wavo nenhoo yavo.
12. TENZI anotirangarira; achatikomborera. Achakomborera imba yokwaIsiraeri; achakomborera imba yokwaAroni.
13. Achakomborera vanotya TENZI vakuru navaduku.
24. Munhu anovenga anonyengedza nemiromo yake, iye akavanza unyengedzi mumwoyo make.
25. Kana achitaura zvakanakisisa rega kuzvigamuchira ane zvinhu zvinomwe mumwoyo make zvinosemesa.
26. Kuvenga kwake kungavanzwe zvako nounyengedzi asi uipi hwake hunoburitswa pachena pagungano.
1. Imi vana, teererai vabereki venyu muna Tenzi nokuti ndizvo zvakanaka.
2. “Remekedza baba naamai vako.” Uyu ndiwo mutemo unotanga kutaura uine chitsidzo
3. kuti zvikufambire zvakanaka uye kuti ugare nguva ndefu panyika.
4. Imi vabereki musashatirise vana venyu asi vayarutsei mukuzvibata nechidzidziso chaTenzi.
5. Imi varanda teererai vanatenzi venyu vapano pasi muchivaremekedza nokuvateerera zvakaperera sokunge muri kuzviitira Kristu
6. kwete zvechipameso zvokufadza vanhu asi savaranda vaKristu muchiita zvinodiwa naMwari nomwoyo wose.
7. Munofanira kuita basa renyu nechido sokunge muri kuriitira Tenzi kwete sokunge muri kuriitira vanhu.
8. Zivai kuti munhu anoita zvakanaka achapiwa zvakanaka naTenzi kunyange ari muranda kana musununguki.
9. Imi vana tenzi itaiwo zvimwechetezvo kwavari. Musavatyisidzire. Zivai kuti Tenzi wavo ari kudenga ndiye Tenzi wenyuwo uye kuti iye haana rusaruro.
10. Pokupedzisira itosimbai muna Tenzi uye nokusimbarara kwesimba rake.
11. Pfekai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumirisana namazano akaipa aDhiabhori
12. nokuti hatisi kurwisana navanhu asi nomweya ine ukuru ukuru, neino ushe nemweya inotonga pasi pose pano pane rima riripo iri uye tiri kurwisana nehondo nehondo dzomweya youipi iri mumatenga'mu.
13. Naizvozvo torai zvose zvokurwisa nazvo zvaMwari kuti mukwanise kumira pazuva iroro rinenge rakaipa. Kana marwisa zvakaomarara zvazvo kudaro imi mucharamba makamira.
14. Saizvozvo mirai makazvisunga zviuno zvenyu nechokwadi sebhande makapfeka demautare rapaditi rokururama.
15. Mutsoka dzenyu pfekai shangu dzokuda kuparidza Shoko Rakanaka rorugare
16. uyewo garai nguva dzose makabata nhoo yechitendero yamunogona kudzima nayo miseve yose yomoto yewakaipa.
17. Dzikai mumusoro ruponeso senguwani muine bakatwa raMweya zvichireva Shoko raMwari.
18. Namatai nguva dzose muina Mweya. Itai minamato nemikumbiro. Nechikonzero ichochi garai makangwaririra musingamborasa mwoyo muchikumbirira vatsvene vose.
19. Ndikumbirireiwo ini kuti ndiwaniswe mashoko pandinenge ndave kuda kutaura kuti ndiparidze nechivindi chakavandika chiya chezveShoko Rakanaka
20. randiri nhume yaro iri muusungwa kuti ndiriparidze ndakashinga sezvandinofanira kuita.
21. Zvino kuti imi muzivewo kuti ndakadii uye kuti ndiri kuitei, Tikikusi achakutaurirai zvose. Iye ihama yedu yapamwoyo uye mushandi wedu akatendeka muna Tenzi.
22. Ndamutumira ikoko nechikonzero ichochi kuti muzive kuti takadii kuno uye kuti akusimbaradzei mwoyo.
23. Hama Mwari Baba naTenzi Jesu Kristu ngaakuwanisei rugare norudo nechitendero.
24. Dai vose vanoda Tenzi Jesu Kristu norudo rusingaperi vangoitirwa nyasha.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008