Bhaibheri mune rimwe gore Gumiguru 8Jeremiya 1:1-191. Aya ndiwo mazwi aJeremiya mwanakomana waHirikiya mumwe wavapristi vaiva muguta reAnatoti munyika yokwaBhenjamini.2. Shoko raTenzi rakauya kwaari mumazuva aJosiya, mwanakomana waAmoni, mambo wokwaJudha, muri mugore regumi nechitatu rokutonga kwake.3. Rakauya mumazuvawo aJehoyakimu mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha kudzamara kumagumo kwegore regumi nechiposhi rokutonga kwaZedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo wokwaJudha, kusvikira pakutapwa kweJerusaremu mumwedzi wechishanu wacho.4. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,5. “Ndisati ndambokuumba mudumbu ramai, ndaitokuziva, usati waberekwa ndakakutsaura. Ndakakureresa ndakakusarudza somuporofita kumarudzi avanhu.”6. Ini ndokuti, “AA! Nhai Tenzi Mwari! Tarisai muone kuti ini handikwanisi kutaura nokuti ndiri muduku!”7. Asi Tenzi akati kwandiri, “Rega kuti ndiri muduku, nokuti kune vose vandinenge ndakutuma unofanira kuenda uye zvandinenge ndakuudza unofanira kutaura.8. Rega kuvatya nokuti ini ndinenge ndinewe kuzokununura. Ndozviri kutaura Tenzi.”9. Tenzi akabva atambanudza ruoko rwake akabata muromo wangu Tenzi akati kwandiri, “Chinzwa unzwe, ndaisa mazwi angu mukanwa mako.10. “Chiona, nhasi uno ndakupa masimba pamusoro pamarudzi namadzimambo okudzipura nookupaza, okuparadza, nookukurira okuvaka nookusima.”11. Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, “Jeremiya, chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona bazi romuarimondi.”12. Tenzi ndokuti kwandiri, “Waona zvazviri, nokuti ini ndiri kutarisa kuti shoko rangu rakazadzikiswa.”13. Izwi raTenzi rakazouyazve kwandiri richiti, “Chii chauri kuona?” Ini ndakati, “Ndiri kuona hari iri pamoto iri kuvira yakafuratira kuchamhembe.”14. Tenzi akati kwandiri, “Kuchamhembe uku kuchabva nhamo ichawira vagari vose venyika ino.15. Ndinodaro nokuti zvamunoona, ndava kuzodaidza ndudzi dzavanhu vamadzimambo oKuchamhembe, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Vanhu ivavo vachauya, mumwe nomumwe wavo agogadzikira chigaro choumambo hwake kwokupinda nako pamisuo mikuru yeguta reJerusaremu vagokomberedza masvingo eJerusaremu uye vagokomberana maguta ose zvawo okwaJudha.16. Ndichavatemera chirango chezvakaipa zvavo zvose zvokundifuratira kwamakaita vachipisira vamwe vamwari rusenzi nokupfugamira mabasa avanoita namaoko avo.17. Asi iwe wochisunga dzisimbe usimuke uvataurire zvose zvandinokuudza. Rega kuvatya, ukavatya ndinokuita mbwende pamberi pavo.18. Tarisa uone, nhasi uno, ini iyeni ndakuita guta retsvingo, nomusimboti wesimbi chaiwo, namasvingo endarira kurwisana nenyika ino yose zvayo namadzimambo okwaJudha namachinda ayo navapristi vayo navagari vayo.19. Vachakurwisa asi havazokukurira nokuti ini ndinewe ndichazokununura, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”Jeremiya 2:1-371. Shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti,2. “Enda undoparidza, Jerusaremu ichizvinzwa, kuti zvanzi naTenzi: “Ndinorangarira mwoyo wokuda zvokunamata wawaiva nawo pauduku hwako norudo rwawaiva narwo semwenga nokunditevera kwawaindiita murenje, munyika isina chinorimwamo.3. “Isiraeri yakanga ichiera kuna Tenzi iri michero yake chaiyo yokutanga kukohwa, vose zvavo vakaidya vakapara mhosva vakapinda nhamo ndizvo zviri kutaura Tenzi.”4. Inzwai shoko raTenzi imi vemba yokwaJakobho, imi mose vemadzinza emba yaIsiraeri.5. Zvanzi naTenzi: “Ndechipiko chakaipa chakaonekwa namadzibaba enyu mandiri zvavakabva vatoenda kure neni kudai votevera zvinhu zvisina maturo vachibva vavawo vanhu vasina maturo?6. “Havana kumbobvunzawo kuti, iye Tenzi aripiko akatiburitsa munyika yeIjipiti, akatitungamirira murenje, munyika yamagwenga namakoronga, munyika yakaoma, nyika yezarima, munyika isina anopfuura nomo, kusina anogarako?7. “Ndakakuunzai munyika ine ivhu rakanaka kuti mudye henyu michero yayo nezvakanaka zvayo. Asi imi pamakapinda mairi makan'oresa nyika yangu mukaita kuti nhaka yangu ive chinhu chinosemesa.8. “Vapristi havana kubvunza kuti, ‘Tenzi ari kupi?’ Vanoona nezvomutemo havana kundiziva. Vafudzi vavanhu vakandipandukira, vaporofita vakaporofita nomweya waBhaari vachitevedza zvinhu zvisina chimuko.9. “Zvanzi naTenzi, naizvozvo ndichakugadzai dare, ndichagadzawo vana vavana venyu10. nokuti yambukirai kumahombekombe eSaipurasi muone, kana kutumira nhume kuKedhari dzindonyatsoongorora kwazvo muone kana kwakamboitika chinhu chakadai.11. Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.12. “Matenga ngaakatyamarewo nezvakadai izvi akangaidzwe, apazaniswe musoro, ndizvo zviri kutaura Tenzi;13. nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.14. “Nyika yeIsiraeri nyika yevaranda here? Vakaberekerwa muuranda here? Sei vava nyama yamagora.15. Shumba dzakamudzovera dzichiita ruzha chairwo kudzvova. Nyika yeIsiraeri vaiita kuti ingova nyika isina zvayo chinhu, maguta ayo ava matongo asisina anogaramo.16. “Uyewo vanhu vokuguta reMemufisi nereTapanesi vakatsemura Isiraeri musoro.17. Hazvisi zvokuzviparira here izvi nokufuratira kwawakaita Tenzi, Mwari wako iye achingunokutungamirirai mugwara?18. “Ko zvino chii chamunowana nokuenda kuIjipiti, kundonwa mvura yomuna Nairi nhai? Uye chii chamunowana nokuenda kuAsiria, kundonwa mvura yomuna Yufuratesi here?19. Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.”20. “Ndinodaro nokuti kare kare wakatyora iwe Joko rako ukadambura zvitorobho zvako uchiti, ‘Handichakushandirai.’ Heeka, pachikomo chose chose zvacho napasi pomuti wose zvawo wakasvibira wakapfugamidzapo sepfambi.21. “Asi ini ndakanga ndakusima somugirepisi wakanakisisa chaizvo, chaiwo une mhodzi dzakasvika. Zvauya sei kuti ubva wasanduka kudai, kubva wava somugirepisi womudondo zvawo?22. “Kunyange zvako ukazvishambidza nesoda nesipo ine simba chaizvo uchiipupumisa kwazvo kutindivara kwemhosva yako ndinenge ndichingokuona chete ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.23. “Ko ungagoti sei, handina kun'ora ini, handina kutevera vanaBhaari? Tarisa uone gwara rako mumupata, uzive twawakaita. Uri tsiru renghamera rabindura risina kugadzikana rinodimuranisa nyika.24. Uri dhongi zvaro romusango rajairira zvomurenje rinongofemhedza mhepo nokubindura kwaro! Ndiani angaridzore pahavi dzaro? Hapana mikono inenge ichiritsvaga inofanira kuzvinetsa zvayo, mumwedzi waro wokubindura inotoriwana chete.25. Ngwarirai kuti muchasvuuka tsoka mugooma pahuro nenyota. Asi wakati iwe, ‘Hazvina basa nokuti ndinodanana navamwari vechirudzi saka changu ini kwangova kundenderedzana navo ikoko.’ ”26. “Sokunyara kunoita mbavha kana yabatwa, ndokunyara kuchaita vemba yaIsiraeri, ivo, namadzimambo avo namachinda avo, navapristi vavo navaporofita vavo.27. Vanhu vanototi kumuti ‘Ndimi baba vangu,’ vachiti kudombo, ‘Ndimi makandibereka, nokuti vakandipa gotsi'va vakandivanza uso.’ Asi kana pava panhamo zvino ndopovoti, ‘Simukai mutinunureiwo.’28. “Ko vamwari vako vawakazvigadzirira varipi? Ngavasimukeka ivo kana vachikwanisa kukununura zvaunenge wapindwa nenhamo kudaro nokuti iwe Judha kuwanda kwakaita maguta ako, ndokuwanda kwakaitawo vaMwari vako.29. “Chamunondipira mhosva chii ipapa? Makandipandukiraka imi mose zvenyu, ndizvo zviri kutaura Tenzi anoti:30. Kubangorangawo zvangu vana vako neshamhu, havana kana kumbodzoreka zvavo. Mapakatwa ako iyewe ndiwo aparadza vaporofita vangu seshumba inorura.31. Imi vechizvarwa chino ichi, chinzwai munzwe zviri kutaurwa naTenzi. Iyeni ndabva ndaita segwenga here kuvaIsiraeri? Kana kuti senyika yezarima zvayo? Ko vanhu vangu zvovotozuwa zvavo vachiti: ‘Tochiita pamadiro zvino, kwamuri hatichambokutsikazve?’32. Mhandara ingakanganwe zvishongo zvayo here, kana kuti mwenga kukanganwa hanzu yake yomuchato here? Asi vanhu vangu vakandikanganwa kwamazuva asingaverengeki.33. Inga unoziva kwazvo kurondorodza zvikomba zvako! Kunyange vakadzi vakaipa wakatovadzidzisa maitiro ako.34. Kunyange pambatya dzako pakatsvuka ropa ravarombo vasina mhosva. Hauna kuvawanikidza vachipaza. Kunyange zvose izvozvi zvakadai35. iwe ndopaunoti, handina mhosva, zvokundishatirirwa haachambondishatirirwa. Chinzwa, ndichakupa chirango chokukurangira muromo wako iwoyo wokuti, ‘Handina kutadzira Mwari.’36. Unongoti pano batu, pano batu zvisina netsarukano yese. Uchanyadziswa neIjipiti sokunyadziswa kwawakaitwa neAsiria.37. Naikokozve uchadzoka wakabata gotsi nokuti Tenzi akaramba vaunovimba navo vacho. Chaunowanawo iwe uchibatsirwa navanhu ivavo hapana.”Mapisarema 116:5-145. TENZI wakanaka, akatendeka; Mwari wedu ane tsitsi.6. TENZI anochengeta vanhuwo zvavo. Pandakanga ndasakadzwa nenhamo, akandinunura.7. Mwoyo wangu dzikama zvako nokuti TENZI akandiitira zvakanaka8. nokuti makandinunura kurufu mukandipukuta misodzi mukanditsigira kuti ndirege kuwa.9. Saizvozvo ndinofamba ndiina TENZI munyika yavapenyu.10. Ndakaramba ndiine chitendero changu, kunyange ndaiti zvangu, “Ndiri kutambudzika zvikuru.”11. Pandakanga ndazunzika kudaro ndakati, “Kuvimba nomunhu hakuna maturo.”12. Ko TENZI ndichamupeiko pane zvizhinji zvaakandipa?13. Ndichapira mukombe womuteuro woruponeso ndichidaidza zita raTENZI.14. Ndichaita zvandakatsidza kuna TENZI vanhu vake vose vachiona.Zvirevo 27:1-11. Usazvitutumadze nezvamangwana nokuti hauzivi zvichauya mune ramangwana.VaFiripi 3:1-211. Pokupedzisira hama dzangu ndinoti farai muna Tenzi. Hachisi chinhu chinondinetsa kukunyorerai zvakare zvinhu zvandakambokunyorerai zvinotokuchengetedzai.2. Chenjererai imbwa dzavanhu dziya, chenjererai vanhu avo vanoita zvakaipa. Chenjererai vanhu ivavo vanodzingisa3. nokuti isu ndisu vedzingiso yechokwadi, vanonamata Mwari muMweya uye tinovimba naKristu Jesu. Hativimbi nezvinoitwa panyama4. kunyange zvazvo ini ndichigona kuvimba nezvakaitwa pamuviri wangu. Kana pane munhu angafunge kuti ane chikonzero chokuvimba nezvakaitwa panyama, ini ndinazvo zvakatopfuura izvozvo kuwanda.5. Ini ndakadzingiswa pazuva rorusere uye ndiri werudzi rwechiIsiraeri. Ndiri wedzinza rokwaBhenjamini, muHebheru chaiye akaberekwa ari muHebheru. Kune zvokuzochengeta mutemo ndiri muFarisei.6. Kunezveshungu nezvinhu, ndaitova mutambudzi weSangano. Pane zvoururami pakuchengeta mutemo, ndakanga ndisina chandinopomerwa.7. Asi zvandaiona sezvine basa kwandiri, ndava kuzvitora sokutorasikirwa kwandakaita pamusana paKristu.8. Ichokwadi chaicho kuti ndavakuzviona zvisina basa kwandiri pamusana pechinhu chakanakisisa kwazvo chokuziva Kristu Tenzi wangu. Nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona samarara kuti ndiwane Kristu9. kuti ndiwanikwewo muna Kristu ndisina ururami hwangu pachangu hunobva mukuchengeta mutemo asi hunobva mukutenda kwangu muna Kristu, ururami hunobva kuna Mwari nechikonzero chechitendero ichocho.10. Ndinoda kuziva Kristu uye simba rokumuka kwake uyewo kuti ndigoverane naye matambudziko ndichivawo saiye murufu rwake11. kuti, kana zvichigoneka, ndizomukawo panomuka vakafa.12. Hakusi kuti ndakatowana kare izvi kana kuti ndava munhu azere paururami asi ndinongoramba ndichivavarira chete kuti ndiwane mubayiro iwoyo nokuti Kristu Jesu akandiita wake.13. Hama dzangu, ini handingati mubayiro iwoyo ndakatouwana kare asi chinhu chimwechete chandinoita ndechokuti, ndinokanganwa zveshure ndoramba ndichivavarira zviri mberi.14. Ndinoramba ndichingovavarira kusvika pakatarwa kuti ndiwane mubayiro wokumusoro unodaidzirwa naMwari muna Kristu Jesu.15. Isu tabve zero ngativei nemwoyo iwoyo asi kana musina mwoyo wakadaro, Mwari achakuratidzaiwo pachena izvozvo.16. Zvakadaro zvazvo ngatirambei takabatisisa zvatinazvo.17. Hama dzangu, batanai mukunditevedzera, muongorore vanogara zvakadaro, maererano nomuenzaniso watakakupai.18. Vamwe vazhinji vandaigara ndichikutaurirai, vandinokutaurirai zvakare nemisodzi padama, vanogara semhandu yomuchinjikwa waKristu.19. Mugumo wavo kuparara. Mwari wavo inhumbu uye vanozvirumbidza nezvavanofanira kunyara nazvo, mwoyo yavo iri pane zvapano pasi.20. Nyika yedu isu iri kudenga. Ndiko kwatinotarisira kuti kuchabva mununuri Tenzi Jesu Kristu.21. Ndiye achasandura muviri wedu uno wenhando achiuita semuviri wake wembiri nesimba rinomugonesa kuisa zvinhu zvose pasi pake. Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008