Bhaibheri mune rimwe gore Chivabvu 172 Samueri 5:1-251. Madzinza ose okwaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni akati, “Zvamuchione, izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi.2. Nezuro uno, Sauro achiri mambo wedu, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamirira Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi akakutii, ‘Iwe ndiwe uchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri uchava ishe weIsiraeri.’ ”3. Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo mambo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni ikoko, pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri.4. Dhavhidhi akanga ava namakore makumi matatu paakatanga kutonga, akatonga kwamakumi mana amakore.5. Akatonga vokwaJudna kwamakore manomwe nemwedzi mitanhatu ari kuHebhuroni. Akazotongawo kwaIsiraeri kwose nokwaJudha kwamakore makumi matatu namatatu ari kuJerusaremu.6. Mambo navarwi vake vakaenda kuJerusaremu vachivinga vaJebhusi vagari venyika iyoyo ivo vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi unodzingwa iwe kunyange namapofu nezvirema chaizvo,” vachifunga kuti Dhavhidhi haambofa akamupinda.7. Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira Guta retsvingo reZioni ndorakarewo rinonzi guta raDhavhidhi.8. Musi iwoyo Dhavhidhi akati, “Anenge achida kuuraya vaJebhusi ngaakwidze nomumugero wemvura uyu arwise zvirema namapofu vandiri kuvenga kwazvo ini Dhavhidhi.” Ndokusaka zvichinzi, “Mapofu nezvirema havafaniri kupinda muTembere.”9. Dhavhidhi akagara nhare yokuzvidzivirira muhondo akaitumidza zita rokuti Guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pakaitwa zvokuzadzwa mavhu zvichienda mukati.10. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, Mwari wegurusvusvu rehondo aiva naye.11. Hiramu, mambo weTire akatumira Dhavhidhi nhume nemapango omusidhari pamwechete navanhu vokuveza miti namatombo vakavakira Dhavhidhi muzinda.12. Dhavhidhi akazviona kuti Tenzi akanga aita kuti umambo hwake hwokwaIsiraeri hudzike midzi, uye kuti akanga asimudzira umambo hwake pamusana pavanhu vake vaIsiraeri.13. Dhavhidhi akaroorazve vamwe vakadzi navarongo kuJerusaremu mushure mokunge atama kuHebhuroni. Dhavhidhi akaberekazve vamwe vana vakomana navasikana.14. Mazita avana vake vakaberekerwa kuJerusaremu ndeaya anoti: Shamua naShobhabhu naNatani naSoromoni;15. kwouya Ibhari naErishua naNefegi naJafia;16. ndokuzouya Erishama naEriyadha naErifareti.17. VaFirisitia pavakanzwa kuti Dhavhidhi agadzwa umambo hwokwaIsiraeri, vaFirisitia vose vakaenda kundovhima Dhavhidhi, asi zvakasvika munzeve dzaDhavhidhi. Dhavhidhi akabva aenda kunzvimbo yokuzvidzivirira muhondo.18. VaFirisitia vakauya ndokuita zararira nebani revaRefaimu.19. Dhavhidhi akada kunzwa kuti Tenzi anotii nazvo, akati, “Ndoenda here kundorwisa vaFirisitia ava? Muchavaisa mumaoko angu here?” Tenzi akati kuna Dhavhidhi, “Enda zvako, nokuti zviri zvokuvaisa mumaoko ako, ndichavaisa mumaoko ako.”20. Nokudaro Dhavhidhi akaenda kuBhaariperizimu. Dhavhidhi akavakurira ikoko akati, “Tenzi andieredzera vavengi vangu sokueredza kunoita mafashamo emvura.” Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti Bhaariperazimu.21. VaFirisitia vakasiya zvifananidzo zvavo zvokunamata; Dhavhidhi navanhu vake vakazvitakura vakaenda nazvo.22. VaFirisitia vakauya zvakare ndokuita zararira nebani rokuvaRefaimu.23. Dhavhidhi paakada kunzwa kuti Tenzi anoti kudii nazvo, Mwari akati, “Rega kubva wananga pavari. Asi ita zvokuvanyangira neseri kwavo uvafute nokumiti yemibharisamu.24. Paunozongonzwa chete mutsindo wokufamba pamusoro pemiti yemibharisamu mobvawo mati navo koke koke kuvarwisa nokuti Tenzi anenge atotungamira mberi kwenyu kundorwisa hondo dzavaFirisitia.”25. Dhavhidhi akaita zvaakaudzwa naTenzi akarakatisa kuuraya vaFirisitia kubvira kuGebha kusvikira kuGezeru.2 Samueri 6:1-231. Dhavhidhi akaunganidzazve zviuru zvitatu zvavarume vano chaivo vakatoita zvokusarudzwa muIsiraeri.2. Dhavhidhi akasimuka akaenda navanhu vose vaaiva navo vachibva kuBhaarijudha kuti vandouya nebhokisi raMwari rechitenderano rinodaidzwa nezita, zita raTenzi wehondo nehondo anogara pane makerubhu ari pamusoro paro.3. Vakatakurira bhokisi raMwari rechitenderano pachikochikari chitsva. Vakariburitsa mumba maAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Vanakomana vaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichaira chikochikari chitsva ichi.4. Chaiva nebhoksi raMwari rechitenderano Ahio ndiye ainge akatungamirira mberi kwebhokisi rechitenderano.5. Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri vaifara vachipemberera Tenzi napose pavaigonera nedzimbo vaine zvokuridza zvakavezwa zvomuti womusaipurasi kuchiti: uku runoridza zvipendani, uku rumwe runoridza madimbwa, vamwe vachiridza ngoma, vamwe vachiridza makwakwakwa omuti neesimbi.6. Kuzoti vasvika paburiro rokwaNakoni, Uza akabata bhokisi raMwari rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei.7. Tenzi akavirukira Uza nehasha. Mwari akabva amuuraya.8. Kuurayiwa kwakaitwa Uza naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi inonzi Pereziuza nanhasi uno.9. Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Tenzi akati, “Zvino bhokisi raTenzi rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?”10. Nokudaro Dhavhidhi akaramba kuenda nebhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi. Asi Dhavhidhi akatsaukira naro mumusha waObhedhiedhomu muGiti.11. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera Obhedhiedhomu nemhuri yake yose.12. Shoko rakasvika munzeve dzamambo Dhavhidhi rokuti, “Uku Tenzi akatokomborera mhuri yaObhedhiedhomu pamwechete nezvose zvaaiva nazvo pamusana pebhokisi raMwari rechitenderano.” Ipapo Dhavhidhi akadzikako akandotora bhokisi raMwari mumba maObhedhiedhomu, akaenda naro kuGuta raDhavhidhi achipembera kufara.13. Vakanga vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakangoti fambei nhanho nhanhatu, akabvawo apira chibayiro chemombe nechimhuru chakakodzwa.14. Dhavhidhi akatamba achipemberera Tenzi napose paaigonera. Izvozvo Dhavhidhi akanga akapfeka efodhi yerineni.15. Saizvozvo Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri ndokuunza kwavakaita bhokisi raTenzi rechitenderano kuchipururudzwa, hwamanda ichidandaura.16. Kuzoti zvino bhokisi raTenzi ropinda muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napahwindho. Akaona mambo Dhavhidhi chiri chamuchachari chaicho kutamba achipemberera Tenzi, Mikari uyu akabva amushora chaizvo nechomumwoyo.17. Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano vakariisa panzvimbo yaro mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi. Dhavhidhi akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kuna Tenzi.18. Pakapedza Dhavhidhi kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akakomborera vanhu nezita raTenzi wehondo nehondo.19. Akazogoveranisa vanhu vose, gungano rose zvaro reIsiraeri, varume navakadzi zvokudya zvinoti: chingwa nenyama yechirango nechitsumbu chamagirepisi akaomeswa pamunhu. Vanhu vose vakati uyu kwake, uyu kwake voenda zvavo kumisha yavo.20. Dhavhidhi akadzokera kundokomborera mhuri yake. Mikari mukunda waSauro akauya kuzochingurana naDhavhidhi, ndokubva ati, “Mambo weIsiraeri nhasi uno ashamisira zvinogara zvakadaro, kupfekenura here chokwadi pane varanda vechikadzi vemakurukota ake kudaro, sedzenga romunhu rinonyatsozvifumura zvaro pachenachena!”21. Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari, “Heekaka. NdiTenzi wazvanga zvichiitirwa akasarudza ini kutsiva baba wako navose zvavo vemhuri yokwake achindisarudzira kuva ishe wavaIsiraeri, vanhu vaTenzi. Zvokupemberera Tenzi izvozvo, ndozvandichaita zvacho.22. Ndichatofumuka kwazvo kupfuura ipapa kuri kuzvidukupisa. Asi varanda vechikadzi vawareva ivavo, ndivo vacho vachandiremekedza.”23. Mikari mukunda waSauro akadzamara kusvika pazuva rake rokufa asina mwana.Mapisarema 63:1-111. Kusuwira Mwari Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura.2. Regai ndikuonei zvangu munzvimbo yenyu inoera, ndione simba renyu nembiri3. nokuti mwoyochena wenyu uri nani kupinda upenyu, miromo yangu ichakurumbidzai.4. Saka ndichakurumbidzai upenyu hwangu hwose. Ndichasimudza maoko angu ndichidaidza zita renyu.5. Mweya wangu uchadyiririra sokunge ndiri kudya mwongo namafuta muromo wangu uchakurumbidzai norufaro6. pandinokurangarirai ndiri pauvato hwangu ndichikufungai zvikuru panguva dzousiku dzokunamata7. nokuti ndimi manga muri muyamuri wangu. Pasi pamapapiro enyu ndinoimba norufaro.8. Ndinoti nemi name name, ruoko rwenyu rworudyi runondisimbisa.9. Asi vanoda kundiuraya vachadzika pasi pasi penyika.10. Vachauraiwa nehondo yebakatwa vachava nyama yamakava.11. Asi mambo achafara naMwari, vose vanopika naMwari vacharumbidza Mwari miromo yavarevi venhema ichazarirwa.Zvirevo 16:16-1716. Kuwana ungwaru, kuri nani pano kuwana ndarama, kuva nokunzwisisa ndiko kunofanira kusarudzwa pane kusarudza sirivha.17. Mugwagwa mukuru wavarurami unotsaukana nouipi. Munhu anotarisa paanotsika anozvichengetedza upenyu.John 5:1-231. Mushure maizvozvi kwakaita zuva guru ravaJudha, Jesu akakwira kuJerusaremu.2. Zvino muJerusaremu mune dziva riri pedyo neSuwo guru reHwai rinonzi Bhetisaidha muchiHebheru, rine maperere mashanu.3. Mumaperere imomo maiva navarwere; vaiti mapofu nemhetamakumbo navakafa mitezo.4. ***5. Ipapo paiva nomumwe murume akarwara kwamakore makumi matatu ana masere.6. Jesu paakamuona akati rabada uye achiziva kuti akanga akadai kwenguva ndefu, akamuti, “Unoda kuporeswa here?”7. Murwere akamupindura achiti, “Changamire ini handina anondiisawo mudziva kana mvura yabvongodzwa. Pandinenge ndoti ndichipindawo mumwe anobva anditangira.”8. Jesu akati kwaari, “Chisimuka utore rukukwe rwako ufambe.”9. Pakarepo munhu uya akabva aporeswa. Akatora rukukwe rwake akabva afamba. Musi iwoyo wakanga uri musi weSabata.10. Ipapo vaJudha vakati kumunhu akanga aporeswa, “Nhasi iSabata, haubvumirwi kuti utakure rukukwe rwako.”11. Asi iye akavapindura achiti, “Munhu andiporesa ndiye andiudza kuti, ‘Tora rukukwe rwako ufambe.’ ”12. Vakamubvunza kuti, “Ndiani munhu iyeyo akutaurira kuti tora rukukwe rwako ufambe?”13. Asi munhu uya akaporeswa haana kuziva kuti ndiani nokuti Jesu akanga anyangarika sezvapanga paina manyoremanyore avanhu.14. Mushure mezvo Jesu akamuwana paTemberi akamuti, “Tarisa uone kuti wapora; usatadzezve kuti urege kuwirwa nezvakapinda izvi.”15. Murume uya akabva aenda akandotaurira vaJudha vaya kuti Jesu ndiye akanga amuporesa.16. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vaonese Jesu nhamo nokuti akaita zvinhu zvakadai nomusi weSabata.17. Asi Jesu akavapindura achiti, “Baba vangu vanoshanda nazvino neniwo ndinofanira kushanda.”18. Ndokusaka vaJudha vakatonyanya kuda kumuuraya nokuti haana kungotyora chete mutemo weSabata, asi kuti akatiwo Mwari ndiBaba vake pachake achizvienzanisa naMwari.19. Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Mwanakomana haakwanisi kuita chinhu nokwake pachake asi kuita zvaanoona Baba vachiita nokuti zvavanoita ndizvowo zvaanoita.20. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana uye vanomuratidza zvose zvavanenge vachiitawo pachavo uye vachamuratidza mabasa makuru kupinda iwaya kuti mushamiswe.21. Nokuti sezvinongoita Baba kumutsa vakafa vachivapa upenyu, saizvozvo Mwanakomana anopawo upenyu kune waanenge ada.22. Baba havatongi munhu, asi vakapa kutonga kwose kumwanakomana23. kuti vose varemekedze mwanakomana sokuremekedza kwavanoita Baba. Asingaremekedzi Mwanakomana haaremekedzi Baba vakamutuma. Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008