Bhaibheri mune rimwe gore Chikumi 241 Makoronike 11:1-461. VokwaIsiraeri vose vakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni vakati, “Zvamunoona izvozvi tiri hama nehama, vanhu veropa rimwechete chairo nemi.2. Kare kaya, kunyange Sauro paakanga achiri mambo, ndimi maimhanya-mhanya nebasa rokutungamiririra Isiraeri kuhondo uyewo Tenzi, Mwari wenyu akakutii, ‘Imi ndimi muchava mufudzi wavanhu vangu vaIsiraeri, muchava ishe weIsiraeri.’ ”3. Ndizvo zvakaunza vakuru vakuru vokwaIsiraeri vose kuna mambo kuHebhuroni ndokubvawo Dhavhidhi aita chibvumirano navo kuHebhuroni, ikoko pana Tenzi. Vakagadza Dhavhidhi umambo hwokwaIsiraeri sokutaura kwakaita Tenzi nomuromo waSamueri.4. Dhavhidhi neIsiraeri yose vakaenda kuJerusaremu ndiro guta rimwechetero rinonzi Jebhusi, kwaiva navaJebhusi vagari vomunyika iyoyo.5. Vagari vomuJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Muno haumupindi.” Zvakadaro zvazvo Dhavhidhi akakurira guta retsvingo reZioni ndorakarero rinonzi Guta raDhavhidhi.6. Dhavhidhi akati, “Anenge angoita wokutanga kurwisa vaJebhusi ndiye achava changamire nomutungamiriri wehondo.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akabva ava wokutanga kukwirako nokudaro akabva ava changamire.7. Dhavhidhi akagara munzvimbo yokuhwanda hondo, ndokusaka rakatumidzwa zita rokuti Guta raDhavhidhi.8. Akavaka guta iri kuritenderedza kubvira pachimudhuri chemavhu kutenderera rose. Joabhu akagadzira kumwe kwose kweguta iri kwakanga kwasara.9. Ukuru hwaDhavhidhi hwakaramba hwongoenderera mberi nokuti Tenzi, wehondo nehondo aiva naye.10. Zvino vano ava ndivo vakuru vakuru vemagamba aDhavhidhi okurwa hondo vaimutsigira kwazvo muumambo hwake pamwechete neIsiraeri yose kuti ave mambo sokutaura kwakanga kwaita Tenzi nezveIsiraeri.11. Iyi ndiyo nhoroondo yemagamba aDhavhidhi okurwa hondo: kunoti Jashobheamu wokuHakimoni. Pautatu hwavo ndiye aiva mukuru. Akarwisa mazana matatu avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete.12. Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho wokuAhohi.13. Ndiye akanga aina Dhavhidhi kuPasidhamimu kwakanga kwaunganwa nevaFirisitia kuzorwa hondo. Pakanga paine munda waiva nekoroni. Varwi ndopavakadzvamuka kutiza vaFirisitia.14. Ivo vakamira nomunda iwoyo vachiudzivirira vakauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuvanunura.15. Pavakuru — vakuru makumi matatu vamwe vavo vatatu vakasvika kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuromu. Izvozvo matendhe evaFirisitia akanga akadzikwa mubani revaRefaimu.16. Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa. Chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBetirehemu.17. Dhavhidhi akanzwa nenyota akati dai waro pangowana mumwe anonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuwo guru raro.18. Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe evaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rokuBetirehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi asi Dhavhidhi akaramba kuinwa akaiteurira pasi kuna Tenzi19. achiti, “NaMwari wangu chaiye, handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai. Iropaka iri upenyuka uhu hwavanhu vaendako, nokuti vatopinzaka ava upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa namagamba matatu aya.20. Abhishai munun'una waJoabhu ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira zita pamwechete navatatu vaya.21. Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru-mukuru wavo, asi pavatatu vaya haana kupasvika.22. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzieri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.23. Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo, ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro.24. Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira zita pamwechete namagamba matatu aya.25. Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya haana kupasvika. Dhavhidhi akamuita mukuru-mukuru wevokuchengetedza iye mambo.26. Magamba okurwa muzvikwata zvavo zvehondo ndeaya anoti: Asheri munun'una waJoabhu naErihanani mwanakomana waDhodho wokuBetirehemu27. naShamoti wokuHarodhi naHerezi wokuPeroni28. naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekowa naAbhiezeru wokuAnatoti29. naSibhekai muHushati naIrai muAhohi30. naMaharai wokuNetofa naHeredhi mwanakomana waBhaana wokuNetofa31. naItai mwanakomana waRibhai wokuGibheya kwaBhenjamini naBhenaya wokuPiratoni32. naHurai wokumakoronga wokuGaashi naAbhieri muAribhati33. naAzimavheti wokuBhaharumu naEriyabha wokuShaoribhoni34. navanakomana vaHashemu wokuGizoni naJonatani mwanakomana waShage wokuHarari35. naAhiyamu mwanakomana waSakari wokuHarari naErifari mwanakomana waUru36. naHeferu muMumekeri naAhiya muPeroni37. naHeziro wokuKarimeri naNaarai mwanakomana waEzibhai38. naJoeri mukoma nomunun'una naNatani naMibhari mwanakomana waHagiri39. naZereki muAmoni naNaharai wokuBheroti mutakuri wezvombo zvehondo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya40. naIra wokuItira naGarebhu wokuItira41. naUriya muHiti naRabhadhi mwanakomana waAhirai42. naAdhina mwanakomana waShiza wokuRubheni aiva mutungamiriri wokwaRubheni, chikwata chake chiri makumi matatu avanhu43. naHanani mwanakomana waMaaka naJoshafati muMitini44. naUziya wokuAshiteroti Shama naJeieri vanakomana vaHotamu wokuAroero45. naJedhiyaeri mwanakomana waShimiri nomunun'una wake Jaha muTizi46. naErieri wokuMahavhi naJeribhai naJoshavhiya vanakomana vaErinaamu naItima wokuMoabhu1 Makoronike 12:1-401. Ava ndivo varume vakaenda kuna Dhavhidhi kuZikiragi paye paakanga asingakwanise kufamba pamadiro pamusana paSauro mwanakomana waKishi. Ndivo vamwe vemagamba okurwa hondo vaimubatsira muhondo.2. Vaiva vokurwa nouta nemiseve vaigona kupfura nemiseve kana kukanda matombo noruoko rwose rwose, rudyi kana ruboshwe. Vaiva vokwaBhenjamini hama dzaSauro.3. Mukuru wavo ndiAhiezeru kwouya Joashi vari vanakomana vaShemaa wokuGibhea uyewo Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti kwouya Bheraka naJehu wokuAnatoti4. naIshimaya wokuGibheoni akanga ari gamba rokurwa hondo pamwechete naaye makumi matatu aivawo mutungamiriri wamakumi matatu paivawo naJeremiya naJahazieri naJohanani naJozabhadhi wokuGedhera5. kwouya Eruzai naJerimoti naBheariya naShemariya naShefatiya wokuHarufu6. kwoti Erikana naIshiya naAzareri naJoezeru naJoshebheamu wokwaKora7. kwozoti Joera naZebhadhiya vanakomana vaJehoramu wokuGedhori.8. Kune vokwaGadhi vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa kurenje vaiva magamba agara nayo hondo, panhoo apa nepapfumo dziri nyanzvi chaidzo, uso uhwu dziri shumba chaidzo, pakumhanya apa dzichinge ngururu chaidzo mumakomo.9. Mukuru wavo aiva Ezeru achiteverwa naObhadhiya wechitatu ari Eriyabhu10. wechina Mishimana wechishanu Jeremiya11. wechitatu ari Atai wechinomwe ari Erieri12. wechisere ari Johanani, Erizabhadhi ariye wechipfumbamwe13. wegumi ari Jeremiya, Makibhanai ari wegumi nechiposhi.14. Ivava vokwaGadhi ava ndivo vaiva vakuru vakuru vomuhondo, vadiki vacho vaitungamira zana vakuru vacho nechiuru.15. Ivava ndivo varume vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga rwakazara mhiri nemhiri vakasvikodzvamutsa vaive kumanhika kumabvazuva nokumadokero.16. Vamwewo varume vokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa.17. Dhavhidhi akabuda kundosangana navo akavati, “Kana zvamauyira kuno kwandiri zvakanaka, ini nemi tichaita mwoyo mumwechete. Asi kana mavinga kuti muwane mandiisiro mumaoko evavengi vangu, ini maoko angu akachena, Mwari wemadzibaba edu ngaakuonei akudzorei.”18. Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti, “Tiri venyu isu vaDhavhidhi Tinemi isu mwana waJese! Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi, navanokubatsirai ngavavewo norugare, nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!” Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake.19. Vamwe varume vokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi paakanga oti auye nevaFirisitia kuzorwisa Sauro. Zvakadaro zvazvo haana kuvabatsira nokuti vatongi vevaFirisitia vakazowirirana zvokuti adzoke zvake vachiti, “Kana zvikazotiipira munhu uyu anotisiya opomokera kuna tenzi wake Sauro.”20. Paaidzokera kuZikiragi ava ndivo varume vokwaManase vakapomokera kwaari panoti: Adhina naJozabhadhi naJedhiyaeri naMikaeri naJozabhadhi naErihu naZiretai vatungamiriri vezviuru kune vokwaManase.21. Vakakutsirana naDhavhidhi kurwisa chikwata chiya chevapambi nokuti vose vakanga vari mvumba dzemagamba okurwa hondo vari vatungamiriri vehondo.22. Chaivapo ndechokuti, zuva nezuva vanhu vaingoramba vachikurumukira kuna Dhavhidhi kusvikira paita hondo huru kwazvo sehondo yaMwari.23. Uhwu ndouwandi hwezvikwata zvehondo zvakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kuzobvisa umambo kuna Sauro vachihuisa kuna Dhavhidhi sokutaura kwakaita Tenzi.24. Varume vokwaJudha: vokurwa nenhoo nepfumo vaiva zviuru zvitanhatu zvina mazana masere avarwi.25. VokwaSimeoni: mvumba dzemagamba okurwa hondo, vakanga vari zviuru zvinomwe zvine zana.26. VokwaRevhi: vaiva zviuru zvina zvine mazana matanhatu,27. muchinda Jehoyadha wemba yokwaAroni aine zviuru zvitatu namazana manomwe.28. Zadhoki: mvumba chaiyo, gamba rechidikii rokurwa hondo aiva navatungamiriri vehondo makumi maviri vemba yokwababa vake.29. VokwaBhenjamini: hama dzokwaSauro vari zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vachitsigirana nevemba yokwaSauro.30. VokwaEfuremu: zviuru makumi maviri, mvumba chaidzo dzokurwa hondo, varume vaiva nomukurumbira mudzimba dzemadzibaba avo.31. Chimwe chikamu chokwaManase: zviuru gumi nezvisere vakanga vasarudzwa kuti vauye kuzogadza Dhavhidhi paumambo.32. VokwaIsakari: varume vainzwisisa mamiriro ezvinhu panguva iyoyo, vaiziva zvinofanira kuti zviitwe navaIsiraeri, madzishe anosvika mazana maviri pamwechete nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo.33. VokwaZebhuruni: vaiva makumi mashanu ezviuru vaikwanisa kuenda kuhondo, vakapakata zvombo zvehondo zvemhando nemhando vaine mwoyo mumwechete kuzoita chirwirangwe kubatsira Dhavhidhi.34. VokwaNafutari: vaiva nechiuru chavatungamiriri chaiva namakumi matatu ezviuru ane zviuru zvinomwe zvavarume vaingewo vakapakata nhoo namapfumo.35. VokwaDhani: kwaiva namakumi maviri ezviuru ane zviuru zvisere zvine mazana matanhatu avarwi vaiva vakapakata zvombo zvehondo.36. VokwaAsheri: vaiva makumi mana ezviuru zvavarwi vaikwanisa kuenda kuhondo.37. VokwaRubheni nevokwaGadhi: nevechimwe chikamu chevedzinza rokwaManase vokumhiri kwaJorodhani vari zana rezviuru rine zviuru makumi maviri zvavarwi vakapakata zvombo zvehondo zvemhando dzose.38. Varume ivava vose vokurwa vakauya kuHebhuroni vakarongana zvehondo vachida nomwoyo wose kugadza Dhavhidhi umambo hweIsiraeri yose. Vamwe vose veIsiraeri vaiva nepfungwa imwecheteyo yokugadza Dhavhidhi umambo.39. Vakaita mazuva matatu vaina Dhavhidhi ikoko vachidya nokunwa nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira.40. Vavakangawo vakabatana navo kunyange vokwaIsakari, nokwaZebhuroni nokwaNafutari uko, vakauya nechokudya chakatakurwa namadhongi, nenghamera namanyurusi nemombe zviri zvokudya zvakawanda kwazvo pachiti upfu nezvambwa zvemakuyu nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa newaini nemafuta eorivhi nenyama yemombe neyehwai nokuti hakusi kufara ikoko kwaiva muIsiraeri.Mapisarema 77:16-2016. Mvura payakakuonai Mwari, mvura payakakuonai yakatya. Hongu hwenje hwakadedera.17. Makore akadurura mvura, matenga akatinhira, miseve yenyu yakavaima mativi ose.18. Kupwatika kwemheni yenyu kwakanga kuri muchamupupuri mheni dzenyu dzaipenyesa pasi nyika yakadedera ikandengendeka.19. Mugwagwa wenyu waipfuura nomugungwa; nzira yenyu yaipfuura nomumvura zhinji, asi tsoka dzapamakatsika hadzina kuoneka.20. Makatungamirira vanhu venyu sedanga rehwai vari mumaoko aMosesi naAroni.Zvirevo 19:17-1917. Munhu anoita mwoyochena kumurombo, anokweretesa kuna Tenzi, anomuripa zvaanenge aita zvacho.18. Raira mwana wako achiri kunzwa asi kwete zvokutoda kumuuraya.19. Munhu ane hasha dzakawanda achawana mubayiro wadzo nokuti ukamurandutsira uchatozomurandutsirazve.Mabasa 7:1-211. Mupristi mukuru akati, “Ndizvo here izvi?”2. Sitefani akati, “Hama nemi madzibaba ndinzwei. Mwari wembiri akazviratidza kuna tateguru wedu Abhurahamu paakanga ari kuMesopotamia asati andogara kuHarani akati kwaari,3. ‘Ibva munyika mako nomuhama dzako uende kunyika yandichakuratidza.’4. Akabva kunyika yavaKaradhia akandogara kuHarani. Pakafa baba vake, Mwari akamubvisa ikoko akamuunza munyika ino yamugere iye zvino.5. Asi haana kumupa nhaka mairi kunyange pokutsika rutsoka zvarwo, asi akatsidza kuti achaipa kwaari kuti ive yake uye kuti ive yezvizvarwa zvake mushure make. Kunyange akanga asina mwana,6. Mwari akati zvizvarwa zvake zvichava vatorwa munyika yavamwe vachavaita varanda nokuvabata zvakaipa kwamakore mazana mana.7. Asi Mwari akati, ‘Ndicharanga rudzi irworwo rwavachashandira. Mushure maizvozvo vachabuda vozondinamata munzvimbo ino.’8. Akaita naye chitenderano chokudzingiswa. Naizvozvo Abhurahamu akava baba vaIsaki akamudzingisa pazuva rechisere. Isaki akava baba waJakobho. Jakobho akava baba wamadzitateguru gumi namaviri.9. “Pamusana pokuti mamwe madzitateguru aya akaita shanje naJosefi, akamutengesa kuIjipiti asi Mwari aiva naye.10. Akamununura munhamo dzake dzose akamuitira nyasha. Akamupa ungwaru pamberi paFarao mambo weIjipiti. Iye Farao akamuitawo mutongi weIjipiti neweimba yake yose.11. Zvino kwakauya nzara muIjipiti yose neKanani nokutambura kukuru kwazvo. Madzitateguru edu akashaya zvokudya.12. Jakobho paakanzwa kuti kune zvokudya kuIjipiti akatuma madzibaba edu kokutanga.13. Parwendo rwechipiri Josefi akazvizivisa kuvakoma vake. Ndokubva mhuri yaJosefi yazivikanwa naFarao.14. Josefi akavatuma kundodana Jakobho baba vake kwaari nehama dzake dzose dzaisvika makumi manomwe ane vanhu vashanu.15. Jakobho akadzika kuIjipiti. Iye pachake namadzitateguru edu vakafa.16. Jakobho akatakurwa achiendeswa kuShikemu akaradzikwa muguva rakanga ratengwa nechitsama chemari kuvana vaHamori kuShikemu.17. “Nguva yezvakanga zvatsidzirwa Abhurahamu naMwari payakanga yava kusvika, vanhu vakawanda, vakava vazhinji18. kusvikira pamuka mumwe mambo akanga asingazivi Josefi.19. Munhu iyeyo akabata rudzi rwedu noujarijari. Akamanikidza madzitateguru edu kuti vayanike vacheche vavo kuti vafe.20. Panguva iyoyo ndipowo pakaberekwa Mosesi uye akanga akanaka zvikuru kwazvo pana Mwari. Akarerwa kwemwedzi mitatu mumba mababa vake.21. Paakazoburitswawo panze mukunda waFarao akamutora akamuita wake ndokumurera somwana wake. Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008