Bhaibheri mune rimwe gore Chikunguru 182 Makoronike 32:1-331. Mushure mezviito zvakatendeka kudai Senakeribhu mambo weAsiria akauya kuzorwisa Judha akakomba maguta etsvingo aine pfungwa yokuakurira kuti aaite ake.2. Pakaona Hezekiya kuti Senakeribhu akanga auya achida kuzorwisa Jerusaremu,3. akarangana namakurukota ake navarume vokwake, magamba okurwa hondo kuti vamise mvura yezvisipiti zvaiva kunze kweguta vakamubatsira.4. Vanhu vazhinji kwazvo vakaungana vakamisa zvisipiti zvose nekakova kaiyerera nomunyika umu vachiti, “Iwo madzimambo eAsiria angasvikowanirei paine mvura yakawanda kudai?”5. Hezekiya akatsunga mwoyo akavakiridza rusvingo rwose rwakanga rwapazika pamusoro pedzinharire akapasimudza. Kunze kwarwo akavaka rumwe rusvingo akabva asimbisa Chimudhuri cheMavhu chiya chomuguta raDhavhidhi. Akagadzirawo zvombo zvehondo nenhoo zvakawanda kwazvo.6. Akasarudza vakuru vakuru vokuhondo akavakokorodzera kwaari panhandare yepasuo guru reguta iri akataura navo zvakavafadza mumwoyo achiti,7. “Shingai mutsunge mwoyo! Musambotya zvenyu kana kuzeza mambo weAziriya kana gurusvusvu ravanhu raauya naro. Watinaye mukuru pane wavanaye.8. Simba raanaro isimba ravanhu asi watinaye isu ndiTenzi, Mwari wedu wokutibatsira nokutirwira hondo dzedu.” Vanhu vakasimbaradzwa mwoyo nemazwi aHezekiya mambo wokwaJudha.9. Mushure mezvizvi, Senakeribhu mambo weAsiria ainge akakomba guta reRakishi nehondo yake yose, akatumira makurukota ake kuna Hezekiya mambo wokwaJudha nokuvanhu vose vokwaJudha vaiva muJerusaremu achiti,10. “Senakeribhu mambo weAsiria ati, ‘Unoinzwa neiko chaicho chaungamire nacho pakukombwa kweJerusaremu uku?’11. Hakusi kufurirwa zvenyu here naHezekiya kwamuri kuitwa uku kuti akuurayisei zvenyu nenzara nenyota achikutii, ‘Tenzi, Mwari wedu achatinunura mumaoko amambo weAsiria?’12. Haasiye here Hezekiya mumwecheteyo akabvisa nzvimbo dzake dzakatunhumara dzokuteurira akatemera Judha neJerusaremu chirevo chokuti, ‘Pamberi peatari imwechete iyoyi iyi ndopamava kufanira kuzopfugamira nokupisira zvibayiro zvenyu pairi iyoyi iyi?’13. Hamuzive here zvakaitwa neni nemadzibaba angu kumarudzi ose edzimwe nyika? Vamwari vamarudzi acho enyika idzodzo vakanga vachimbokwanisa here kununura nyika dzavo mumaoko angu?14. Pana vamwari vemarudzi iwayo akanyatsoparadzwa nemadzibaba angu, ndoupi akakwanisa kununura vanhu vake mumaoko mangu zvokuti Mwari wenyu angazokwanisawo kutokununurai mumaoko angu?15. Saka zvino regai kunyengedzwa kana kufurirwa naHezekiya kudai. Regai kuvimba naye nokuti hakuna mwari worumwe rudzi rwevanhu kana weimwe nyika ipi zvayo akagona kununura vanhu vake mumaoko angu kana mumaoko emadzibaba angu. Ndoda, kutozoti iye Mwari wenyu pakepowo, ndiye angazokununurai iyeyo mumaoko angu?”16. Makurukota ake akatopfuura ipapo kutafurira Tenzi Mwari nomuranda wake Hezekiya.17. Iye akatonyora tsamba dzokushora Tenzi, Mwari weIsiraeri achimutafurira achiti, “Sezvakangoitawo vamwari vevanhu vedzimwe nyika vasina kugona kununura vanhu vavo mumaoko mangu ndozvimwechetezvo naMwari waHezekiya haagone kununura vanhu vake mumaoko mangu.”18. Vakazhamba nomutauro wechiJudha kuvanhu vomuJerusaremu vakanga vari parusvingo kuvatyisidzira nokuvapinza mweya wokutya kuitira kuti vatore guta iroro variite ravo.19. Vakataura nezvaMwari weJerusaremu samatauriro avaingaitewo zvavo nezvevamwari vamarudzi evanhu vepasi pano vokugadzirwa zvavo namaoko avanhu.20. Mambo Hezekiya nomuporofita Isaya mwanakomana waAmozi vakanamata naizvozvi vachitsvitsa chichemo ichocho kumatenga.21. Tenzi akatuma mutumwa akauraya magamba okurwa hondo navatungamiriri vehondo navakuru vakuru vokuhondo vose kumatendhe amambo weAsiria. Naizvozvo akadzokera kunyika kwake adonha uso nokunyara. Paakapinda mumba yamwari wake vana vake chaivo vokubereka vakabva vamuuraira imomo nebakatwa.22. Tenzi akanunura Hezekiya navagari vomuJerusaremu mumaoko aSenakeribhu mambo weAsiria uye mumaoko evavengi vake vose akavapa vamwe kumativi ose.23. Vazhinji vakaunza zvipo kuna Tenzi kuJerusaremu nezvinhu zvinokosha kuna Hezekiya mambo wokwaJudha zvokuti akaremekedzwa pane marudzi ose mushure maizvozvo.24. Namazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa. Akanamata kuna muTenzi. Iye akamupindura nechiratidzo.25. Asi Hezekiya haana kutirimuka kutendawo zvakanaka zvaakanga aitirwa nokuti akanga ava nemwoyo wokuzvikudza. Naizvozvo Mwari akamushatirirwa iye nenyika yokwaJudha neJerusaremu.26. Asi Hezekiya, pakuzvikudza kwake kuye akazozvidukupisa pamwechete navagari vomuJerusaremu zvokuti Tenzi haanawo kuzovavirukira nehasha pamazuva oupenyu hwaHezekiya.27. Hezekiya aiva noupfumi hwakawanda kwazvo achiremekedzwa zvikuru kwazvo. Akazvigadzirira dzimba dzokuchengetera upfumi hwesirivha nendarama nematombo akakosha nemetunonhuwirira nemenhoo nememhando nemhando dzemidziyo yakakosha28. namaturawo embesanwa dzinenge dzabva muminda nemokuchengetera waini namafuta eorivhi namatanga okuchengetera zvipfuwo zvemhando nemhando dzakasiyana nezvirugu zvehwai.29. Akazvigadzirirawo maguta akava nezvipfuwo nemombe dzakawanda kwazvo nokuti Mwari akanga amupa upfumi hwakawanda.30. Hezekiya wakareyu ndiyezve akadzivirira mvura yokuGihoni paye payaibuda napo nechokumusoro, akaiendisa kumadokero kweGuta raDhavhidhi. Hezekiya akabudirira kwazvo pamabasa ake ose.31. Panyaya yenhumwa dzamakurukota okuBhabhironi vaiva vatumwa kwaari kuzonzwa nezvechiratidzo chakanga chaitika munyika imomo, Mwari akambomusiya kuti azvionere achimuedza kuti aone chaizvoizvo kuti munhu ane mwoyo wakadii.32. Inga dzimwe nyaya dzezvaHezekiya nezviito zvake zvakanaka zvakanyorwa wani mune zvakazarurirwa muporofita Isaya mwanakomana waAmozi zviri muBhuku reMadzimambo okwaJudha neokwaIsiraeri.33. Hezekiya akazovata oendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake. Vakamuviga pamukwidza pane makuva evanakomana vokwaDhavhidhi. Parufu rwake, vokwaJudha vose navagari vomuJerusaremu vakamuviga zvine chiremera. Mwanakomana wake Manase ndiye akazotonga panzvimbo yake.2 Makoronike 33:1-251. Manase akanga ava namakore gumi namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwamakore makumi mashanu ane mashanu ari muJerusaremu.2. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi achitevedzera tsika dzinosemesa kwazvo dzaiitwa namarudzi akadzingirwa vanhu vechiIsiraeri naTenzi3. nokuti akavakazve nzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzakanga dzamboparadzwa nababa wake Hezekiya. Iye akavakirawo vanaBhaari atari akagadzirawo zvifananidzo zvokunamata zviAshera. Akapfugamira gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga achizvinamata.4. Akavakawo dziatari mumba yaTenzi yakanga yanzi naTenzi, “PaJerusaremu ndipo pachava nezita rangu nokusingaperi.”5. Akavakira atari gurusvusvu rezvinhu zvose zvomudenga muzvivanze zviviri zvemba yaTenzi.6. Akapisa vana vake vakomana sezvibayiro mubani remwanakomana wokwaHinomu. Manase akanga apindawo mune zvokufembera nemaminimini nezvoun'anga hwokududzira mashura nokuromba mishonga kumasvikiro nokun'anga. Akaita zvakaipa zvakanyanya kwazvo zvisingadiwe naTenzi akamuvirutsa nehasha.7. Chifananidzo chokunamata chaakagadzira chiya akachimisa mumba yaMwari iya yakanga yanzi naMwari kuna Dhavhidhi nokumwanakomana wake Soromoni, “Pamba iyi neJerusaremu pandakasarudza mumadzinza ose eIsiraeri ndipo pandichaisa zita rangu narini wose8. uyewo kuti handizoita kuti tsoka yomuIsiraeri ibude kunze vadzungairezve vari kunze, kwenyika yandakasarudzira madzibaba avo. Ndokunge chete vachenjerera kuita zvose zvandakati vaite uye nezvose zviri pamutemo nemirao nezvirevo zvavakapiwa nokuna Mosesi.”9. Manase akafurira vokwaJudha pamwechete nevagari vomuJerusaremu zvokuti vakaita zvakaipa zvaitopfuura zvakaitwa namarudzi aye akaparadzwa naTenzi achiadzingira vanhu veIsiraeri.10. Tenzi akataura kuna Manase nokuvanhu, asi havana kuzviteerera.11. Naizvozvo Tenzi akavaunzira vatungamiriri vehondo vokwamambo weAsiria. Vakasvikobata Manase nezvikochekero vakamusunga nengetani dzendarira vakaenda naye kuBhabhironi.12. Ari munhamo yake iyoyi akateterera kuna Tenzi, Mwari wake kuti amucheukewo. Akazvidukupisa kwazvo pana Tenzi, Mwari wemadzibaba ake.13. Akanamata kwaari, Mwari akagamuchira chichemo chake akanzwa chikumbiro chake akabva amudzosera kuJerusaremu paumambo hwake. Ndopakazoziva Manase kuti Tenzi ndiye Mwari.14. Mushure macho akavakira Guta raDhavhidhi rumwe rusvingo nechokunze kumadokero kweGihoni mubani, uye rwekumusuo wokupinda kusuo guru reHove. Akapoterera narwo nokuOfero. Akarurebesa kwazvo kuenda mudenga. Akaisa vatungamiriri vehondo mumaguta ose etsvingo okwaJudha.15. Akabvisa mumba maTenzi, vamwari vasirivo nechifananidzo chokunamata chiya neAtari dzose dzaakambenge avaka pagomo reimba yaTenzi nomuJerusaremu. Akazvirasira kunze kweguta.16. Akagadziridzawo atari yaTenzi akapirirapo zvibayiro zvomipiro yokuwadzana neyokutenda. Akatemera vokwaJudha kuti vanamate Tenzi, Mwari waIsiraeri.17. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachipira zvibayiro panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziya asi vachipira kuna Tenzi, Mwari wavo chete.18. Inga dzimwe nyaya dzezvaManase nomunamato wake waakaita kuna Mwari wake nemazwi avaoni vakataura kwaari muzita raTenzi, Mwari weIsiraeri dzirimo muNhoroondo dzaMadzimambo eIsiraeri.19. Kwouyawo munamato wake nokugamuchirwa kwakaitwa chichemo chake naMwari, nechitadzo chaakapara, nokusava munhu ari pachokwadi kwaakaita nemaakavakira nzvimbo dzokuteurira dzokunamatira akamisa zvifananidzo zviAshera nezvimwewo zvifananidzo zvokunamata asati azvidukupisa, zvakanyorwa wani muNhoroondo dzavaoni.20. Saizvozvo Manase akavata oenda kwakaenda vamwe madzitateguru ake vakamuviga mumba make. Mwanakomana wake Amoni ndiye akazotonga panzvimbo pake.21. Amoni akanga ava namakore makumi maviri namaviri paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakore maviri ari muJerusareumu.22. Akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi sezvakaitwa nababa wake Manase. Amoni akapira zvibayiro kuzvifananidzo zvose zvokunamata zvakanga zvagadzirwa naManase baba vake akazvinamata.23. Haana kuzvidukupisa pana Tenzi sezvakaita Manase baba vake akazvidukupisa. Amoni iyeyu akaramba achingopara dzimwe mhosva.24. Makurukota ake akaita bangano rokumupandukira vakamuuraya mumba make.25. Vanhuwo venyika iyoyo vakauraya vose vakanga vapandukira mambo Amoni wacho. Vanhu vomunyika imomo vakagadza Josiya mwanakomana wake umambo panzvimbo pake.Mapisarema 85:8-138. Ndichanzwa zvichataurwa naTENZI Mwari nokuti achataura zvorugare kuvanhu vake, kuna vatsvene vake. Dai vakangorega zvavo kupindukira kuupenzi.9. Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu.10. Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana.11. Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga.12. TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.13. Ururami huchatungamira pamberi pake huchimugadzirira paanozofamba napo.Zvirevo 21:12-1212. Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa.Mabasa 20:17-3817. Pauro, ari kuMiretusi akatumira nhume kuEfesusi kundodaidza vakuru vakuru vesangano.18. Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia,19. ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha.20. Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba21. ndichipa uchapupu kuna vaJudha nokuna vaGiriki nezvokutendeukira kuna Mwari uye nezvechitendero muna Tenzi wedu Jesu Kristu.22. Zvino, chionai ndavakuenda kuJerusaremu ndakabatwa naMweya. Handizivi zvichandiwira ikoko,23. kusiya kuti Mweya Mutsvene anondiyambira mumaguta ose kuti jeri nenhamo zvakandimirira;24. asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari.25. Zvino, chinzwai, ini ndinoziva kuti imi vandakafamba mukati mavo ndichiparidza umambo uhu, hamuchazoona chiso changu zvakare.26. Nezvo ndinotaura pachena kwamuri mose nhasi uno kuti ini mhosva handisisina, wafa wafa, wasara wasara27. nokuti handina kuteta kukutaurirai pachena zvirongwa zvose zvaMwari.28. Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake.29. Ndinoziva kuti mushure mokuenda kwangu mhumhi dzinorura dzichauya pakati penyu dzisina tsitsi nokuuraya danga.30. Kunyange mukati menyu iyemi muchamuka varume vachataura zvakatsauka kuti vakwezvere vadzidzi kwavari.31. Naizvozvo chenjerai muchiyeuka kuti kwamakore matatu handina kumbomira siku nesikati, kukupai mazano mumwe nomumwe nemisodzi padama.32. Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene.33. Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu.34. Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo.35. Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”36. Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose.37. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda.38. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe. Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008