Bhaibheri mune rimwe gore Gunyana 9Isaya 9:1-211. Asi hapachave nokusuruvara munyika iya yakanga ichitambura. Kare, Mwari akambopinza munhamo nyika yokwaZebhuruni nenyika yokwaNafutari asi munguva iri kuuya achaita kuti nzira yokugungwa inyatsopfumbira, nyika iri mhiri kwaJorodhani muGarirea kugere vechirudzi.2. Vanhu vaifamba murima vaona chiedza chikuru; vanhu vaigara munyika yezarima rorufu, chiedza chavavhenekera.3. Maita kuti rufaro rwavo ruwande mavapa rufaro rwakawanda vari kupembera kufara pamberi penyu sokufarwa kunoitwa pakukohwa sokufara kunoita vanhu pakugovana zvinenge zvapambwa.4. Pamusana pokuti matyora joko raimuremera netsvimbo yokumurova mapfudzi, neshamhu yaiye waimubata zvakaipa, sepazuva riya ramakakurira Midhiani5. nokuti shangu dzose dzomurwi wehondo dzavanogiga nadzo pasi muhondo nehanzu dzose dzakaumburudzwa muropa dzichapiswa sehuni dzomoto;6. nokuti tazvarirwa mwana, tapiwa mwana mukomana; umambo uchava mumaoko make uye zita rake richanzi, “Gurukotarinoshamisa,” “Mwarisamasimbaose,” “Babanyakugaranokugara,” “Jindarorugare.”7. Umambo hwake hucharamba huchingoenderera mberi huine rugare rusina mugumo ari pachigaro chaDhavhidhi paumambo hwake kuti hudzike midzi nokuhutsigisa noruenzaniso noururami kubvira zvino kusvikira narini wose. Tenzi wehondo nehondo neshungu dzake achatozviita izvozvo.8. Tenzi atumira vokwaJakobho shoko richasvika munzeve dzaivava vokwaIsiraeri9. vanhu vose vachariziva vokwaEfuremu vagari vokuSamaria vanotaura vachizvikudza vanozvitutumadza vachiti,10. “Zvidhina zvakakoromoka zvazvo, asi isu tichavaka namabwe akavezwa; mikuyu yakatemwa zvayo, asi tichaitsiva nemisidhari isu,”11. nezvo Tenzi achavamutsira mhandu agovanyandurira vavengi vavo12. zvichiti vaSiria kumabvazuva, vaFirisitia kumadokero miromo yakashama kuti vazhanye Isiraeri. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora uye muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.13. Vanhu havana kupindukira kuna iye aivaranga kana kutsvaka Tenzi wehondo nehondo.14. Ipapo Tenzi achagwishura nhungamiri dzacho muIsiraeri nokuita nhimura vokumuswe ivavo, bazi romurara norutsanga zvarwo pazuva rimwechetero.15. Vakuru vakuru navanoremekedzwa ndidzo nhungamiri dzacho, vaporofita vanodzidzisa zvenhema, ndivo muswe ivavo;16. nokuti vanotungamirira vanhu ava vanovatungamirira kusiriiko navanotungamirirwa ivavo vanobva vadzungaira.17. Naizvozvo Tenzi haazi kumbozoregerera majaya avo achipunyuka, haasi kuzoitira tsiye nyoro nherera nechirikadzi dzavo nokuti munhu wose zvaMwari haachazvida uye vose vatova vaiti vezvakaipa zvose zvavanotaura nemiromo yavo ndezvoupenzi. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.18. Chinondidariso ndechokuti uipi hunopisa somoto hunoririmisa minzwa norukato unotungidza majokochwa esango zvigotogoka gore reutsi mudenga.19. Pamusana pehasha dzaTenzi wehondo nehondo, nyika inororoma kutsva vanhu vachiita sehuni dzomoto pasisina zvokunzwirana tsitsi.20. Vanoti uku norudyi tyorei vachingosara vanayo nzara, ukuwo noruboshwe vachimochira kudya asi havaguti, mumwe nomumwe achidya mumwe wake;21. vokwaManase vorwisana nevokwaEfuremu, vokwaEfuremu vachirwisana nevokwaManase vose pamwechete vachirwisa vokwaJudha. Nokuda kwaizvozvi hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.Isaya 10:1-341. Zvichavawana vanotema zvirevo zvisina kururama vanyori vanoramba vachinyora zvirevo zvebasa rechibharo2. kuti vatadzise vasina chavanacho kuwana ruenzaniso, vachipamba varombo muvanhu vangu zvinhu zvavanofanira kuti vawane uye kuti vapambe chirikadzi nokutorera nherera zvinhu zvadzo.3. Muchaita waani musi wokurangwa nedutu remhepo richauya richibva kure kure muchatizira kunaani kwamungawane rubatsiro, upfumi hwenyu muchahusiya kupi?4. Chenyu imi kunenge kwangova kuti undundu pakati pavasungwa kana kungoti rakata pakati pezvitunha. Nokuda kwaizvozvo hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.5. Iwe Asiria, shamhu yangu yokunge ndatsamwa, tsvimbo yangu yokunge ndaviruka nehasha6. ndichakuti uvinge rudzi rwavanhu vasisadi zvaMwari ava, ndichakutuma kuvanhu vandinoda kuranga kuti undopamba nokuvatorera zvinhu nokuvatsokodzera pasi samavhu omumigwagwa.7. Asi izvozvi haasi kumbozvifunga, mumwoyo make izvozvi hazvimo. Chiri mupfungwa dzake kuparadza chete nokutsakatisa ndudzi dzavanhu dzakawanda8. nokuti anototi, “Inga vatungamiriri vangu vehondo vose madzimambo wani.9. Guta reKarino harina kuitwa zvakaitwa neKarishemeshi here? Ko Hamati harina kuitwa zvakaitwa neAripadhi here? Ko Samaria harina kuita zvakaitwa neDhamasikusi here?10. Sokutambanudzira ruoko rwangu ndichiranga nyika nenyika dzinonamata zvifananidzo, dzine zvifananidzo zvakakura kupinda zveJerusaremu neSamaria11. ndozvandichaita izvozvi kuJerusaremu nezvifananidzo zvayo sezvandakangoita kuSamaria nezvifananidzo zvaro!”12. Pachapedza Tenzi basa rake rose paGomo reZioni napaJerusaremu, ndicharangira mambo weAsiria kuzvitutumadza nokuzvikudza kwaanoita nokudada kwaanoita achidhadhaira13. achiti, “Ini noruoko rwangu ndini pano ndakazviita ini nesimba rangu, ndakazviita ini noungwaru hwangu nokuti ndinonzwisisa. Miganhu yedzindudzi dzavanhu ndakaibvisa ini, ndikapamba upfumi hwavo. Sehandira chaiyo, vainge vari pazvigaro zvoumambo ndakavatozomora ini.14. “Ndakawana upfumi hwendudzi dzavanhu sezvinongoita ruoko runenge rwawana dendere reshiri, uye sezvinongoita vanhu kuunganidza mazai akaramwiwa, ndokukukucha zvangu kwandakaita nyika. Hapana akambosimudza bapiro kana kushama muromo kana kuti chwe-e.”15. “Iro demo ringadhadhairire here munhu anoritemesa, iro soo ringadadire here anorichekesa wacho? Sokunge mubhadha ungavheyese anousimudza, kana kuti tsvimbo ingasimudze iye asiri chimuti!”16. Naizvozvo Tenzi Tenzi wehondo nehondo achatumira denda rokuperezeka muviri mukati mehweswa chaidzo dzevarwi vake, mukati momukurumbira wake muchapisa sokupisa kunoita moto uri kubvira.17. Mwenje weIsiraeri uchaita somoto. Anoera wake achaita serimi romoto, uchapisa nokuroromesa minzwa yake norukato nezuva rimwechete.18. Masango ake ane mukurumbira neminda yake inopa, Tenzi achaparadza zvose mweya nomuviri, zvichiita somurwere aperezeka muviri.19. Miti yemasango ake ichasara yava mishoma zvokuti mwana muduku angatogonawo kuiverenga.20. Pazuva iroro chitsama chevaIsiraeri vanenge vasara nevemba yaJakobho vakapunyuka rufu vachange vasisazemberane norudzi rwakavarova asi vachazembera pana Tenzi Anoera waIsiraeri pachokwadi.21. Chitsama chichadzoka, chitsama chevokwaJakobho chichadzokera kuna Mwari Samasimbaose22. nokuti kunyange zvazvo vanhu venyu vaIsiraeri vakawanda sejecha rokumahombekombe kwegungwa, chitsama chavo chete ndicho chichadzoka. Zvokuparadza izvi zvakatotemwa zviri chinhu chizere noururami,23. nokuti Tenzi Mwari wehondo achanyatsopedza kuita zvaakatema mukati menyika yose.24. Naizvozvo zvanzi naTenzi, Tenzi wehondo nehondo, “Imi vanhu vangu vagere muZioni musatye zvenyu vaAsiria pavanokurovai netsvimbo yavo vachikusimudzirai shamhu sezvakaita vaIjipiti,25. nokuti mushure mekanguva kadikidiki hasha dzangu dzichapera asi ini nehasha dzangu ndovapindukira kuvaparadza.26. Tenzi wehondo nehondo achavasumudzira shamhu yokuvarova somurovero waakaita Midhiani padombo rokuOrebhu, tsvimbo yake ichange yakatambanudzirwa pamusoro pegungwa achiisimudza sezvaakaita muIjipiti.27. Pazuva iroro mutoro wake uchabviswa pamapfudzi ako; joko rake richatyorwa rigobviswa pamutsipa penyu.” Asiria yakakwidza achibva kuRimoni,28. yakasvika kuAiati, yakapfuura nokuMigironi yakasiya yachengetesa nhumbi dzayo kuMikimashi.29. Yadimura napamupata wegomo yakazorara yava kuGebha, guta reRama radedera vomuGibhia guta rokwaSauro vakatiza.30. Ridza mhere iwe mukunda, guta reGarimu, teerera unzwe nhaiwe Raisha umudaire iwe Anatoti.31. Madhimena ririkutiza vagari vomuGebhimu votizira kundopotera.32. Iye nhasi uno wakare Asiria ichandomira yava kuNobhu ichazunza chibhakera chayo ichikungira gomo romukunda weZioni, chikomo cheJerusaremu chacho.33. Chionai, Tenzi Mwari wehondo nehondo achavakwazhura semapazi nesimba rinotyisa, mazipazi marefurefu achatemerwa pasi uye akati dzu-u mudenga achiarizhira pasi pasi.34. Achatemera pasi nedemo majokochwa amasango, uye Rebhanoni ichaparara pamwechete nemiti yayo mirefu.Mapisarema 106:1-51. Areruya. Tendai TENZI nokuti wakanaka nokuti mwoyochena wake hauperi.2. Ndiani angataure mabasa aTENZI esimba kana angaparidze mukurumbira wake?3. Vakakomborerwa zvavo vanoita zvino ruenzaniso; vanoita zvakarurama nguva dzose.4. Ndiyeukeiwo TENZI pamunoratidza vanhu venyu kuvada kwenyu. Ndiyamureiwo pamunovanunura5. kuti ndiwanewo kubudirira kwavasarudzwi venyu kuti ndifarewo panofara vanhu venyu. Ndigopemberawo nenhaka yenyu.Zvirevo 25:1-21. Idziwo itsumo dzaSaromoni dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya mambo wokwaJudha.2. Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu inotova mbiri kwaaari asi mbiri yamadzimambo, iri mukutsvakisisa zvinhu.2 VaKorinte 1:1-241. Ndini Pauro mupositori waKristu Jesu, ndakasarudzwa naMwari, ndinokunyorerai ini nehama yedu Timoti, imi vesangano raMwari riri kuKorinde pamwechete navatsvene vose vari muAkaya yose ndichiti2. Mwari Baba wedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.3. Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaTenzi wedu Jesu Kristu, Baba vetsitsi, Mwari anonyaradza muna zvose,4. anotinyaradza mumatambudziko edu ose, kuti tikwanisewo kunyaradza vamwe vanenge vari mumatambudziko api naapi zvawo nokunyaradzwa ikoko kwatinenge taitwa naMwari.5. Nokuti sokubatana zvakanyanya kwazvo kwatinoita naKristu mumatambudziko ake saizvozvowo nokuna Kristu tinonyaradzwawo zvikuru kwazvo.6. Kana isu tichitambudzika, ndimi vatinotambudzikira kuti munyaradzwe nokuponeswa. Kana tikanyaradzwa imi munobva mawana kunyaradzwawo kwamunonzwa kana muchitirira nemwoyo murefu matambudziko mamwechetewo atinotambudzika.7. Chivimbo chedu mamuri hachizunguzuki nokuti tinoziva kuti sokubatana kwatinoita nemi mumatambudziko edu, muchanyaradzwawo pamwechete nesu.8. Hatidi kuti munge musingazivi, hama dzangu, nezvamatambudziko atakawana kuAsia nokuti takarwadziwa zvokurwadziwa zviya, zvokuti takanga tongoti kwatova kufa uku.9. Zvaitovapo ndezvokuti takatenge tavakuzviona savanhu vakatongerwa rufu, asi izvi zvakaitika kuti tirege kuvimba nezvatiri asi kuvimba naMwari anomutsa vakafa.10. Akatinunura munyatwa yorufu uye achatinunura. Chivimbo chedu chiri maari chokuti achatinunurazve.11. Imi mukatibatsirawo neminamato yenyu, vazhinji vachatenda nezvikomborero zvatinenge tapiwa pamusana peminamato yavazhinji yatinenge taitirwa.12. Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari.13. Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa,14. sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu.15. Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri.16. Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea.17. Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here?18. NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete,19. nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu.20. Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe.21. Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu.22. Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso.23. Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai.24. Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu. Shona Bible SCLB Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008