Bhaibheri reBhaibheri Enzanisa

1
Zvino wakapinda muchikepe, akayambuka ndokusvika muguta rake.
2
Zvino tarira, vakavuya kwaari nomunhu wakanga akawoma mitezo, avete panhovo; zvino Jesu achivona kutenda kwavo akati kumunhu wakanga akawoma mitezo: Mwana, tsunga moyo, wakangamwirwa zvivi zvako.
3
Zvino tarira, vamwe vavanyori vakati mumoyo yavo: Uyu unomhura Mwari.
Shona Bible 2009?
No Data
1
Jesu paakapinda mugwa, akayambuka ndokusvika kuguta rake.
2
Havo vamwe vanhu vakauya nomunhu akanga akatonhora mitezo akati rabada pabonde rake! Jesu paakaona chitendero chavo akati kune munhu uya akatonhora mitezo, “Tsunga mwoyo mwanangu, zvitadzo zvako zvaregererwa.”
3
Ipapo dzimwe nyanzvi dzomutemo dzakati, nechomumwoyo, “Munhu uyu ari kushonha Mwari.”
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
1
Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.
2
Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”
3
Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica
1
Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake.
2
Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.”
3
Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.”
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
1
Akapinda muigwa, akayambuka, ndokusvika kuguta rake.
2
Zvino vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mitezo achiona kutenda kwavo, akati kumunhu akanga akafa mitezo, “Mwana, tsunga mwoyo, waregererwa zvivi zvako.”
3
Zvino vamwe vavanyori vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu anoshonha Mwari.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
1
Wakapinda mugwa, akayambuka, ndokuȿika kuguta rake.
2
Ɀino ʋakaʋuya kwaari nomunhu wakaŋga akafa mitezo, aʋete panhoʋo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo: Mŋana, tsuŋga mŋoyo, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako.
3
Ɀino ʋamŋe ʋaʋanyori ʋakati mumŋoyo yaʋo: Munhu uyu unomhura Mŋari.
Shona Bible 1949
British and Foreign Bible Society 1949, 2018