VaRoma 1:1
Ndini Pauro muranda waJesu Kristu ndakadaidzwa kuti ndive mupositori akatsaurirwa kuparidza Shoko Rakanaka raMwari.
VaRoma 1:4
Pane zvokuera kwemweya wake, iye Jesu Kristu Tenzi wedu, akanzi Mwanakomana waMwari pasimba pamusana pokumuka kwaakaita kuvafi.
VaRoma 1:6
pamwechete nemi makadaidzwa kuti muve vanhu vaJesu Kristu.
VaRoma 1:7
Ndinokukwazisai imi mose vadikanwi vaMwari vari muguta reRoma, vakadaidzwa kuti vave varurami. Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu ngavakuitirei nyasha nokukupai rugare.
VaRoma 1:8
Pokutanga ndinotenda Mwari wangu nokuna Jesu Kristu. Ndinoitira izvi imi mose pamusana pokuti chitendero chenyu chiri kutaurwa pasi pose.
VaRoma 2:16
pazuva iroro, Mwari paanenge otonga zvakavandika zvavanhu nokuna Kristu Jesu maererano neShoko rangu Rakanaka.
VaRoma 3:22
Kururama ikoko kwaMwari kunoitika nechitendero muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda pasina zvorusaruro
VaRoma 3:24
Vanoruramiswa nenyasha dzake sechipo nokununura kunowanikwa muna Kristu Jesu.
VaRoma 3:26
kuti aratidze iye zvino kuti iye akarurama uye kuti anoruramisa munhu anotenda muna Jesu.
VaRoma 4:24
asi kuti areve isuwo. Nesuwo tichanzi takarurama, isu tinotenda maari iye akamutsa Jesu Tenzi wedu kuvakafa, iye akaurairwa
VaRoma 5:1
Naizvozvo zvatakaruramiswa nechitendero tine rugare naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akaita kuti
VaRoma 5:11
Handizvo chete asi kuti tinotopembera kufara naMwari nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatiwanisa zvino kuwadzana kwedu.
VaRoma 5:15
Chipo chenyasha hachina pachingamboenzaniswa napo kukura nechitadzo chiya, nokuti kana vanhu vazhinji vakafa pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete, ko kutozoti nyasha dzaMwari nechipo chinopiwa pachena, pamusana penyasha dzomunhu mumwechete uya, Jesu Kristu, chinofashurirwa zvakadii kuvanhu vakawanda.
VaRoma 5:17
Kana pamusana pechitadzo chomunhu mumwechete rufu rwakatonga nomumunhu mumwechete iyeyo, zvino vachatonga noupenyu zvakanyanya sei nomumunhu mumwechete Jesu Kristu avo vanogamuchira nyasha dzakawanda nechipo chinongopiwa pachena choururami.
VaRoma 5:21
Izvi zvakaita kuti sokutonga kunoita chitadzo norufu nyashawo dzitonge nokururama kusvikira kuupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 6:3
Hamuzivi here kuti isu tose takaombekwa muna Kristu Jesu. Takaombekwa murufu rwake.
VaRoma 6:11
Naizvozvo imiwo munofanira kuzviona kuti, kuchitadzo muri vanhu vakafa; asi Mwari ari iye upenyu hwenyu muna Kristu Jesu.
VaRoma 6:23
nokuti mubayiro wechitadzo rufu. Asi chipo chaMwari chaanopa pachena upenyu husingaperi muna Jesu Kristu Tenzi wedu.
VaRoma 7:4
Saizvozvowo, hama dzangu, imi pamusana pokuva vamwe nomuviri waJesu, kumutemo muri vanhu vakafa, kuti muve womumwe, iye akamutswa kuvakafa kuti tiberekere Mwari muchero.
VaRoma 7:25
Ndinotenda Mwari kuti ndinonunurwa nokuna Jesu Kristu Tenzi wedu. Saka zviripo ndezvokuti ini pachangu ndinochengeta mutemo waMwari nepfungwa dzangu asi nenyama yangu ndinotevera mutemo wechitadzo.
VaRoma 8:1
Nokudaro hapachisina anopiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
VaRoma 8:2
nokuti muna Kristu Jesu mutemo waMweya woupenyu wakandisunungura kumutemo wechitadzo noworufu.
VaRoma 8:11
Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi achigara mamuri, iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna iyewo Mweya anogara mamuri.
VaRoma 8:34
Ndiani angatipe mhosva? NdiJesu Kristu here iye akafa akamutswa muvafi ari kurudyi rwaMwari, iye anototireverera?
VaRoma 8:39
kana urefu kana kukwira mudenga kana udziki pasi kana chimwe zvacho muzvisikwa zvose chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari rwuri muna Kristu Jesu Tenzi wedu.
VaRoma 10:9
nokuti kana ukataura nomuromo wako kuti Jesu ndiTenzi uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa muvakafa uchaponeswa.
VaRoma 14:14
Ndinoziva uye ndinokurudzirwa muna Tenzi Jesu kuti hapana chinhu chakan'ora pachacho asi kuti chakan'orera kuno uyo anochiti chakan'ora.
VaRoma 15:5
Dai Mwari anotsungisa uye anokurudzira vanhu angoita kuti mugarisane zvakanaka, zvinowirirana naKristu Jesu
VaRoma 15:6
kuti pamwechete nezwi rimwechete murumbidze Mwari naBaba waTenzi wedu Jesu Kristu.
VaRoma 15:16
chokuti ndiri mushandiri waKristu Jesu ndichishanda mukati mevechirudzi uye kuti ndiri mushandiri weShoko Rakanaka raMwari. Ibasa rangu somupristi kupira vechirudzi kwaari sechibayiro chinofadza chakaereswa naMweya Mutsvene.
VaRoma 15:17
Naizvozvo muna Kristu Jesu, ndinozvidadisa nebasa randinoitira Mwari.
VaRoma 15:30
Ndinokukumbirisai hama dzangu, nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu, nokurudo runobva kuna Mweya Mutsvene, kuti muvavarire pamwechete neni muminamato yenyu kuna Mwari muchindinamatira
VaRoma 16:3
Ndikwazisirei Prisika naAkwira vashandi pamwe neni mubasa raKristu Jesu
VaRoma 16:20
Ipapo Mwari worugare anobva apwanyira Satani pasi petsoka dzenyu. Dai Tenzi wedu Jesu Kristu angokuitirai nyasha.
VaRoma 16:25
Ngatirumbidzei iye anogona kukusimbisai maererano neShoko rangu Rakanaka uye maererano nokuparidza kwaJesu Kristu uye nokuzarurwa kwezvakanga zvakavandika kwenguva ndefu asi zvino zvakazoburitswa pachena.
VaRoma 16:27
Mbiri ngaipiwe kuna Mwari oga anoungwaru nokuna Jesu Kristu nokusingaperi. Ameni.