Mavhesi eBhaibheri Pane Zvepamusoro

Misoro
Mwari
Hunhu hwakanaka
Hunhu Hakaipa
Zvivi
Hupenyu
Chechi
Zvakavanzika
Ngirozi nemadhimoni
Yemasvomhu Signs
Kuwedzera
Mwari: [Kukomborera]
Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco.
Ʋakaropafadzwa ʋanocema; nokuti ʋacanyaradzwa.
Ɀino Mŋari waŋgu ucazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya, munaKristu Jesu.
Mŋari ucatiropafadza; Nemigumo yose yapasi icamutya.
[24] Jehova akuropafadze, akuceŋgete; [25] Jehova akuvenekere neciso cake, akunzwire nyasha;
[6] Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. [7] Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu.
Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka.
[7] Wakaropafadzwa iye munhu unoʋimba naJehova, wakaita Jehova ciʋimbo cake. [8] Nokuti ucaʋa somuti wakasimŋa pamvura, unotuma midzi yawo kurwizi, usiŋgatyi kana kupisa kuciȿika, asi mashizha awo acaʋa matema; hauŋgaraŋgariri pagore rokusanaya kwemvura, kana kurega kuɓereka ɀiɓereko.
usatya, nokuti ndinewe; usavunduka, nokuti ndiri Mŋari wako; ndicakusimbisa, ɀirokwaɀo, ndicakuɓatsira; ɀirokwaɀo, ndicakutsigira noruʋoko rwaŋgu rworudyi rwokururama.
Nokuti pakuzara kwake isu tose takapiwa nyasha pamsoro penyasha.
[16] akati: Ɀanzi naJehova: Ndakapika neni ndimene, ndiciti: Ɀawaita iɀoɀo, ukasandinyima mŋanakomana wako mumŋe cete; [17] ndicakuropafadza kwaɀo, ndicawanza ʋana ʋako kwaɀo senyeredzi dzokuɗeŋga, ʋuye sejeca riri pamhenderekedzo dzeguŋgwa; ʋano ʋako ʋacaʋa ʋaridzi ʋamasuʋo aʋaʋeŋgi ʋaʋo;
[28] Mŋari ŋgaakupe ɗoʋa rokuɗeŋga, Mafuta enyika, Neɀiyo newaini ɀakawanda. [29] Ʋanhu ŋgaʋakushumire, Marudzi ose ŋgaakufugamire; Uʋe ishe wehama dzako, Ʋanakomana ʋamai ʋako ŋgaʋakufugamire; Ʋose ʋanokutuka ŋgaʋatukwe, Ʋose ʋanokuropafadza ŋgaʋaropafadzwe.
[1] Wakakomborerwa munhu usiŋgafambi panoraŋgana ʋakaipa, Usiŋgamiri panzira yaʋatadzi, Usiŋgagari panogara ʋaɗaɗi. [2] Asi unofarira murairo waJehova; Unofuŋgisisa murairo wake masikati noʋusiku. [3] Ucafanana nomuti wakasimŋa pahoʋa dzemvura, Unoɓereka micero yawo neŋguʋa yawo, Mashizha awo haaȿaʋi; Cinhu cipi necipi caanoita cicaendika.
[1] Pisarema raDavidi. Jehova ndiye mufudzi waŋgu; Hapana‐candiŋgashaiwa. [2] Unondiʋatisa pasi pamafuro manyoro; Unondisesedza pamvura inozorodza. [3] Unoponesa mŋeya waŋgu; Unondifambisa panzira dzokururama nokuɗa kwezita rake. [4] Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ndikafamba mumupata womumvuri worufu, Handiŋgatoŋgotyi ɀakaipa; nokuti imi mune’ni; Tȿimbo yenyu nomuɗonɀo wenyu ɀinondinyaradza.
[3] Mŋari iɗombo raŋgu, ndicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira, noʋutiziro bgaŋgu. Muponesi waŋgu, munondiponesa pakumanikidzwa. [4] Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
Tinoziʋa kuti mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi; asi wakaɓerekwa naMŋari unoceŋgetwa naye, wakaipa haaŋgamuɓati.
Kana ndicifamba pakati penhamo, imi mucandiponesa; Mucatambanudza ruʋoko rwenyu kudziʋisa kutsamŋa kwaʋaʋeŋgi ʋaŋgu, Ruʋoko rwenyu rworudyi rucandiponesa.
Mŋari unogona kukuwanzirai nyasha dzose kuti ŋguʋa dzose muʋe nokuriŋgana kwose paɀose, kuti muwanze maɓasa ose akanaka;
Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu.
Shona Bible 1949
British and Foreign Bible Society 1949, 2018