Mavhesi eBhaibheri Pane Zvepamusoro

Misoro
Mwari
Hunhu hwakanaka
Hunhu Hakaipa
Zvivi
Hupenyu
Chechi
Zvakavanzika
Ngirozi nemadhimoni
Yemasvomhu Signs
Kuwedzera
Mwari: [Kukomborera]
Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
Vakaropafadzwa vanochema nokuti vachanyaradzwa.
Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
Mwari achatiropafadza, uye migumo yose yepasi ichamutya.
[24] “ ‘Jehovha akuropafadzei uye akuchengetei; [25] Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu uye akunzwirei tsitsi;
[6] Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, nomunyengetero uye nomukumbiro, nokuvonga, isai zvikumbiro kuna Mwari. [7] Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
[7] “Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha, akaisa chivimbo chake maari. [8] Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
[16] akati, “Ndinopika neni pachangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti nokuda kwokuti waita izvi uye kuti hauna kundinyima mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe oga, [17] zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande senyeredzi dzokudenga uye sejecha riri pamahombekombe egungwa. Zvizvarwa zvako zvichatora maguta avavengi vavo,
[28] Mwari ngaakupe dova rokudenga noupfumi hwenyika, zviyo zvakawanda newaini itsva. [29] Ndudzi ngadzikushumire uye marudzi akupfugamire. Uve ishe wehama dzako, uye vanakomana vamai vako vakupfugamire. Vaya vanokutuka ngavatukwe uye vaya vanokuropfadza ngavaropafadzwe.”
[1] Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. [2] Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. [3] Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
[1] Pisarema raDhavhidhi. [1] Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa. [2] Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza, [3] anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake. [4] Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
[3] Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu, norunyanga rworuponeso rwangu. Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu, munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba. [4] Ndinodana kuna Jehovha, iye anofanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
Kunyange ndikafamba pakati penhamo, munochengetedza upenyu hwangu; munotambanudza ruoko rwenyu pamusoro pehasha dzavavengi vangu, munondiponesa noruoko rwenyu rworudyi.
Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.
Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
Shona Bible (BDSC) 2005
Shona Contemporary Bible 2005, 2018 by Biblica