|
| Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.” |
|
|
| Vakakomborerwa zvavo vanochema nokuti vachanyaradzwa |
|
|
| Mwari wangu achakupai zvose zvamunenge musina maererano noupfumi hwake husingatauriki muna Kristu Jesu. |
|
|
| Mwari atikomborera; ngaatyiwe kusvikira kose kwakagumira nyika. |
|
|
| [24] “Tenzi ngaakukomborerei akuchengetei [25] Tenzi ngaakucheukei akunzwirei tsitsi |
|
|
| [6] Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. [7] Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. |
|
|
| Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. |
|
|
| [7] “Akakomborerwa munhu anovimba naTenzi, munhu ane chivimbo naTenzi [8] akaita somuti wakasimwa pamvura unoendesa midzi yawo mukakova hauzozeza kupisa kana kuchiuya nokuti mashizha awo anoramba akasvibira uye hauzotyira gore rokushaikwa kwemvura nokuti haumborega kubereka muchero. |
|
|
| Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ |
|
|
| Kubva mumafashafasha enyasha dzake, takapiwa tose nyasha pamusoro pedzimwe nyasha. |
|
|
| [16] achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga, [17] ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo. |
|
|
| [28] Mwari ngaakuunzire dova rokudenga, ngaanyatsokurisa zvirimwa zvako, akupe mbesanwa dzakawanda newaini. [29] Ndudzi dzose ngadzikushandire, marudzi ose avanhu akugwadamire uve mutongi wehama dzako, vana vaamai vako vakuombere. Vanenge vati uwirwe norushambwa, rushambwa ngaruwire ivo, vakomborerwewo vanoti iwe ukomborerwe.” |
|
|
| [1] Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, [2] asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati. [3] Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira. |
|
|
| [1] Mufudzi wakanaka TENZI ndiye mufudzi wangu hapana chandinoshaya [2] anondirarisa mumafuro manyoro. Achinditungamirira kumvura inozorodza. [3] Anondimutsiridza mwoyo achinditungamirira munzira dzoururami pamusana pezita rake. [4] Kunyange ndikafamba mumupata werima rakati kwirindindi handingatyi chakaipa nokuti imi muneni. Tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza. |
|
|
| [3] Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, simba noruponeso rwangu. Ndiye shongwe yangu yakakwirira, muponesi wokundinunura mumadzudzo. [4] Ndinodaidzira kuna iye anofanira kurumbidzwa, Tenzi; ndinobva ndatonunurwa ini kune vanondivenga. |
|
|
| Asi uyo akaberekwa naMwari, Mwari anomuchengetedza. Saizvozvo muipi uya haambomubatabati. |
|
|
| Kunyange ndikafamba zvangu mukati mematambudziko, imi munochengeta upenyu hwangu, ruoko rwenyu rwesimba runorwisana navavengi vangu vane hasha ruoko rwenyu rworudyi runondinunura. |
|
|
| Mwari anogona kukupai makomborero ose akawanda kwazvo kuti nguva dzose muve nezvinokwana muchikwanisawo kuwana zvinhu zvinodiwa pamabasa ose akanaka. |
|
|
| Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. |
|